SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI | WEDZERA MUFARO WAKO MUUSHUMIRI
Bvuma Kubatsirwa Nevamwe Vaparidzi
Kuti atibatsire, Jehovha akatipa hama nehanzvadzi dzedu. (1Pe 5:9) Dzinogona kutibatsira kuti tikunde matambudziko atinosangana nawo muushumiri. Semuenzaniso, muapostora Pauro akawana rubatsiro kubva kuna Akwira naPrisira, Sirasi, Timoti, nevamwewo.—Mab 18:1-5.
Vamwe vaparidzi vangakubatsira sei muushumiri? Vanogona kukupa mazano ekuparidzira vanhu vanenge vamboramba pakutanga, ekudzokera kunoona vanofarira, uye ekuitisa chidzidzo cheBhaibheri. Funga nezvemumwe munhu ari muungano yenyu anogona kukubatsira, uye mukumbire kuti akubatsire. Izvi zvichakubatsirai mese uye zvichaita kuti mufare.—VaF 1:25.
ONA VHIDHIYO INONZI WANA MUFARO PAKUITA KUTI VANHU VAVE VADZIDZI—BVUMA KUBATSIRWA NAJEHOVHA—HAMA DZEDU, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
-
Neeta akaedza sei kukurudzira Jade kupinda misangano?
-
Nei tichifanira kuenda nevamwe vaparidzi kuchidzidzo cheBhaibheri?
-
Jade nagogo Abi vaifarira zvinhu zvipi zvakafanana?
-
Unyanzvi hupi hwekuparidza hwaunogona kudzidza kune vamwe vaparidzi?