Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kukurudzira Vanofarira Kuti Vapinde Misangano

Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kukurudzira Vanofarira Kuti Vapinde Misangano

NEI ZVICHIKOSHA? Patinoenda kumisangano tinowana mikana ‘yekuimbira Jehovha’ uye ‘kumurumbidza.’ (Pis 149:1) Tinodzidziswawo kuita zvinodiwa naMwari. (Pis 143:10) Vanhu vanofarira uye vatinodzidza navo Bhaibheri vanowanzokurumidza kufambira mberi pavanotanga kupinda misangano.

MAITIRWO AZVO:

  • Kurumidza kumukoka. Haufaniri kumirira kuti mutange mava kunyatsodzidza Bhaibheri zvakarongeka.—Zva 22:17

  • Mutsanangurire kuti kuchange kwakadii uye kuti zvii zvichadzidzwa pamusangano unotevera. Unogona kushandisa pepa rekukoka munhu kumisangano, vhidhiyo inonzi Chii Chinoitwa paImba yoUmambo?, uye bhurocha raKuda kwaJehovha pachidzidzo 5 ne 7

  • Mubatsire. Anoda here kuti upfuure uchimutora kana kubatsirwa kusarudza hembe dzakakodzera? Garai pamwe chete pamusangano wacho, moona mose mabhuku anenge achishandiswa. Ita kuti azivane nevamwe vanhu vemuungano