Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ganhuro Reshanu

Rovedzai Mwana Wenyu Kubvira Paucheche

Rovedzai Mwana Wenyu Kubvira Paucheche

1, 2. Vabereki vanofanira kutarira kuna ani nokuda kwebetsero mukurera vana vavo?

“VANA inhaka inobva kuna Jehovha,” akakuwa kudaro mumwe mubereki anoonga makore 3 000 apfuura. (Pisarema 127:3) Zvirokwazvo, mufaro wokuva mubereki ituso inokosha inobva kuna Mwari, iyo inowanika kuvanhu vazhinjisa vakaroorana. Zvisinei, avo vane vana vanokurumidza kuziva kuti pamwe chete nomufaro wacho, kuva mubereki kunounza mabasa.

2 Zvikurukuru nhasi, kurera vana ibasa rakaoma. Kunyange zvakadaro, vazhinji vakariita nebudiriro, uye wezvamapisarema akafuridzirwa anoratidza nzira yacho, achiti: “Kana Jehovha asingavaki imba, vavaki vayo vanobata pasina.” (Pisarema 127:1) Ukasanotevera zvikuru mirayiridzo yaJehovha, uchava mubereki ari nani. Bhaibheri rinoti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kusendama panjere dzako.” (Zvirevo 3:5) Unodisa here kuteerera zano raJehovha sezvaunotanga kuita basa rako ramakore 20 rokurera mwana?

KUGAMUCHIRA MURANGARIRO WEBHAIBHERI

3. Vanababa vane basai mukurera vana?

3 Mumisha yakawanda kupota nyika, varume vanorangarira kurovedza vana sebasa romukadzi zvikurukuru. Chokwadi, Shoko raMwari rinoratidza basa rababa somugoveri mukuru wezvokudya. Zvisinei, rinotaurawo kuti iye ane mabasa mumusha. Bhaibheri rinoti: “Gadzira basa rako kunze, uzvigadzirire iro pamunda; pashure ugovaka imba yako.” (Zvirevo 24:27) Mumurangariro waMwari, vanababa navanaamai vakutsirani mukurovedza vana.—Zvirevo 1:8, 9.

4. Neiko tisingafaniri kurangarira vanakomana sevanokosha kupfuura vasikana?

4 Munorangarira sei vana venyu? Mishumo inotaura kuti muAsia “vanasikana havawanzofarirwi.” Sezvinoshumwa kusarura vasikana kuchiri muLatin America, kunyange pakati pe“mhuri dzakadzidza zvikuru.” Zvokwadi ndeiyi, kunyange zvakadaro, vasikana havasati vari vana vasingakoshi. Jakobho, baba vakakurumbira venguva dzakare, vakarondedzera vana vavo vose, kubatanidza vanasikana vapi navapi vakaberekwa kusvika panguva iyoyo, sa“vana va[ndaka]piwa . . . naMwari nenyasha dzake.” (Genesi 33:1-5; 37:35) Nenzira yakafanana, Jesu akakomborera “vana vaduku” vose (vakomana navasikana) avo vakaunzwa kwaari. (Mateo 19:13-15) Tinogona kuva nechokwadi chokuti iye akaratidzira murangariro waJehovha.—Dheuteronomio 16:14.

5. Irangariroi dzinofanira kudzora chisarudzo chavaroorani pamusoro poukuru hwemhuri yavo?

5 Nzanga yenyu inokarira kuti mukadzi abereke vana vakawanda savanobvira here? Nenzira yakarurama, kuti varoorani vanova navana vakawanda sei chisarudzo chavo chomunhu oga. Zvakadini kana vabereki vasina mari yokudyisa, yokupfekedza, uye yokudzidzisa vana vakawanda? Zvirokwazvo, varoorani vanofanira kurangarira ikoku pakusarudza ukuru hwemhuri yavo. Vamwe varoorani vasingagoni kutsigira vana vavo vose vanoronzesa hama dzokunyama basa rokurera vamwe vavo. Uyu muitiro wakanaka here? Kwete chaizvoizvo. Uye hausati uchibvisira vabereki basa ravo kuvana vavo. Bhaibheri rinoti: “Kana munhu asingachengeti vokwake, zvikuru veimba yake, warasha kutenda, wakaipa kukunda usingatendi.” (1 Timotio 5:8) Varoorani vakavimbika vanoedza kuronga ukuru hwe“veimba” yavo kuitira kuti vagogona ‘kugovera avo vari vavo vamene.’ Vanogona here kushandisa kudzora kubereka kuti vaite ikoku? Ikokowo chisarudzo chomunhu oga, uye kana varoorani vakasarudza ikoku, chisarudzo chechinodzivisa kunamba inhauwo yomunhu oga. “Munhu mumwe nomumwe achafanira kutakura mutoro wake.” (VaGaratia 6:5) Zvisinei, kudzora kubereka uko kunobatanidza chimiro chipi nechipi chokubvisa pamuviri kunopesana nenheyo dzeBhaibheri. Jehovha Mwari ndiye “tsime roupenyu.” (Pisarema 36:9) Naizvozvo, kuparadza upenyu pashure pokunge hwanambwa kungaratidza kuzvidzwa kukuru kwaJehovha uye kuponda.—Eksodho 21:22, 23; Pisarema 139:16; Jeremia 1:5.

