September 11-17
ESTERI 3-5
Rwiyo 85 Nemunyengetero
Mashoko Ekusuma (1 min.)
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
“Batsira Vamwe Kuti Vaite Zvese Zvavanokwanisa”: (10 min.)
Kuchera Pfuma muShoko raMwari: (10 min.)
Es 4:12-16—Tinorwira sei rusununguko rwekunamata sezvakaitwa naEsteri naModhekai? (kr 160 ¶14)
Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino zvine chekuita naJehovha, ushumiri kana kuti zvimwewo?
Kuverenga Bhaibheri: (4 min.) Es 3:1-12 (th chidzidzo 2)
SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI
Vhidhiyo Yepaunodzokera: (5 min.) Kukurukura nevateereri. Ratidzai vhidhiyo yakanzi Paunodzokera: Umambo—Mt 14:19, 20. Misai vhidhiyo yacho pese pane chiratidzo chekuimisa, uye bvunzai mibvunzo inobuda pavhidhiyo yacho.
Paunodzokera: (3 min.) Tanga nenyaya iri mumharidzo yekuenzanisira. Udza munhu wacho nezveurongwa hwekudzidzisa vanhu Bhaibheri uye musiyire kadhi rekosi yeBhaibheri. (th chidzidzo 16)
Chidzidzo cheBhaibheri: (5 min.) lff chidzidzo 12 sumo uye pfungwa 1-3 (th chidzidzo 15)
KURARAMA KWECHIKRISTU
Iva Shamwari yaJehovha—Esteri Aiva Neushingi: (5 min.) Kukurukura nevateereri uye kuona vhidhiyo. Kana muungano menyu muine vana, kumbirai vana vamakatosarudza kare kuti vauye kuchikuva movabvunza kuti: Zvii zvaunoda kuita kuti utevedzere ushingi hwaiva naEsteri?
Zvemuungano Yenyu: (10 min.)
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano: (30 min.) lff chidzidzo 57
Mashoko Ekugumisa (3 min.)
Rwiyo 125 Nemunyengetero