Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Udza Vamwe Mashoko Akanaka Ekuti Nyika Yakanaka Yava Pedyo!

Udza Vamwe Mashoko Akanaka Ekuti Nyika Yakanaka Yava Pedyo!

Muna November tichaedza chaizvo kuparidza mashoko akanaka ekuti nyika yakanaka yava pedyo. (Pis 37:10, 11; Zva 21:3-5) Ronga purogiramu yako kuitira kuti uzoita mushandirapamwe uyu zvizere. Kana ukatora upiyona hwebetsero mumwedzi wacho, unogona kusarudza kuita maawa 30 kana kuti 50.

Gadzirira rugwaro runotaura nezvenyika itsva rwaunoda kuzoverengera vanhu vakawanda. Paunenge uchisarudza vhesi yemuBhaibheri yekuzoverenga, funga inofarirwa nevanhu vemundima yenyu. Kana mumwe munhu akafarira paunomuona kekutanga, mupe Nharireyomurindi Nhamba 2 2021. Chibva wadzokera nekukurumidza, woedza kutanga chidzidzo cheBhaibheri uchishandisa bhurocha raRarama Nekusingaperi Uchifara! Tinofara chaizvo kuita zvizere basa iri rekuzivisa “mashoko akanaka ezvinhu zvakanaka”!—Isa 52:7.

ONA VHIDHIYO YERWIYO RUNONZI NYIKA ITSVA, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Zvinhu zvipi zvakanaka zvichaitika mune ramangwana zviri kufungidzirwa nekasikana?

  • Zvii zvauri kutarisira kuzonakidzwa nazvo munyika itsva?

  • Kufungisisa nezvetariro yako kunokubatsira sei kuti uzonyatsoita mushandirapamwe wemuna November?—Ru 6:45