Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ganhuro Regumi Nenhanhatu

Wanira Mhuri Yako Ramangwana Rinogara

Wanira Mhuri Yako Ramangwana Rinogara

1. Ndechipi chakanga chiri chinangwa chaJehovha nokuda kwegadziriro yemhuri?

APO Jehovha akabatanidza Adhama naEvha muroorano, Adhama akaratidzira mufaro wake kupfurikidza nokutaura nhetembwa yechiHebheru yakanyorwa pakuvamba zvikurusa. (Genesi 2:22, 23) Zvisinei, Musiki airangarira zvakawanda kupfuura kungounza zvake mufarwa kuvana vake vaiva vanhu. Aida kuti varoorani nemhuri vaite kuda kwake. Iye akaudza vaviri vokutanga, kuti: “Berekai, muwande, muzadze nyika, mubate ushe pairi; muve nesimba pamusoro pehove dzegungwa, napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pezvipenyu zvose zvinokambaira panyika.” (Genesi 1:28) Iwoyo wakanga uri mugove wakaisvonaka, unotusa zvikuru zvakadini! Ivo navana vavo veramangwana vangadai vakafara sei kudai Adhama naEvha vakanga vaita kuda kwaJehovha nokuteerera kwakazara!

2, 3. Mhuri dzinogona sei kuwana mufarwa mukurusa nhasi?

2 Nhasiwo mhuri dzinofara zvikurusa apo dzinoshandira pamwe chete kuti dziite kuda kwaMwari. Muapostora Pauro akanyora, kuti: “Kunamata Mwari kunobatsira pazvinhu zvose, zvakune chipikirwa choupenyu hwazvino nohunouya.” (1 Timotio 4:8) Mhuri inorarama nokuzvipira kwoumwari uye iyo inotevera nhungamiro yaJehovha iri muBhaibheri ichawana mufarwa mu“upenyu hwazvino.” (Pisarema 1:1-3; 119:105; 2 Timotio 3:16) Kunyange kana mutezo mumwe bedzi wemhuri uchishandisa nheyo dzeBhaibheri, zvinhu zvinova zviri nani kupfuura kana kusina anodaro.

3 Bhuku rino rakurukura nheyo zhinji dzeBhaibheri idzo dzinoparira mufarwa wemhuri. Sezvingabvira wakacherekedza kuti dzimwe dzadzo dzinooneka dzaonekazve mubhuku rose. Neiko? Nemhaka yokuti dzinoratidzira zvokwadi dzine simba idzo dzinoshanda nokuda kwenakirwo yavose vari mumativi akasiyana-siyana oupenyu hwemhuri. Mhuri inovavarira kushandisa idzi nheyo dzeBhaibheri inowana kuti kuzvipira kwoumwari chaizvoizvo ‘kune chipikirwa choupenyu zvino.’ Ngatinzverei zvakare ina dzenheyo idzodzo dzinokosha.

UKOSHI HWOKUZVIDZORA

4. Nei kuzvidzora kuchikosha muroorano?

4 Mambo Soromoni akati: “Munhu usingadzori mweya wake, wakafanana neguta rakaputswa, risina rusvingo.” (Zvirevo 25:28; 29:11) ‘Kudzora mudzimu wemunhu,’ kushandisa kuzvidzora, kunokosha nokuda kwaavo vanoda roorano inofadza. Kutera kumirangariro inoparadza, zvakadai sehasha kana kuti ruchiva rwounzenza, kuchaparira kuvadziko iyo inotora makore kugadzira—kana ichizotongogona kugadzirwa.

