Mashoko Kune Vachapinda
VARINDIRI Varindiri varipo kuti vakubatsirei. Nyatsotevedzerai zvavanokuudzai panyaya yepekupaka motokari, mafambiro anofanira kuita vanhu, kuchengetera vamwe pekugara, nezvimwewo.
KUBHABHATIDZWA Nzvimbo yekugara yakachengeterwa vachabhabhatidzwa ichava munhandare pakatarisana nechikuva asi kana pakaita zvachinja muchaziviswa nguva ichiripo. Vanoda kubhabhatidzwa vanofanira kunge vagara munzvimbo yavakachengeterwa hurukuro yekubhabhatidzwa isati yatanga musi weMugovera mangwanani. Mumwe nemumwe anofanira kuuya netauro nehembe dzekubhabhatidzwa nadzo dzine mutsigo.
MARI YEZVIPO Pakashandiswa mari yakati wandei kuti pave neurongwa hwekuti pave nepekugara pakakwana, gudzanzwi, michina yekuonesa mavhidhiyo nezvimwe zvakawanda zvinoita kuti tinakidzwe nekupinda gungano uye tibatsirwe kuswedera pedyo naJehovha. Mari yezvipo yamunopa inobatsira kubhadhara zvinhu izvi uyewo kutsigira basa remunyika yese. Kuti zvikuitirei nyore, mabhokisi emari yezvipo akanyorwa zvakajeka anowanikwa kwese kwese panzvimbo yegungano. Mari yese yezvipo inoongwa chaizvo. Dare Rinotungamirira rinoda kukuongai nekupa kwamunoita muchitsigira zvinhu zvine chekuita neUmambo.
FIRST AID Yeukai kuti ndeyekurapa zvinenge zvangomukira ipapo chete.
ZVAKARASIKA NEZVAKAWANIKWA Kana mukanhonga chinhu chamusiri kuziva kuti ndechaani, chiendesei kuDhipatimendi Rezvakarasika Nezvakawanikwa. Kana paine chamunenge marasa, endai kudhipatimendi iri munoona kana chiriko. Vana vanenge varasika vanofanira kuendeswa kudhipatimendi iri. Asi zvinenge zvakanaka kuti tigare tachengetedza vana vedu pane kuzotambudzika nekuvatsvaga.
PEKUGARA Fungaiwo vamwe. Yeukai kuti munogona kuchengetera pekugara vaya vamungave muchifamba navo, vamabva navo kumba kana kuti vamuri kudzidza navo Bhaibheri chete. Musaisa zvinhu pazvigaro kana pasina wamuri kubatira.
BASA REKUZVIPIRA Kana muchida kuzvipira kubatsira pabasa rine chekuita negungano, tinokukumbirai kuti muende kuDhipatimendi reMashoko Nerevanoda Kuzvipira.
MUSANGANO UNOKOSHA
Chikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo Mapiyona ane makore ari pakati pe23 ne65 anoda kuwedzera ushumiri hwawo anokokwa kuti azopinda musangano wevanoda kupinda Chikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo musi weSvondo masikati. Nzvimbo ichaitirwa musangano uyu uye nguva yacho zvichaziviswa.
Rakarongwa neDare Rinotungamirira reZvapupu zvaJehovha
© 2020 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania