KURARAMA KWECHIKRISTU
Zvatingaita Takamirira Rumuko
Patinofirwa, tariro yerumuko inotinyaradza. Asi kunyange zvakadaro, chivi nerufu zvakaita sechifukidziro chinotitadzisa kufema. (Isa 25:7, 8) Ndicho chimwe chikonzero nei “zvisikwa zvese zviri kungogomera pamwe chete uye zviri kurwadziwa pamwe chete.” (VaR 8:22) Zvii zvatingaita kuti tisanyanya kusurukirwa nekufirwa takamirira rumuko? MuShoko raMwari mune mazano anogona kutibatsira.
ONA VHIDHIYO INONZI PAUNOFIRWA NEHAMA YAKO, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
-
Zvinhu zvipi zvinorwadza zvakaitika kuna Danielle, Masahiro naYoshimi?
-
Vakabatsirwa sei nemazano 5 ataurwa muvhidhiyo?
-
Ndiani anogona kutinyaradza kupfuura vamwe vese?—2VaK 1:3, 4