Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndingaita Sei Kuti Ndinakidzwe Nokunamata Mwari?

Ndingaita Sei Kuti Ndinakidzwe Nokunamata Mwari?

CHITSAUKO 38

Ndingaita Sei Kuti Ndinakidzwe Nokunamata Mwari?

Josh ane makore 16, akazvambarara pamubhedha wake. Amai vake vanomira pamusuo. Vanotaura vasingaiti zvokutamba vachiti, “Joshua, muka! Unozviziva kuti tine misangano manheru ano!” Josh ari kurerwa semumwe weZvapupu zvaJehovha, uye kupinda misangano yechiKristu chinhu chavanogara vachiita semhuri. Zvisinei, pari zvino Josh haachadi kuipinda.

Anogunun’una achiti, “Aa, Mhamha, zvine basa here kana ndikasaenda?”

Vanopindura kuti: “Siyana nezvekunyunyuta uchinje hembe. Handisi kuda kunonoka zvakare!” Vanotendeuka votanga kufamba vachienda.

Vachiri pedyo zvokuti vanomunzwa, Josh anoerekana ati, “Onaika Mhamha. Ichi chitendero chenyu, asi hazvirevi kuti ndechangu.” Anoziva kuti amai vake vazvinzwa nokuti mutsindo hauchanzwiki. Vasina zvavanotaura, vanobva vapfuurira kufamba vachienda havo.

Josh anonetseka nezvaataura. Haadi hake kurwadzisa amai vake. Asiwo haadi kukumbira ruregerero. Chaanongogona kuita ku- . . .

Achitura befu, Josh anotanga kuchinja. Anobva atanga kutaura ega achiti: “Rimwe zuva ndichange ndava kuzvisarudzira ndega. Handina kufanana nevamwe vanouya kuImba yoUmambo. ZvechiKristu hazvisi zvangu!”

WAKAMBONZWA sezvinoita Josh muchiitiko chapfuura here? Dzimwe nguva zvinoita here sokuti vamwe pavanenge vachinakidzwa nokunamata, iwe unenge uchingoita zvokumanikidzira? Somuenzaniso:

● Kwauri nyaya yokudzidza Bhaibheri yakangoita sehomuweki here?

● Haufariri kuita ushumiri hwepaimba neimba here?

● Unowanzofinhikana pamisangano yechiKristu here?

Kana mhinduro yako iri hungu, usaore mwoyo. Unogona kudzidzira kuti unakidzwe nokushumira Mwari. Ngationei kuti sei.

DAMBUDZIKO 1 Kudzidza Bhaibheri

Chinoita kuti zvisave nyore. Zvimwe unonzwa sokuti zvokudzidza hazvisi mauri. Nguva yaunogona kuisa pfungwa pazvinhu inoita sepfupi—zvakaoma kugara pasi woisa pfungwa pamwe chete! Uyewo unganzwa sokuti zvauri kudzidza kuchikoro zvakakwana.

Zvikonzero zvokudzidza Bhaibheri. Bhaibheri rakafuridzirwa naMwari, “rinobatsira pakudzidzisa, pakubatsira vanhu, pakuvaruramisa uye kuvaratidza mararamiro.” (2 Timoti 3:16, Contemporary English Version) Kudzidza Bhaibheri uye kufungisisa zvaunoverenga zvinoita kuti uzive zvinhu zvitsva. Unofanira kuziva kuti hapana chinhu chakanaka chinouya pasina kushanda zvakaoma. Kana uchida kuva shasha yemutambo, unofanira kuziva mitemo yacho uye kudzidzira mutambo wacho. Kana uchida kuva neutano hwakanaka unofanira kuita maekisesaizi. Saizvozvowo, kana uchida kudzidza nezveMusiki wako, unofanira kudzidza Shoko raMwari.

Zvinotaurwa nevezera rako. “Upenyu hwangu hwakava parumananzombe pandakaenda kusekondari. Vechiduku vaiita zvinhu zvakaipa zvakasiyana-siyana, uye ini ndaifanira kuzvibvunza kuti: ‘Ndizvo zvandinoda kuita here izvi? Zvandiri kudzidziswa nevabereki vangu ndicho chokwadi chaicho here?’ Ndaifanira kuzvionera ndega.”—Tshedza.