5. Munhu asina kukwana anogona sei kusakurira kuzvidzora, uye nebetseroi?

5 Chokwadika, hakuna muzukuru waAdhama anogona kudzora zvizere nyama yake isina kukwana. (VaRoma 7:21, 22) Zvisinei, kuzvidzora chibereko chomudzimu. (VaGaratia 5:22, 23) Nokudaro, mudzimu waMwari uchabereka kuzvidzora matiri kana tikanyengeterera iri vara, kana tikashandisa zano rakafanira iro rinowanwa muMagwaro, uye kana tikasonganirana navamwe vanoriratidzira ndokudzivisa avo vasati. (Pisarema 119:100, 101, 130; Zvirevo 13:20; 1 Petro 4:7) Chiito chakadaro chichatibetsera “kutiza ufeve,” kunyange apo tinoedzwa. (1 VaKorinte 6:18, NW) Ticharamba masimba masimba uye tichadzivisa kana kuti kukurira kuva chiradza. Uye tichabata nenzira yakadzikama zvikuru nezvinoshatirisa namamirire ezvinhu akaoma. Tose zvedu—kubatanidza vana—ngatiedzei kusakurira ichi chibereko chinokosha chomudzimu.—Pisarema 119:1, 2.

MURANGARIRO WAKAFANIRA WOUMUSORO

6. (a) Ndeipi iri gadziriro yakatangwa nenzira youmwari youmusoro? (b) Chii icho murume anofanira kuyeuka kana umusoro hwake huchizounza mufarwa kumhuri yake?

6 Nheyo yechipiri inokosha kuzivikanwa kwoumusoro. Pauro akarondedzera nhevedzano yakafanira yezvinhu apo akati: “Ndinoda kuti muzive kuti musoro womumwe nomumwe ndiye Kristu; uye musoro womukadzi ndiye murume; uye musoro waKristu ndiye Mwari.” (1 VaKorinte 11:3) Ikoku kunoreva kuti murume anotungamirira mumhuri, mudzimai wake anotsigira nenzira yokuvimbika, uye vana vanoteerera vabereki vavo. (VaEfeso 5:22-25, 28-33; 6:1-4) Cherekedza, kunyange zvakadaro, kuti umusoro hunotungamirira kumufarwa bedzi apo hunoshandiswa nenzira yakafanira. Varume vanorarama nokuzvipira kwoumwari vanoziva kuti umusoro hahusi hushushi. Vanotevedzera Jesu, Musoro wavo. Kunyange zvazvo Jesu akanga ari “musoro wazvose,” iye “akauya, kwete kuzoshumirwa, asi kuti ashumire.” (VaEfeso 1:22; Mateo 20:28, NW) Nenzira yakafanana, murume wechiKristu anoshandisa umusoro, kwete kuti azvibetsere amene, asi kuti atarisire fariro dzomudzimai wake navana.—1 VaKorinte 13:4, 5.

7. Inheyoi dzapaMagwaro dzichabetsera mudzimai kuita basa rake rakarayirwa naMwari mumhuri?

7 Nokuda kworutivi rwake, mudzimai anorarama nokuzvipira kwoumwari haakwikwidzani kana kuti haadzori murume wake. Anofara kuva anomutsigira nokushanda naye. Bhaibheri pane dzimwe nguva rinotaura nezvomudzimai so“une” murume wake, kusingasiyi panikiro yokuti iye musoro wake. (Genesi 20:3) Kupfurikidza neroorano iye anova pasi po“mutemo womurume wake.” (VaRoma 7:2, NW) Panguva imwe cheteyo, Bhaibheri rinomudana kuti “mubatsiri” uye “wakamukwanira.” (Genesi 2:20) Iye anogovera mavara namano izvo murume wake asina, uye iye anomupa tsigiro inodikanwa. (Zvirevo 31:10-31) Bhaibheri rinotaurawo kuti mudzimai i“shamwari,” uyo anoshandira pamwe nomukwanyina wake. (Maraki 2:14) Idzi nheyo dzapaMagwaro dzinobetsera murume nomudzimai kunzwisisa nzvimbo yomumwe nomumwe uye kubata nomumwe nomumwe noruremekedzo rwakafanira nechiremera.

“NGAAKURUMIDZE KUNZWA”

8, 9. Tsanangura dzimwe nheyo dzichabetsera vose vari mumhuri kunatsa unyanzvi hwavo hwekurukurirano.

