Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Kana Padhoo Pakadairwa Nemwana

Kana Padhoo Pakadairwa Nemwana

Kana padhoo pakadairwa nemwana, tinofanira kubvunza kuti vabereki varipo here. Izvi zvinoratidza kuti tinovaremekedza. (Zvi 6:20) Kana mwana wacho akati tipinde mumba, hatifaniri kupinda. Vabereki vake kana vasipo, tinofanira kuzodzoka pane imwe nguva.

Kunyange kana mwana wacho akura zvekusvika zera remakore 18 tinofanira kukumbira kutaura nevabereki. Kana vasipo, tinogona kumubvunza kuti vabereki vake vanomubvumira here kuti timusiyire mabhuku. Kana vachimubvumira, tinogona kumusiyira uye tomuudza nezvejw.org.

Patinodzokera kunoona wechidiki anenge akaratidza kufarira, tinofanira kukumbira kutaura nevabereki vake. Izvi zvichatipa mukana wekutsanangura zvatafambira uye wekuvaratidza mazano anobatsira mhuri ari muBhaibheri. (Pis 119:160) Kuvaremekedza kuchaita kuti varemekedzewo Zvapupu uye zvinogona kuzotipa mimwe mikana yekuvaudza mashoko akanaka.—1Pe 2:12.