KUITA ZVINODIKANWA ZVOMWANA WENYU

6. Kurovedzwa kwomwana kunofanira kuvamba rini?

6 Zvirevo 22:6 inoti: “Rovedza mwana nzira yaanofanira kufamba nayo.” Kurovedza vana ndirimwe basa guru ravabereki. Ndirini, kunyange zvakadaro, apo rovedzo iyoyo inofanira kutanga? Nokukurumidza zvikuru. Muapostora Pauro akataura kuti Timotio akanga arovedzwa “kubvira paucheche.” (2 Timotio 3:15) Shoko rechiGiriki rinoshandiswa pano rinogona kunongedzera kumwana muduku kana kuti kunyange mwana asati aberekwa. (Ruka 1:41, 44; Mabasa 7:18-20) Nokudaro, Timotio akagamuchira rovedzo kubvira apo akanga ari muduku zvikuru—uye saizvozvo nenzira yakarurama. Ucheche inguva yakanaka yokuvamba kurovedza mwana. Kunyange mwana muduku ane nzara yezivo.

7. (a) Neiko kuchikosha kuti vabereki vose vari vaviri vatange ukama hwapedyo nomwana? (b) Ukamai hwaivapo pakati paJehovha noMwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi?

7 “Apo ndakatanga kuona mwana wangu,” vanodaro vamwe amai, “ndakamuda.” Ndizvo zvinoita vanaamai vakawanda. Batano iyoyo yakaisvonaka pakati paamai nomwana inokura sezvo vanopedzera nguva pamwe chete pashure pokuberekwa. Kuyamwisa kunowedzera kukuva pedyo ikoko. (Enzanisa na1 VaTesaronika 2:7.) Kurezva kwaamai mwana wavo nokutaura kwaari zvinokosha kukuita zvinodikanwa zvendangariro zvomwana. (Enzanisa naIsaya 66:12.) Asi zvakadiniko nababa? Ivowo vanofanira kutanga ukama hwapedyo nomwana wavo mutsva. Jehovha amene muenzaniso waikoku. Mubhuku raZvirevo, tinodzidza nezvoukama hwaJehovha noMwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, uyo anoratidzirwa saanoti: “Jehovha wakandiumba pakuvamba kwenzira yake, . . . ndaimufadza zuva rimwe nerimwe.” (Zvirevo 8:22, 30; Johane 1:14) Nenzira yakafanana, baba vakanaka vanosakurira ukama hwoushamwari, hworudo nomwana wavo kuvambira pamavambo chaipo poupenyu hwomwana. “Ratidza chidakadaka chakawanda,” anodaro mumwe mubereki. “Hakuna mwana akambofa nokumbundirwa nokutsvodwa.”

8. Kunyandurwai kwendangariro uko vabereki vanofanira kupa vana nokukurumidza sezvinobvira?

8 Asi vana vanoda zvakawanda. Kubvira panguva yokuberekwa, uropi hwavo hwakagadzirira kugamuchira ndokuchengeta mashoko, uye vabereki ndivo manyuko okutanga aikoku. Rangarira mutauro somuenzaniso. Vanzveri vanotaura kuti kudzidza zvakanaka kunoita mwana kutaura nokurava kuno“fungwa kuva kwakasanobatana norudzi rwokushandira pamwe kwapakuvamba kwomwana navabereki vake.” Taura uye ravira mwana wako kubvira paucheche. Nokukurumidza achada kukutevedzera, uye nguva refu isati yapera uchave uchimudzidzisa kurava. Sezvingabvira, achakwanisa kurava asati aenda kuchikoro. Ikoko kuchava kunobetsera zvikuru kana uchigara munyika umo vadzidzisi vari vashomanene uye kirasi dzakazarisa.