8 Mubhuku rino kudikanwa kwekurukurirano kunosimbiswa kazhinji kazhinji. Neiko? Nemhaka yokuti zvinhu zvinoshanda zviri nani apo vanhu vanotaura kune mumwe nomumwe ndokuteerera chaizvoizvo. Kwakasimbiswa kwasimbiswazve kuti kurukurirano ine mativi maviri. Mudzidzi Jakobho akataura neiyi nzira: “Munhu mumwe nomumwe ngaakurumidze kunzwa, anonoke kutaura.”—Jakobho 1:19.

9 Kunokoshawo kungwarira kuti tinotaura sei. Mashoko echimbichimbi, okukakavara, kana kuti anotsoropodza zvakakomba haaumbi kurukurirano inobudirira. (Zvirevo 15:1; 21:9; 29:11, 20) Kunyange apo chatinotaura chinenge chakarurama, kana chikataurwa nomutoo woutsinye, wokudada, kana kuti wokusakendenga, sezvingabvira chichaita kuvadziko huru kupfuura zvakanaka. Kutaura kwedu kunofanira kuva kwakanaka, “kwakarungwa nomunyu.” (VaKorose 4:6) Mashoko edu anofanira kuva akafanana “namatamba endarama mumidziyo yesirivha.” (Zvirevo 25:11) Mhuri dzinodzidza kukurukura zvakanaka dzakaita nhanho huru kuti dziwane mufarwa.

BASA RINOKOSHA RORUDO

10. Rudzii rworudo rwunokosha muroorano?

10 Shoko rokuti “rudo” rinooneka raonekazve mubhuku rino. Unoyeuka here rudzi rworudo rwunonongedzerwa kwarwuri zvikurukuru? Ichokwadi kuti rudo rwenyengano (chiGiriki, eʹros) rwunoita rutivi runokosha muroorano, uye muroorano dzinobudirira, chidakadaka chikuru noushamwari (chiGiriki, phi·liʹa) zvinokura pakati pomurume nomudzimai. Asi runotokosha zvikuru ndirwo rudo rwunoratidzirwa neshoko rechiGiriki rokuti a·gaʹpe. Urwo ndirwo rudo rwatinosakurira nokuda kwaJehovha, nokuda kwaJesu, uye nokuda kwomuvakidzani wedu. (Mateo 22:37-39) Ndirwo rudo urwo Jehovha anoratidzira kurudzi rwomunhu. (Johane 3:16) Kwakaisvonaka sei kuti tinogona kuratidzira mukwanyina wedu weroorano navana rudzi rumwe cheterwo rworudo!—1 Johane 4:19.

11. Rudo rwunoshanda sei nokuda kwezvakanaka zveroorano?

11 Muroorano rudo urwu rwakakwirira zvirokwazvo “chisungo chinokwanisa.” (VaKorose 3:14) Rwunosungira varoorani pamwe chete uye rwunovaita kuti vade kuitira mumwe nomumwe navana vavo chakanakisisa. Apo mhuri dzinotarisana namamirire ezvinhu akaoma, rudo rwunodzibetsera kuita zvinhu dzakabatana. Sezvo varoorani vanokwegura, rudo rwunovabetsera kutsigirana nokupfuurira kuongana. “Rudo . . . haruzvitsvakiri zvarwo; . . . runofukidza zvose, runotenda zvose, rune tariro pazvose, runotsungirira pazvose. Rudo harutongoperi.”—1 VaKorinte 13:4-8.