“Ndaigara ndichidavira kuti zvandakanga ndadzidza ndicho chokwadi, asi ndaifanira kunyatsova nechokwadi nazvo. Ndaida kunamata zvichibva pamwoyo kwete zvokungotevedzera vabereki.”—Nelisa.

Zvaungaita. Iva neurongwa hwako hwokudzidza hunoenderana nezvakakunakira uye zvaunofarira. Iwe sarudza nyaya dzauchatsvakurudza. Ungatangira papi? Wadii kutsvakurudza muBhaibheri rako woongorora zvaunotenda, zvichida uchishandisa bhuku rakadai serinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? *

Ibva watanga! Isa ✔ padivi penyaya mbiri kana nhatu dzemuBhaibheri dziri papeji inotevera dzaunoda kuziva zvakawanda nezvadzo—kana kuti kana uchida, nyora dzako pachako.

□ Kuna Mwari here?

□ Ndingava sei nechokwadi chokuti vanyori veBhaibheri vakafuridzirwa naMwari?

□ Nei ndichifanira kudavira kuti zvinhu zvakasikwa kwete kuti zvakaita zvokushanduka-shanduka?

□ Umambo hwaMwari chii, uye ndingaratidza sei kuti huriko?

□ Ndingatsanangura sei zvandinotenda pamusoro pezvinoitika panofa munhu?

□ Nei ndichifanira kuva nechokwadi chokuti kuchava nerumuko?

□ Ndingava sei nechokwadi chokuti chitendero chechokwadi ndechipi?

․․․․․

DAMBUDZIKO 2 Kuita Ushumiri

Chinoita kuti zvisave nyore. Kutaura nevamwe nezveBhaibheri—kana kusangana nemumwe wokuchikoro kwenyu paunenge uchidaro kunogona kutyisa.

Zvikonzero zvokuita ushumiri. Jesu akarayira vateveri vake kuti: “Munoita kuti vanhu . . . vave vadzidzi, . . . , muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.” (Mateu 28:19, 20) Asi pane zvimwe zvikonzero zvokuita kudaro. Ongororo dzinoratidza kuti mune dzimwe nzvimbo vechiduku vakawanda vanotenda muna Mwari uye muBhaibheri. Asi vechiduku ivavo havana tariro yechokwadi yeramangwana. Kudzidza kwawakaita Bhaibheri kwakaita kuti uve nemashoko chaiwo ari kutsvagwa uye ari kudiwa nevakawanda vezera rako! Paunoudza vamwe zvaunotenda unonzwa uri munhu ari nani, uye chinotonyanya kukosha, uchafadza mwoyo waJehovha.—Zvirevo 27:11.

Zvinotaurwa nevezera rako. “Ini neshamwari yangu takagadzirira sumo dzinobudirira uye takadzidza kukwanisa kupindura vanenge vachiramba uye kuita shanyo dzekudzokera. Pandakangotanga kushanda nesimba muushumiri, hwakawedzera kunakidza.”—Nelisa.

“Imwe hanzvadzi yechiKristu yakandibatsira zvikuru! Mukuru kwandiri nemakore matanhatu, uye anoenda neni muushumiri uye dzimwe nguva anoenda neni kunodya zvokudya zvemangwanani. Akandiratidza magwaro anokurudzira ayo akandibatsira kurongazve mafungiro angu. Pamusana pemuenzaniso wake wakanaka chaizvo, ndinoona kuti iye zvino ndava kunyanya kufarira vanhu pandinovabatsira. Ndinoshaya kuti ndingamutenda sei!”—Shontay.

Zvaungaita. Wabvumirwa nevabereki vako, tsvaka mumwe munhu muungano yenyu mukuru kwauri waunogona kuita naye ushumiri. (Mabasa 16:1-3) Bhabheri rinoti: “Simbi inorodzwa nesimbi. Saizvozvo munhu anorodza chiso chomumwe.” (Zvirevo 27:17) Kuwadzana nevanhu vakuru vane ruzivo rwakawanda kunobatsira pane zvakawanda. “Zvinozorodza zvikuru kuva nevanhu vakuru,” anodaro Alexis ane makore 19.

