KURARAMA KWECHIKRISTU
Vabereki Batsirai Vana Venyu Kuti Vashandise Zvavanodzidziswa naJehovha
Nzira yakanakisisa iyo vabereki vangabatsira vana vavo kuti vashandise zvavanodzidziswa naJehovha ndeyekuita kuti vanyatsobatsirwa nemisangano yechiKristu. Zvavanoona, zvavanonzwa uye zvavanotaura pavanopindura pamisangano zvinogona kuvabatsira kuti vadzidze nezvaJehovha uye vave neushamwari hwepedyo naye. (Dhe 31:12, 13) Kana muri mubereki, zvii zvamungaita kuti mubatsire mwana wenyu kuti anyatsobatsirwa nemisangano?
-
Itai zvese zvamunogona kuti mupinde misangano paImba yeUmambo.—Pis 22:22
-
Ivai nenguva yekutaura nevamwe paImba yeUmambo misangano isati yatanga uye painenge yapera.—VaH 10:25
-
Ivai nechokwadi chekuti munhu wese mumhuri menyu ane mabhuku ari kushandiswa pamisangano, angava akaprindwa kana kuti epafoni
-
Batsirai vana venyu kuti vagadzirire mhinduro yekuzopindura vachitaura nemashoko avo kwete kuita zvekuverenga.—Mt 21:15, 16
-
Taurai zvinhu zvakanaka nezvemisangano uye zvatinodzidziswa ikoko
-
Itai kuti vana venyu vaitewo mabasa akadai sekuchenesa Imba yeUmambo uye kutaura nevanhu vechikuru vari muungano
Kubatsira vana venyu kuti vaswedere pedyo naJehovha ibasa rakakura uye dzimwe nguva munogona kunge makaneta. Asi ivai nechokwadi chekuti Jehovha achakubatsirai.—Isa 40:29.
ONAI VHIDHIYO INONZI VABEREKI, VIMBAI NAJEHOVHA UYE NESIMBA RAKE, MOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
-
Zvii zvakanga zvava kuitika kuna Zack naLeah nemhaka yekugara vakaneta?
-
Nemhaka yei vabereki vachifanira kutsvaga rubatsiro kuna Jehovha kuti avasimbise?
-
Zvii zvakaitwa naZack naLeah kuratidza kuti vakavimba naJehovha kuti avabatsire?