Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | JOHANI 5-6

Tevera Jesu Nechikonzero Chakanaka

Tevera Jesu Nechikonzero Chakanaka

6:9-11, 25-27, 54, 66-69

Jesu paakataura mumwe mufananidzo, vadzidzi vake havana kuunzwisisa uye vamwe vacho vakabva vagumburwa ndokurega kufamba naye. Nezuro wacho, Jesu akanga aita chishamiso chekuvapa zvekudya achiratidza kuti simba rake raibva kuna Mwari. Saka nei vakagumburwa? Vakanga vachitevera Jesu nechikonzero cheudyire. Vaifamba naJesu kuti vapiwe zvinhu.

Mumwe nemumwe wedu anofanira kuzvibvunza kuti: ‘Nei ndichitevera Jesu? Imhaka yemakomborero andiri kuwana uye andinovimbiswa here? Kana kuti imhaka yekuti ndinoda Jehovha uye ndinoda kumufadza?’

Nei tingagumburwa kana tikangoshumira Jehovha nemhaka yezvikonzero zvinotevera?

  • Kunakidzwa nekuva pamwe chete nevanhu vaMwari

  • Kuda kuzorarama muParadhiso