12. Nei kuda Mwari kwavaroorani kuchisimbisa roorano yavo?

12 Mubatanidzwa weroorano wakasimba zvikuru apo unosimbiswa kwete chete norudo pakati pavakwanyina veroorano asi zvikurukuru nokuda Jehovha. (Muparidzi 4:9-12) Neiko? Eya, muapostora Johane akanyora, kuti: “Rudo rwaMwari ndirwo, kuti tichengete mirayiro yake; mirayiro yake hairemi.” (1 Johane 5:3) Nokudaro, varoorani vanofanira kurovedza vana vavo mukuzvipira kwoumwari kwete chete nemhaka yokuti vanoda vana vavo zvikuru asi nemhaka yokuti uyu ndiwo murayiro waJehovha. (Dheuteronomio 6:6, 7) Vanofanira kudzivisa unzenza kwete bedzi nemhaka yokuti vanodana asi zvikurukuru nemhaka yokuti vanoda Jehovha, uyo “uchatongesa mhombwe navanofeva.” (VaHebheru 13:4) Kunyange kana mukwanyina mumwe achiparira zvinetso zvakakomba muroorano, kuda Jehovha kuchasunda mumwe wacho kupfuurira kutevera nheyo dzeBhaibheri. Dzinofara, zvirokwazvo, imhuri dziya umo kudana kunosimbiswa nokuda Jehovha!

MHURI INOITA KUDA KWAMWARI

13. Kutsunga kuita kuda kwaMwari kuchabetsera sei vanhu kuchengeta meso avo ari pazvinhu zvinokosha zvirokwazvo?

13 Upenyu hwose hwomuKristu hwakanangidzirwa pakuita kuda kwaMwari. (Pisarema 143:10) Ikoku ndiko uko kuzvipira kwoumwari kunoreva chaizvoizvo. Kuita kuda kwaMwari kunobetsera mhuri kuchengeta meso adzo ari pazvinhu zvinokosha zvirokwazvo. (VaFiripi 1:9, 10) Somuenzaniso, Jesu akanyevera, kuti: “Ndakauya kupesanisa munhu nababa vake, nomwanasikana na[a]mai vake, nomukadzi womwana navamwene vake; navavengi vomunhu vachava veimba yake.” (Mateo 10:35, 36) Maererano nenyevero yaJesu, vazhinji vavateveri vake vakatambudzwa nemitezo yemhuri. Mamirire ezvinhu anosuruvarisa, anorwadza zvakadini! Zvisinei, zvisungo zvemhuri hazvifaniri kukurira kuda kwedu Jehovha Mwari naJesu Kristu. (Mateo 10:37-39) Kana munhu akatsungirira pasinei zvapo nechishoro chemhuri, vashori vangachinja apo ivo vanoona migumisiro yakanaka yokuzvipira kwoumwari. (1 VaKorinte 7:12-16; 1 Petro 3:1, 2) Kunyange kana ikoko kukasaitika, hapana chakanaka chinogara chinowanwa kupfurikidza nokurega kubatira Mwari nemhaka yechishoro.

14. Chishuvo chokuita kuda kwaMwari chichabetsera sei vabereki kuita zvakanakisisa zvavana vavo?

14 Kuita kuda kwaMwari kunobetsera vabereki kuita zvisarudzo zvakarurama. Somuenzaniso, mudzimwe nzanga vabereki vanorangarira vana sepfuma, uye vanovimba navana vavo kuti vavatarisire muukweguru hwavo. Nepo kwakarurama uye kwakafanira kuti vana vakura vatarisire vabereki vavo vokwegura, rangariro yakadaro haifaniri kuita kuti vabereki vatungamirire vana vavo kumararamire okudisa zvenyika. Vabereki havayamuri vana vavo kana vakavarera kuti vakoshese pfuma yokunyama kupfuura zvinhu zvomudzimu.—1 Timotio 6:9.