9. Ndeipi iri nharidzano inokosha zvikurusa iyo vabereki vanofanira kuyeuka?

9 Itiro hanya hurusa yavabereki vechiKristu kuita zvinodikanwa zvomudzimu zvomwana wavo. (Ona Dheuteronomio 8:3.) Nenharidzanoi? Kubetsera mwana wavo kutanga unhu hwakafanana nohwaKristu, chaizvoizvo, kupfeka “unhu hutsva.” (VaEfeso 4:24, NW) Nokuda kwaikoku vanofanira kurangarira zvivakiso zvakafanira nemitoo yakafanira yokuvaka.

ROVERERAI ZVOKWADI MUMWANA WENYU

10. Mavarai ayo vana vanofanira kutanga?

10 Kunaka kwechivako kunotsamira zvikurukuru parudzi rwezvokuvakisa zvinoshandiswa muchivako chacho. Muapostora Pauro akataura kuti zvokuvakisa zvakanakisisa zvounhu hwechiKristu i“ndarama, sirivha, mabwe anokosha.” (1 VaKorinte 3:10-12, NW) Izvozvi zvinomirira mavara akadai sokutenda, uchenjeri, nzwisiso, kuvimbika, ruremekedzo, uye kunzwisisa Jehovha kune rudo nemitemo yake. (Pisarema 19:7-11; Zvirevo 2:1-6; 3:13, 14) Vabereki vanogona sei kubetsera vana vavo kubvira paucheche hwapakuvamba zvikurusa kutanga aya mavara? Kupfurikidza nokutevera muitiro wakaoneswa kare kare.

11. Vabereki vechiIsraeri vakabetsera sei vana vavo kutanga unhu hwoumwari?

11 Nokukurumidza rudzi rwaIsraeri rusati rwapinda muNyika Yakapikirwa, Jehovha akaudza vabereki vechiIsraeri, kuti: “Mashoko awa andinokurayira nhasi, anofanira kuva mumwoyo mako; unofanira [kuaroverera muvana, NW] vako, nokuataura kana ugere mumba mako, kana uchifamba munzira, kana uchivata pasi, kana uchimuka.” (Dheuteronomio 6:6, 7) Hungu, vabereki vanofanira kuva mienzaniso, shamwari, vakurukuri, uye vadzidzisi vevana vavo.

12. Neiko kuchikosha kuti vabereki vagovere mienzaniso yakanaka?

12 Ivai muenzaniso. Kutanga, Jehovha akati: “Mashoko awa . . . anofanira kuva mumwoyo mako.” Ipapo, akawedzera, kuti: “Unofanira [kuaroverera muvana, NW].” Naizvozvo mavara oumwari anofanira kutanga kuva mumwoyo womubereki. Mubereki anofanira kuda zvokwadi ndokurarama maererano nayo. Anogona kusvika mwoyo womwana panguva iyeyo bedzi. (Zvirevo 20:7) Neiko? Nemhaka yokuti vana vanopesvedzerwa zvikuru neizvo vanoona kupfuura neizvo vanonzwa.—Ruka 6:40; 1 VaKorinte 11:1.

13. Mukupa ngwariro kuvana vavo, vabereki vechiKristu vanogona sei kutevedzera muenzaniso waJesu?

13 Ivai shamwari. Jehovha akaudza vabereki muna Israeri, kuti: ‘Taurai navana venyu apo munogara mumba menyu uye apo munofamba munzira.’ Ikoku kunoda kupedza nguva vane vana pasinei zvapo nokuti vabereki vakabatikana sei. Jesu sezviri pachena akarangarira kuti vana vakanga vachifanirwa nenguva yake. Mukati mamazuva okupedzisira oushumiri hwake, “vakauya navana vaduku kwaari, kuti avanyangate.” Ndokupi kwaiva kuita kwaJesu? “Akavafungatira mumaoko, akavaropafadza.” (Marko 10:13, 16) Fungidzira, maawa okupedzisira oupenyu hwaJesu akanga achipera. Zvisinei, akapa ava vana nguva yake nengwariro. Chidzidzo chakaisvonaka zvakadini!

