Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

September 16-22

PISAREMA 85-87

September 16-22

Rwiyo 41 Nemunyengetero | Mashoko Ekusuma (1 min.)

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

1. Kunyengetera Kunotibatsira Kuti Titsungirire

(10 min.)

Kumbira Jehovha kuti aite kuti ufare (Pis 86:4)

Kumbira Jehovha kuti akubatsire kuti urambe wakatendeka (Pis 86:​11, 12; w12 5/15 25 ¶10)

Iva nechokwadi chekuti Jehovha achapindura minyengetero yako (Pis 86:​6, 7; w23.05 13 ¶17-18)


ZVIBVUNZE KUTI, ‘Pandinenge ndiine matambudziko, ndinonyengetera kakawanda uye kwenguva yakareba here?’—Pis 86:3.

2. Kuchera Pfuma muShoko raMwari

(10 min.)

  • Pis 86:11—Munyengetero waDhavhidhi unoratidzei nezvemwoyo wemunhu? (it-1-E 1058 ¶5)

  • Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?

3. Kuverenga Bhaibheri

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

4. Kutanga Kukurukura Nevanhu

(3 min.) KUPARIDZA ZVISINA KURONGWA. Muudze nezvezvidzidzo zveBhaibheri zvatinoitisa womubvunza kuti anoda kudzidza Bhaibheri here. (lmd chidzidzo 3 pfungwa 5)

5. Kudzokera Kuvanhu Vakaratidza Kufarira

(4 min.) KUPARIDZA ZVISINA KURONGWA. Udza munhu wacho nezvezvidzidzo zveBhaibheri zvatinoitisa womubvunza kuti anoda kudzidza Bhaibheri here. Pamakapedzisira kuonana munhu wacho akataura kuti ari kunetseka nezvematambudziko ari kuitika munyika. (lmd chidzidzo 7 pfungwa 4)

6. Kuita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi

(5 min.) lff chidzidzo 15 pfungwa 5. Vhiki rinouya uchange usipo, saka ronga nemudzidzi wako kuti muchaita sei kuti asapotsa chidzidzo chake. (lmd chidzidzo 10 pfungwa 4)

KURARAMA KWECHIKRISTU

Rwiyo 83

7. Ramba Uchiparidza

(5 min.) Kukurukura nevateereri.

Ratidzai VHIDHIYO yacho. Mobva mabvunza vateereri kuti:

  • Nei pane dzimwe nguva tichinzwa tisingachadi kuparidza?

  • Nei tisingafaniri kurega kuparidza?

8. Ramba Uchitsvaga Vanhu Vanoda Kudzidza Bhaibheri!

(10 min.) Kukurukura nevateereri.

Pamushandirapamwe watiri kuita mwedzi uno, unewo here munhu wawakatanga kudzidza naye Bhaibheri uchishandisa bhurocha raRarama Nekusingaperi Uchifara? Kana uinaye, tinoziva kuti uri kufara! Vamwe vari kutokurudzirwawo nezvauri kuita. Asi kana usati wava nemunhu wauri kudzidza naye, unogona kunetseka kuti ndepapi pandiri kutadza. Kana zviri izvo zviri kuitika kwauri, ungaita sei kuti usaora mwoyo?

Ratidzai VHIDHIYO inonzi ‘Tinoratidza Kuti Tiri Vashumiri vaMwari Nekuva Nemwoyo Murefu’—Patinenge Tichiparidza, mobvunza vateereri kuti:

  • 2 VaKorinde 6:​4, 6 ingatibatsira sei kana tikanzwa sekunge kuti hapana chiri kubuda pabasa rekuparidza ratiri kuita?

  • Zvii zvaungaita kana uchiona sekuti zvauri kuedza kuita kuti uwane zvidzidzo zveBhaibheri hazvisi kushanda?

Yeuka kuti mufaro wedu haubvi pakuti tine vanhu vakawanda zvakadii vatiri kudzidzisa Bhaibheri. Asi unobva pakuti Jehovha anofadzwa nezvese zvatinoedza kuita. (Ru 10:​17-20) Saka ramba uchishanda nesimba uye nemwoyo wese pamushandirapamwe uyu unokosha uchiziva kuti ‘basa rako harisi pasina munaShe’!—1VaK 15:58.

9. Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano

Mashoko Ekugumisa (3 min.) | Rwiyo 39 Nemunyengetero