Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Zvausingafaniri Kuita Pakudzidzisa Munhu Bhaibheri

Zvausingafaniri Kuita Pakudzidzisa Munhu Bhaibheri

Kutaura Zvakawanda: Haufaniri hako kufunga kuti ndiwe unofanira kutsanangura zvese. Jesu aibvunza mibvunzo kuti abatsire vanhu kufunga uye kuti vazvionere chokwadi. (Mt 17:24-27) Mibvunzo inoita kuti kudzidza kunakidze uye inokubatsira kuziva kuti mudzidzi abata zvipi uye zvaanotenda. (be 253 ¶2-3) Paunobvunza mubvunzo mumirire kuti apindure. Kana akapa mhinduro isiri iyo, pane kuti umuudzire, tsvaka mamwe mabvunziro. (be 238 ¶2-3) Kana zvaari kudzidza zviri zvitsva kwaari taura usingamhanyi kuti anyatsobata.—be 230 ¶4.

Kuomesera Mudzidzi: Usaita katsika kekubva wada kumuudza zvese zvaunoziva nezvenyaya yacho. (Joh 16:12) Ita kuti pfungwa inokosha iri mundima yacho ijeke. (be 226 ¶4-5) Kutaura zvinhu zvakawanda-wanda kunogona kuvhara pfungwa dzinokosha. (be 235 ¶3) Kana mudzidzi anzwisisa pfungwa inokosha, ibvai maenda pandima inotevera.

Kungoti Chero Tapedza: Chinangwa chedu ndechekuti munhu anzwisise, kwete kumhanyira kupedza. (Ru 24:32) Shoko raMwari rine simba, saka kurukurai magwaro anobudisa pfungwa dzinokosha dziri muchidzidzo chacho. (2VaK 10:4; VaH 4:12; be 144 ¶1-3) Shandisa mienzaniso iri nyore. (be 245 ¶2-4) Funga zvinotendwa nemudzidzi uye matambudziko aari kusangana nawo, woita kuti aone kuti chidzidzo chacho chingamubatsira sei. Bvunza mibvunzo yakaita seinotevera: “Zvatadzidza izvi munozviona sei?” “Zvinotidzidzisei nezvaJehovha?” “Kuita zvatadzidza kunokubatsirai sei?”—be 238 ¶4-6; 259 ¶1.