Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

October 7-13

PISAREMA 92-95

October 7-13

Rwiyo 84 Nemunyengetero | Mashoko Ekusuma (1 min.)

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

1. Kushumira Jehovha Ndicho Chinhu Chakanakisisa!

(10 min.)

Jehovha akakodzera kunamatwa (Pis 92:​1, 4; w18.04 26 ¶5)

Anobatsira vashumiri vake kuita zvisarudzo zvakanaka zvinoita kuti vafare (Pis 92:5; w18.11 20 ¶8)

Jehovha anoramba achida vashumiri vake kunyange pavanenge vachembera (Pis 92:​12-15; w20.01 19 ¶18)

ZVIBVUNZE KUTI, ‘Chii chiri kunditadzisa kuzvitsaurira kuna Jehovha uye kubhabhatidzwa?’

2. Kuchera Pfuma muShoko raMwari

(10 min.)

  • Pis 92:5—Mashoko ari muvhesi iyi anoratidza sei zvakaita uchenjeri hwaJehovha? (cl 176 ¶18)

  • Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?

3. Kuverenga Bhaibheri

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

4. Kutanga Kukurukura Nevanhu

(4 min.) KUPARIDZA ZVISINA KURONGWA. Ita kuti nyaya yamuri kukurukura isvike pekuti unozoudza munhu wacho nezvebasa raunoita rekudzidzisa vanhu Bhaibheri. (lmd chidzidzo 5 pfungwa 3)

5. Kudzokera Kuvanhu Vakaratidza Kufarira

(3 min.) KUPARIDZA ZVISINA KURONGWA. Munhu wacho akamboteerera mashoko akanaka asi akaramba kudzidza Bhaibheri. Iye zvino muparidzi anoedzazve kutanga kudzidza naye Bhaibheri. (lmd chidzidzo 8 pfungwa 4)

6. Kuita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi

(5 min.) Kurukura nemudzidzi weBhaibheri asiri kufambira mberi. (lmd chidzidzo 12 pfungwa 5)

KURARAMA KWECHIKRISTU

Rwiyo 5

7. Vechidiki Pavanozvidya Mwoyo

(15 min.) Kukurukura nevateereri.

Vaya vanoshumira Jehovha vanombozvidya mwoyo. Semuenzaniso, Dhavhidhi aitombozvidyawo mwoyo pane dzimwe nguva uye ndizvo zvinoitawo hama nehanzvadzi dzedu mazuva ano. (Pis 13:2; 139:23) Kunyange vechidiki vanombozvidya mwoyo. Kuzvidya mwoyo kunogona kuita kuti munhu aomerwe nekuita zvinhu zvaagara achiita zvakadai sekuenda kuchikoro uye kupinda misangano. Kunogonawo kuita kuti munhu atye zvakanyanya kana kuti ade kuzviuraya.

Vechidiki, pamunozvidya mwoyo, taurai nevabereki venyu kana kuti nemumwe munhu mukuru. Nyengeteraiwo kuna Jehovha kuti akubatsirei. (VaF 4:6) Kana mukanyengetera kwaari, achakubatsirai. (Pis 94:​17-19; Isa 41:10) Ngatimbonzwai zvakaitika kuna Steing.

Ratidzai VHIDHIYO inonzi Jehovha Akandibatsira, mobvunza vateereri kuti:

• Ivhesi ipi yakabatsira Steing, uye yakamubatsira sei?

• Jehovha akamubatsira sei?

Vabereki, munogona kubatsira vana venyu kuti vasakurirwa nekuzvidya mwoyo kuburikidza nekuvateerera pavanenge vachitaura, kuvaudza uye kuvaratidza kuti munovada, uye kuvabatsira kuti vave nechokwadi chekuti Jehovha anovada. (Tit 2:4; Jak 1:19) Vimbai naJehovha kuti akunyaradzei uye akupei simba ramunoda kuti mubatsire vana venyu.

Tingasaziva kuti muungano medu mune munhu ane dambudziko rekuzvidya mwoyo uye tingasanzwisisa kuti ari kunzwa sei, asi tinogona kuita kuti munhu wese ari muungano anzwe kuti anodiwa.—Zvi 12:25; VaH 10:24.

8. Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano

Mashoko Ekugumisa (3 min.) | Rwiyo 81 Nemunyengetero