PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
Rumbidza Jehovha Nekuti Ane Uchenjeri
Jehovha akapa Soromoni uchenjeri hunoshamisa (1Mad 10:1-3; w99 7/1 30 ¶6)
Mambokadzi weShebha akashamiswa neuchenjeri hwakapiwa Soromoni naJehovha (1Mad 10:4, 5; w99 11/1 20 ¶6)
Mambokadzi weShebha akarumbidza Jehovha nekugadza kwaakaita Soromoni kuti ave mambo (1Mad 10:6-9; w99 7/1 30-31)
Tinogona kuratidza kuti tinokoshesa uchenjeri hwaMwari sezvakaitwa naMambokadzi weShebha. Tingazviita sei? Imwe nzira ndeyekushandisa zvakadzidziswa naJesu muupenyu hwedu uye kuedza kutevedzera zvaaiita. (Mt 12:42; 1Pe 2:21) Imwe nzira ndeyekuudzawo vamwe mashoko aMwari euchenjeri ari muBhaibheri patinenge tichiparidza.