Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

September 2-8

PISAREMA 79-81

September 2-8

Rwiyo 29 Nemunyengetero | Mashoko Ekusuma (1 min.)

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

1. Ida Zita raJehovha Rinokudzwa

(10 min.)

Usaita zvinhu zvinoita kuti Jehovha azvidzwe (Pis 79:9; w17.02 9 ¶5)

Dana zita raJehovha (Pis 80:18; ijwbv 3 ¶4-5)

Jehovha anopa mubayiro wakakura kune vaya vanoda zita rake (Pis 81:​13, 16)

Kuti mararamiro edu aratidze kuti tinokudza zita raJehovha, tinofanira kuita kuti vamwe vazive kuti tiri Zvapupu zvake

2. Kuchera Pfuma muShoko raMwari

(10 min.)

  • Pis 80:1—Nemhaka yei pane dzimwe nguva rudzi rwaIsraeri ruchimbonzi Josefa? (it-2-E 111)

  • Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?

3. Kuverenga Bhaibheri

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

4. Kutanga Kukurukura Nevanhu

(1 min.) PAIMBA NEIMBA. Muudze nezvezvidzidzo zveBhaibheri zvatinoitisa womubvunza kuti anoda kudzidza Bhaibheri here. (lmd chidzidzo 4 pfungwa 4)

5. Kutanga Kukurukura Nevanhu

(3 min.) KUPARIDZA ZVISINA KURONGWA. Muudze nezvezvidzidzo zveBhaibheri zvatinoitisa womubvunza kuti anoda kudzidza Bhaibheri here. (lmd chidzidzo 4 pfungwa 3)

6. Kutanga Kukurukura Nevanhu

(2 min.) KUPARIDZA MUNZVIMBO DZINOWANIKA VANHU VAKAWANDA. Muudze nezvezvidzidzo zveBhaibheri zvatinoitisa womubvunza kuti anoda kudzidza Bhaibheri here. (lmd chidzidzo 3 pfungwa 3)

7. Kudzokera Kuvanhu Vakaratidza Kufarira

(5 min.) PAIMBA NEIMBA. Munhu wacho akamboteerera mashoko akanaka asi akaramba kudzidza Bhaibheri. Iye zvino muparidzi anoedzazve kutanga kudzidza naye Bhaibheri. (lmd chidzidzo 8 pfungwa 3)

KURARAMA KWECHIKRISTU

Rwiyo 10

8. “Vachatsvenesa Zita Rangu”

(15 min.) Kukurukura nevateereri.

Satani akatanga kusvibisa zita raJehovha mumunda weEdheni. Kubvira ipapo, vanhu nengirozi vanofanira kuita chisarudzo chinokosha chekuti vanoda kureverera zita raJehovha here kana kuti kwete.

Chimbofunga nezvedzimwe nhema dzisingaiti dzinotaurwa naSatani nezvaJehovha. Anoti Jehovha mutongi ane utsinye uye asina rudo. (Ge 3:​1-6; Job 4:​18, 19) Anoti vashumiri vaJehovha vanomunamata asi kwete zvinobva pasi pemwoyo. (Job 2:​4, 5) Anoita kuti mamiriyoni evanhu afunge kuti nyika nezvinhu zvakanaka zviri pairi hazvina kusikwa naMwari.—VaR 1:​20, 21.

Nhema idzi dzinoita kuti unzwe sei? Zviri pachena kuti unonzwa uchida kutaura chokwadi uchimiririra Jehovha! Jehovha aiziva kuti vanhu vake vaizoda kumubatsira kutsvenesa zita rake. (Enzanisa naIsaya 29:23.) Ungamubatsira sei?

  • Batsira vamwe kuti vazive Jehovha uye vamude. (Joh 17:​25, 26) Gara wakagadzirira kubatsira vamwe kuti vaone uchapupu hunoratidza kuti Mwari ariko uye kuvadzidzisa nezveunhu hwake hwakanaka.—Isa 63:7

  • Ida Jehovha nemwoyo wako wese. (Mt 22:​37, 38) Teerera mitemo yaJehovha nemhaka yekuti unoda kufadza mwoyo wake; usangomuteerera nekuti unoda kuti zvikufambire zvakanaka chete.—Zvi 27:11

Ratidzai VHIDHIYO inonzi Rudo Harumboperi Pasinei . . . Nekuswera Nevanhu Vasingadi Mwari Kuchikoro, mobvunza vateereri kuti:

  • Ariel naDiego vakatsigira sei zita raJehovha?

  • Chii chakaita kuti vatsigire zita raJehovha?

  • Ungavatevedzera sei?

9. Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano

Mashoko Ekugumisa (3 min.) | Rwiyo 90 Nemunyengetero