PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
Wanano Ndeyeupenyu Hwese
Wanano dzevaKristu dzakasimba dzinokudza Jehovha uye dzinoita kuti murume nemudzimai vafare. (Mk 10:9) Kuti vaKristu vafare uye kuti wanano yavo ive yeupenyu hwese, vanofanira kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri pakusarudza wekuroorana naye.
Hakusi kuchenjera kuti utange kudanana nemumwe munhu iwe usati wapfuura “makore ekuyaruka,” nekuti nguva iyoyo chido chebonde chinenge chakanyanya kusimba uye unogona kutadza kuita chisarudzo chakanaka. (1VaK 7:36) Shandisa zvakanaka nguva yaunenge usati waroora kana kuroorwa kuti usimbise ushamwari hwako naMwari uye uve neunhu hwechiKristu. Ukadaro, zvichakuitira nyore kuzova newanano yakasimba.
Usati wabvuma kuroorana nemumwe munhu, nyatsozvipa nguva yekuti uzive “munhu akavanzika wemwoyo.” (1Pe 3:4) Kana pakava nezvinhu zvausina chokwadi nazvo, kurukura nemumwe wako. Chimwewo chaunofanira kuyeuka ndechekuti muwanano, unofanira kunyanya kufunga nezvekuti zvii zvandingaitira mumwe wangu kuti afare kupfuura kuti zvii zvaangandiitira kuti ndifare. (VaF 2:3, 4) Kana ukashandisa mazano ari muBhaibheri usati wapinda muwanano, zvichakuitira nyore kuzoashandisa kunyange wavamo uye muchafara muupenyu hwenyu.
ONA VHIDHIYO INONZI KUGADZIRIRA KUPINDA MUWANANO—CHIKAMU 3: “VERENGA ZVINODIWA,” WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
-
Zvinhu zvaifamba sei hanzvadzi iyi payaidanana naShane?
-
Hanzvadzi iyi yakatanga kuonei nekufamba kwenguva?
-
Vabereki vake vakamubatsira sei uye chisarudzo chipi chakanaka chaakazoita?