Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

Ramba Uchiratidza Kuti Unoda Jehovha Zvakadzama

Ramba Uchiratidza Kuti Unoda Jehovha Zvakadzama

[Ratidzai vateereri vhidhiyo yakanzi Kusuma Bhuku raJobho.]

Satani akati Jobho aisanyatsoda Jehovha uye akati aingomunamata nekuti aiva nezvinhu zvaaiwana (Job 1:8-11; w18.02 6 ¶16-17)

Satani anoti hatinyatsodi Jehovha zvechokwadi (Job 2:4, 5; w19.02 5 ¶10)

Jehovha akapa mumwe nemumwe wedu mukana wekuti tiratidze kuti Satani anoreva nhema. (Zvi 27:11) Tinogona kuratidza kuti tinoda Jehovha zvakadzama nekumuisa pekutanga muupenyu hwedu zvinhu pazvinenge zvakanaka uyewo pazvinenge zvakaoma.