15. Amai vaTimotio, Juniki, vakanga vari muenzaniso wakaisvonaka sei womubereki aiita kuda kwaMwari?

15 Muenzaniso wakaisvonaka muna ikoku ndiJuniki, amai veshamwari duku yaPauro Timotio. (2 Timotio 1:5) Kunyange zvazvo akanga akaroorwa naasiri mutendi, Juniki, pamwe chete naambuya vaTimotio Roisi, vakarera Timotio nenzira inobudirira kuti aronde kuzvipira kwoumwari. (2 Timotio 3:14, 15) Apo Timotio akanga akura zvakakwana, Juniki akamubvumira kubva pamusha ndokuita basa rokuparidza Umambo seshamwari yaPauro mufundisi. (Mabasa 16:1-5) Anofanira kuva akafadzwa sei apo mwanakomana wake akava mufundisi akatanhamhara! Kuzvipira kwake kwoumwari somunhu mukuru kwakaratidzira zvakanaka kurovedzwa kwake kwapakuvamba. Zvirokwazvo, Juniki akawana gutsikano nomufaro mukunzwa mishumo youshumiri hwokutendeka hwaTimotio, kunyange zvazvo iye zvimwe akarasikirwa nokuvapo kwake naye.—VaFiripi 2:19, 20.

MHURI NERAMANGWANA RAKO

16. Somwanakomana, iitiro hanya yakafanira yakadini iyo Jesu akaratidzira, asi ndeipi yakanga iri vavariro yake hurusa?

16 Jesu akarererwa mumhuri youmwari uye, somunhu mukuru, akaratidza kuitira hanya kwomwanakomana amai vake. (Ruka 2:51, 52; Johane 19:26) Zvisinei, vavariro huru yaJesu yakanga iri yokuita kuda kwaMwari, uye nokuda kwake ikoku kwakabatanidza kuzarurira vanhu nzira yokufarikanya upenyu husingaperi. Akaita ikoku apo akapa upenyu hwake hwakakwana hwomunhu sechibayiro nokuda kworudzi rwomunhu runotadza.—Marko 10:45; Johane 5:28, 29.

17. Ikariroi dzine mbiri idzo kutendeka kwaJesu kwakazarurira avo vanoita kuda kwaMwari?

17 Pashure porufu rwaJesu, Jehovha akamumutsira kuupenyu hwokudenga ndokumupa chiremera chikuru, pakupedzisira achimugadza saMambo muUmambo hwokudenga. (Mateo 28:18; VaRoma 14:9; Zvakazarurwa 11:15) Chibayiro chaJesu chakaita kuti kubvirire vanhu kusarudzwa kuti vatonge naye muUmambo ihwohwo. Chakazarurirawo nzira yokuti vasara vose vorudzi rwomunhu vane mwoyo wakarurama vafarikanye upenyu hwakakwana papasi richadzorerwa kumamirire ezvinhu eparadhiso. (Zvakazarurwa 5:9, 10; 14:1, 4; 21:3-5; 22:1-4) Imwe yeropafadzo hurusa yatinayo nhasi kutaura aya mashoko akanaka ane mbiri kuvavakidzani vedu.—Mateo 24:14.

18. Chiyeuchidzoi uye ikurudziroi zvinopiwa kuvose vari vaviri mhuri nokuvanhu vamwe navamwe?

18 Seizvo muapostora Pauro akaratidza, kurarama upenyu hwokuzvipira kwoumwari kune chipikirwa chokuti vanhu vanogona kugara nhaka zvikomborero izvozvo muupenyu “hunouya.” Zvirokwazvo, iyi ndiyo nzira yakanakisisa yokuwana nayo mufarwa! Yeuka, “nyika inopfuura nokuchiva kwayo; asi unoita kuda kwaMwari, unogara nokusingaperi.” (1 Johane 2:17) Nokudaro, ungave uri mwana kana kuti mubereki, murume kana kuti mudzimai, kana kuti mukuru asina kuroora kana kuti asina kuroorwa kana kuti ane vana kana kuti asina, vavarira kuita kuda kwaMwari. Kunyange apo unenge uchidzvinyirirwa kana kuti unotarisana nezvinetso zvakakomba, usatongokanganwa kuti uri mubatiri waMwari mupenyu. Nokudaro, zviito zvako ngazviunze mufaro kuna Jehovha. (Zvirevo 27:11) Uye mufambiro wako ngaugume nomufarwa nokuda kwako zvino uye upenyu husingaperi munyika itsva ichauya!