Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MAPISAREMA 135-141

Takaitwa Nenzira Inoshamisa

Takaitwa Nenzira Inoshamisa

Dhavhidhi paaidzamisa pfungwa dzake achiona zvinhu zvakasikwa aibva aona kunaka uye ukuru hwaMwari. Izvi zvakaita kuti ashumire Jehovha kweupenyu hwake hwose.

Kufungisisa zvinhu zvakasikwa, kwakaita kuti Dhavhidhi arumbidze Jehovha:

139:14

  • “Ndichakurumbidzai nokuti ndakaitwa nenzira inoshamisa”

139:15

  • “Mapfupa angu akanga asina kuvanzwa kwamuri, pandakaitwa pakavanda, pandakarukwa ndiri mumativi akadzikira kwazvo enyika”

139:16

  • “Maziso enyu akaona muviri wangu uchangobva kuumbwa, uye nhengo dzawo dzose dzakanga dzakanyorwa mubhuku renyu”