14. Neiko kuchibetsera kuti vabereki vapedze nguva vane mwana wavo?

14 Ivai vakurukuri. Kupedza nguva mune mwana wenyu kuchakubetserai kukurukura naye. Kana mukakurukura kakawanda, muchanzwisisa zviri nani kuti unhu hwake huri kukura sei. Yeukai, kunyange zvakadaro, kukurukura kunopfuura kutaura. “Ndaifanira kutanga unyanzvi hwokuteerera,” vakadaro vamwe amai muBrazil, “kuteerera nomwoyo wangu.” Shiviriro yavo yakabereka zvibereko apo mwanakomana wavo akavamba kugoverana mirangariro yake navo.

15. Chii chinofanira kuyeukwa kana toreva nezvokutandara?

15 Vana vanoda “nguva yokuseka . . . nenguva yokupembera,” nguva yokutandara. (Muparidzi 3:1, 4; Zekaria 8:5) Kutandara kunobudirira zvikuru apo vabereki navana vanokufarikanya pamwe chete. Iidi rinosuruvarisa kuti mumisha yakawanda kutandara kunoreva kutarira terevhizheni. Nepo zvimwe zvirongwa zveterevhizheni zvingava zvinovaraidza, zvakawanda zvinoparadza tsika dzakanaka, uye kutarira terevhizheni kunoparadza kurukurirano mumhuri. Naizvozvo, kuregerereiko kuita chimwe chinhu chinovaka navana venyu? Imbai, tambai mitambo, songanirai neshamwari, shanyirai nzvimbo dzinofarikanywa. Mibato yakadaro inokurudzira kurukurirano.

16. Chii icho vabereki vanofanira kudzidzisa vana vavo pamusoro paJehovha, uye vanofanira kuita sei saizvozvo?

16 Iva mudzidzisi. “Unofanira [kuaroverera, NW] [mashoko awa mu]vana vako,” akadaro Jehovha. Mashoko akapoteredza anokuudza chokudzidzisa uye nzira yokuchidzidzisa nayo. Kutanga, “ude Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nesimba rako rose.” (Dheuteronomio 6:5) Ipapo, “mashoko awa . . . unofanira [kuaroverera, NW].” Ipa murayiridzo wakanangidzirwa pakutanga kuda Jehovha nomweya wose nemitemo yake. (Enzanisa naVaHebheru 8:10.) Shoko rokuti “roverera” rinoreva kudzidzisa nokudzokorora. Naizvozvo Jehovha, chaizvoizvo, anokuudzai kuti nzira huru yokubetsera nayo vana venyu kutanga unhu hwoumwari kutaura pamusoro pake nguva dzose. Ikoku kunobatanidza kuva nefundo yeBhaibheri yenguva dzose.

17. Chii icho vabereki vangafanira kutanga mumwana wavo? Nei?

17 Vabereki vakawanda zvikurusa vanoziva kuti kupinza mashoko mumwoyo womwana hakusi nyore. Muapostora Petro akakurudzira vaKristu biyake, kuti: “Savacheche vachangoberekwa, pangai mukaka womweya, usina kushatiswa.” (1 Petro 2:2) Kutaura kwokuti “pangai” kunokarakadza kuti vakawanda havana nzara yezvokudya zvomudzimu nenzira yomuzvarirwo. Vabereki vangafanira kuwana nzira dzokutanga nadzo kupanga ikoko mumwana wavo.

18. Ndeipi iri mimwe mitoo yokudzidzisa yaJesu iyo vabereki vanokurudzirwa kutevedzera?

18 Jesu akasvika mwoyo kupfurikidza nokushandisa mienzaniso. (Marko 13:34; Ruka 10:29-37) Uyu mutoo wokudzidzisa unobudirira zvikuru navana. Dzidzisa nheyo dzeBhaibheri nokushandisa nhau dzakanaka, dzinofadza, zvichida idzo dzinowanwa muchinyorwa chinonzi Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri. * Ita kuti vana vabatanidzwe. Ita kuti vashandise kufunga kwavo vamene mukunyora nokutamba zviitiko zveBhaibheri. Jesu akashandisawo mibvunzo. (Mateo 17:24-27) Tevedzerai mutoo wake mukati mefundo yenyu yemhuri. Panzvimbo pokungotaura chete mutemo waMwari, bvunza mibvunzo yakafanana neiyi, Nei Jehovha akatipa uyu mutemo? Chii chichaitika kana tikauchengeta? Chii chichaitika kana tikasauchengeta? Mibvunzo yakadaro inobetsera mwana kurangarira kuona kuti mitemo yaMwari inoshanda uye yakanaka.—Dheuteronomio 10:13.

