Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Jehovha Anoponesa Vaya Vakasuruvara

Jehovha Anoponesa Vaya Vakasuruvara

Munhu wese ane paanombosuruvara. Kusuruvara hakurevi kuti kutenda kwako kwaderera. Kunyange Jehovha pachake anombosuruvarawo. (Ge 6:5, 6) Asi ko kana tikazonyanya kusuruvara kana kuti tichigara takangosuruvara?

Nyengetera kuna Jehovha kuti akubatsire. Jehovha anonyatsoziva mafungiro uye manzwiro edu. Anoziva patinenge tichifara uye patinenge takasuruvara. Anonzwisisa kuti chii chinoita kuti tifunge zvatinenge tichifunga kana kuti tinzwe zvatinenge tichinzwa. (Pis 7:9b) Chinotonyanya kukosha ndechekuti ane hanya nesu uye anogona kutibatsira kuti tisanyanya kusuruvara. Anogona kutibatsirawo kunyange tiine chirwere chedepression.Pis 34:18.

Chengetedza pfungwa dzako. Kuora mwoyo kunoita kuti tisafara uye kunogonawo kukanganisa ushamwari hwedu naJehovha. Saka tinoda kuita zvese zvatinogona kuti tichengetedze mwoyo wedu, kureva zvese zvatiri nechemukati.—Zvi 4:23.

ONA VHIDHIYO INONZI HAMA DZEDU DZINE RUGARE PASINEI NECHIRWERE CHEDEPRESSION, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Zvii zvakaitwa naHanzvadzi Nikki kuti vatsungirire dambudziko rechirwere chedepression?

  • Nemhaka yei vakaona kuti vaifanira kuenda kwachiremba?—Mt 9:12

  • Zvii zvavakaita zvinoratidza kuti vaivimba naJehovha kuti avabatsire?