KURARAMA KWECHIKRISTU
Koshesa Ushamwari Hwako naJehovha
Zvapupu zvaJehovha zvine chikomborero chakakura chaizvo. SevaKristu vakazvitsaurira uye vakabhabhatidzwa, tinoramba tichisimbisa ushamwari hwedu naChangamire Ishe Jehovha. Ndiye akatiunza kwaari achishandisa Mwanakomana wake. (Joh 6:44) Anonzwa minyengetero yedu.—Pis 34:15.
Tingachengetedza sei ushamwari hwedu naMwari? Hatifaniri kuita zvakaitwa nevaIsraeri. Pasina nguva vaita sungano naJehovha yekuti vachamushumira, vakabva vagadzira mhuri yegoridhe vakatanga kuinamata. (Eks 32:7, 8; 1VaK 10:7, 11, 14) Tinogona kuzvibvunza kuti: ‘Ndinoita sei kana ndikasangana nemuedzo wekuita zvakaipa? Maitiro angu anoratidza here kuti ndinokoshesa ushamwari hwangu naJehovha?’ Kuda zvakadzama kwatinoita Baba vedu vekudenga kuchaita kuti titambire kure nezvinhu zvavanovenga.—Pis 97:10.
ONA VHIDHIYO INONZI CHENGETEDZA USHAMWARI HWAKO NAJEHOVHA (VAK 3:5), WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
-
Chii chinonzi kuchiva kana kuti kuchochora?
-
Nei tisingafaniri kunamata zvidhori kana kuva nemakaro?
-
Upombwe nekunamata zvidhori zvakafanana papi?
-
Nei zvichinyanya kukosha kuti vaya vane mabasa akawanda musangano vawane nguva yekuva nemadzimai avo?