19. Kana vabereki vakatevera nheyo dzeBhaibheri mukubata navana vavo, ibetseroi huru idzo vana vachafarikanya?

19 Kupfurikidza nokuva muenzaniso, shamwari, mukurukuri, uye mudzidzisi, unogona kubetsera mwana wako kuvambira pamakore ake apakuvamba zvikurusa kutanga ukama hwapedyo hwomunhu oga naJehovha Mwari. Ukama ihwohwu huchakurudzira mwana wako kuva anofara somuKristu. Iye achavavarira kurarama maererano nokutenda kwake kunyange apo anotarisana nedzvinyiriro yavaenzani nemiedzo. Nguva dzose mubetserei kunzwisisa ukama ihwohwu hunokosha.—Zvirevo 27:11.

KUDIKANWA KUNOKOSHA KWECHIRANGO

20. Chirango chii, uye chinofanira kushandiswa sei?

20 Chirango kurovedza uko kunoruramisa ndangariro nomwoyo. Vana vanochida nguva dzose. Pauro anopa zano vanababa kuti “rambai muchirera [vana venyu] muchirango nokutungamirira ndangariro kwaJehovha.” (VaEfeso 6:4, NW) Vabereki vanofanira kuranga murudo, seizvo chaizvo Jehovha anoita. (VaHebheru 12:4-11) Chirango chakavakirwa parudo chinogona kupiwa kupfurikidza nokurangarira. Nokudaro, tinoudzwa kuti “inzwai kurayirira.” (Zvirevo 8:33) Chirango chinofanira kupiwa sei?

21. Inheyoi idzo vabereki vanofanira kuyeuka pakuranga vana vavo?

21 Vamwe vabereki vanofunga kuti kuranga vana vavo kunobatanidza kungotaura chete kwavari namanzwi okutyisidzira, kuvatuka, kana kuti kunyange kuvatsvinyira. Zvisinei, panhau imwe cheteyo, Pauro anonyevera, kuti: “Nemi madzibaba, regai kutsamwisa vana venyu,” (VaEfeso 6:4) VaKristu vose vanokurudzirwa kuti vave va“nyoro kuvanhu vose, . . . [va]nodzidzisa nounyoro avo vano[va]dzivisa.” (2 Timotio 2:24, 25) Vabereki vechiKristu, nepo vachiziva kudikanwa kwokutsiga, vanoedza kuyeuka aya mashoko pakuranga vana vavo. Padzimwe nguva, kunyange zvakadaro, kurangarira hakuna kukwana, uye rudzi rwakati rwechirango rungadikanwa.—Zvirevo 22:15.

22. Kana mwana achifanira kurangwa, chii chaanofanira kubetserwa kunzwisisa?

22 Vana vakasiyana vanoda marudzi akasiyana echirango. Vamwe hava“ruramiswi namashokowo zvawo.” Nokuda kwavo, chirango chapanhambo nenhambo chinopiwa nokuda kwokusateerera chingava chinoponesa upenyu. (Zvirevo 17:10; 23:13, 14; 29:19, NW) Mwana, kunyange zvakadaro, anofanira kunzwisisa chikonzero nei ari kurangwa. “Shamu nokurayira zvinouyisa uchenjeri.” (Zvirevo 29:15; Jobho 6:24) Uyezve, chirango chine miganhu. “Ndichafanira kukuranga kusvikira pamwero wakafanira,” akadaro Jehovha kuvanhu vake. (Jeremia 46:28b, NW) Bhaibheri haritongotsigiri kurova wakatsamwa kana kuti kupura, uko kunorwadza uye kunyange kukuvadza mwana.—Zvirevo 16:32.

23. Chii icho mwana anofanira kukwanisa kunzwisisa apo anorangwa navabereki vake?

23 Apo Jehovha akanyevera vanhu vake kuti aizovaranga, akatanga kuti: “Usatya hako, . . . nokuti ndinewe.” (Jeremia 46:28a) Nenzira yakafanana, chirango chavabereki, muchimiro chipi kana chipi chakafanira, hachitongofaniri kusiya mwana achinzwa arambwa. (VaKorose 3:21) Panzvimbo pezvo, mwana anofanira kunzwa kuti chirango chinopiwa nemhaka yokuti mubereki ‘anaye,’ ari parutivi pake.

DZIVIRIRAI MWANA WENYU PAKUKUVADZWA

24, 25. Ityisidziroi imwe yakaipa iyo vana vanoda dziviriro pairi mazuva ano?

