Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Vimba naJehovha Kana Paine Ari Kukushungurudza

Vimba naJehovha Kana Paine Ari Kukushungurudza

Vanhu vanoshungurudza vamwe vanovarwadzisa uye dzimwe nguva vanogona kutovakuvadza. Kana tikavatya pavanopikisa kutenda kwedu, zvinogona kutokanganisa ushamwari hwedu naJehovha. Zvii zvaungaita kuti usakanganiswe nevanhu vanoshungurudza vamwe?

Vashumiri vaJehovha vakawanda vakakwanisa kutsungirira pavaishungurudzwa nekuti vaivimba naJehovha. (Pis 18:17) Semuenzaniso, Esteri akafumura zvinhu zvakaipa zvairongwa naHamani. (Es 7:1-6) Asati adaro, akatanga atsanya kuratidza kuti aivimba naJehovha. (Es 4:14-16) Jehovha akakomborera zvaakaita uye akaita kuti iye nevanhu verudzi rwake vasaurayiwa.

Vechidiki kana mukashungurudzwa nemumwe munhu, kumbirai Jehovha kuti akubatsirei uye udzai munhu mukuru akadai semubereki. Jehovha achakubatsira sezvaakangoitawo Esteri. Zvii zvimwe zvaungaita?

ONA VHIDHIYO INONZI KUYARUKA KWANGU—NDINGAITA SEI KANA NDICHISHUNGURUDZWA? WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Vechidiki vanodzidzei kubva kuna Charlie naFerin?

  • Vabereki vanodzidzei kubva kune zvakataurwa naCharlie naFerin nezvekubatsira vana kana vachishungurudzwa?