24 Vakuru vakawanda vanorangarira uduku hwavo senguva inofadza. Vanoyeuka kunzwa kwoushamwari kwekotsekano, uchokwadi hwokuti vabereki vavo vaizovatarisira pasinei zvapo nechipi nechipi chinoitika. Vabereki vanoda kuti vana vavo vanzwe nenzira iyoyo, asi munyika yakaipa yanhasi, kwakaoma zvikuru kupfuura zvakwakanga kwakaita kuchengeta mwana akakotsekana.

25 Imwe tyisidziro yakaipa iyo yakakura mumakore achangobva kupfuura kubatwa chibharo kwavana. MuMalaysia, mishumo yokubatwa chibharo kwavana yakapetwa kana munhambo yamakore gumi. MuGermany vana vanenge 300 000 vanobatwa chibharo gore rimwe nerimwe, nepo muimwe nyika yeSouth America, maererano neimwe nzvero, nhamba yegore negore inofungidzirwa i9 000 000 inokatyamadza! Nenzira ine ngwavaira, voruzhinji vaava vana vanobatwa chibharo mumusha mavo vamene navanhu avo vanoziva nokuvimba. Asi vana vanofanira kuva nedziviriro yakasimba muvabereki vavo. Vabereki vanogona sei kuva vadziviriri?

26. Ndedzipi dziri dzimwe nzira idzo vana vanogona kuchengetwa nadzo vakakotsekana, uye zivo inogona sei kudzivirira mwana?

26 Sezvo ruzivo rwokuzviwanira ruchiratidza kuti vana vanoziva zvishomanene pamusoro pevatano havana kudzivirirwa zvikuru pavanobata vana chibharo, nhanho huru yokudzivirira kudzidzisa mwana, kunyange apo anenge achiri muduku. Zivo inogona kugovera dziviriro “munzira yezvakaipa, napavanhu vanotaura zvisakarurama.” (Zvirevo 2:10-12) Zivoi? Zivo yenheyo dzeBhaibheri, yechakarurama nechisina kururama mutsika. Uyewo zivo yokuti vakura vanogona kuita zvinhu zvakashata uye yokuti munhu muduku haafaniri kuteerera apo vanhu vanokarakadza zviito zvisakafanira. (Enzanisa naDhanieri 1:4, 8; 3:16-18.) Usaganhurira murayiridzo wakadaro kukutaura kwapanguva imwe. Vana vaduku vakawanda zvikurusa vanoda kuti chidzidzo chidzokororwe vasati vachiyeuka zvakanaka. Sezvo vana vanoti kurei, baba vangaremekedza nenzira yorudo kodzero yomwanasikana wavo yokuva oga, uye amai yomwanakomana wavo—nokudaro vachasimbisa pfungwa yomwana yechakafanira. Uye, chokwadika, imwe yetaviridzo dzakanakisisa pakubatwa chibharo kusanotarisira kunoitwa nemi savabereki.

TSVAKAI NHUNGAMIRO YOUMWARI

27, 28. Ndiani ari Manyuko makurusa avabereki ebetsero apo vanotarisana nedenho yokurera mwana?

27 Zvirokwazvo, kurovedzwa kwomwana kubvira paucheche idenho, asi vabereki vanotenda havafaniri kutarisana nedenho yacho vari voga. Shure mumazuva aVatongi, apo mumwe murume ainzi Manoa akaziva kuti akanga achizova baba, akakumbira Jehovha nhungamiro pakurovedza mwana wake. Jehovha akapindura minyengetero yake.—Vatongi 13:8, 12, 24.

28 Nenzira yakafanana nhasi, sezvo vabereki vanotenda vanorera vana vavo, vanogonawo kutaura kuna Jehovha mumunyengetero. Kuva mubereki ibasa rakaoma, asi kune tuso huru. Varoorani vechiKristu muHawaii vanoti: “Une makore 12 okupedza basa rako makore aye ouduku asati asvika. Asi kana wakashanda zvakaoma kushandisa nheyo dzeBhaibheri, inguva yokuwana mufaro norugare apo vanosarudza kuti vanoda kubatira Jehovha kuchibva mumwoyo.” (Zvirevo 23:15, 16) Apo mwana wenyu anoita chisarudzo ichocho, imiwo muchasundwa kukuwa kuti: “Vana [uye vanasikana] inhaka inobva kuna Jehovha.”

^ ndima 18 Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.