Ibva watanga! Pasi apa, nyora zita remumwe munhu ari muungano yenyu kuwedzera pavabereki vako anogona kukubatsira muushumiri.

․․․․․

DAMBUDZIKO 3 Kupinda Misangano yechiKristu

Chinoita kuti zvisave nyore. Pashure pekunge wagara mukirasi zuva rose, kuzoteerera hurukuro dzeBhaibheri kweawa kana kupfuura zvingaita segore chairo.

Zvikonzero zvokupinda misangano. Bhaibheri rinokurudzira vaKristu richiti: “Ngatirangarirane kuti tikurudzirane kuva norudo nemabasa akanaka kwazvo, tisingaregi kuungana kwedu, setsika ine vamwe, asi tikurudzirane, kunyanya zvamunoona zuva richiswedera pedyo.”—VaHebheru 10:24, 25.

Zvinotaurwa nevezera rako. “Unofanira kugadzirira misangano yeungano. Dzimwe nguva zvinongoda kuti uzvisimbise kuti udzidze. Paunogadzirira, unonakidzwa nemisangano nokuti unoziva zvinenge zvichikurukurwa, uye unovawo nezvokutaura.”—Elda.

“Pane imwe nguva ndakatanga kuona kuti pandaipindura pamisangano, misangano yacho yaindinakidza zvikuru.”—Jessica.

Zvaungaita. Ita nguva uchifanogadzirira, uye kana uchigona, pindurawo. Izvi zvichakubatsira kuti unyanye kunzwa uchibatanidzwa pane zviri kuitika.

Kuenzanisira: Chii chinonyanya kunakidza—kuona mutambo paterevhizheni kana kuti kuutamba munhandare? Zviri pachena kuti kubatanidzwa pane zviri kuitika kunobatsira pane kungoona. Wadii kuita izvozvo pamisangano yechiKristu?

Ibva watanga! Pasi apa, nyora kuti ndirini paungaita maminitsi 30 chete vhiki imwe neimwe uchigadzirira musangano weungano.

․․․․․

Vechiduku vakawanda vari kuona kuti mashoko ari pana Pisarema 34:8 ndeechokwadi, anoti: “Ravirai henyu muone kuti Jehovha akanaka.” Zvinogutsa here kungonzwa nezvechikafu chinonaka? Hazvisi nani here kuti iwe pachako uravidze chikafu chacho? Ndizvo zvakaitawo kunamata Mwari. Ravira uzvionere wega kubatsira kwazvinoita kuva nezvaunoitawo pane zvokunamata. Bhaibheri rinoti munhu asiri munzwi chete asi muiti webasa “munhu iyeye achafara.”—Jakobho 1:25.

MUCHITSAUKO CHEDU CHINOTEVERA

Dzidza kuti ungaronga uye kuti ungazadzisa sei zvinangwa zvako.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 19 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

RUGWARO RUNOKOSHA

“Shandurwai nokuchinja pfungwa dzenyu, kuti muedze, muzive zvinodiwa naMwari zvakanaka, zvinogamuchirika uye zvakakwana.”—VaRoma 12:2.

ZANO

Iva nebhuku remanotsi, uye tanga kunyora pfungwa huru pamisangano yechiKristu. Nguva ichakurumidza kufamba uye kudzidza kuchava nyore!

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Hazvina kuipa kuongorora zvinodzidziswa muchitendero chako. Kutaura zvazviri, kubvunza mibvunzo wobva wazotsvakurudza inzira yakanaka yokuona kana zvaunodavira nezvaMwari chiri chokwadi chaicho.—Mabasa 17:11.

ZVANDINORONGA KUITA!

Ndicharonga kushandisa maminitsi ․․․․․ pakuverenga Bhaibheri zuva rega rega uye ndichapedza ․․․․․ vhiki yega yega ndichigadzirira misangano yechiKristu.

Kuti ndinyatsoteerera pamisangano yechiKristu, ndicha- ․․․․․

Izvi ndizvo zvandinoda kubvunza vabereki vangu nezvenyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

● Nei zvokunamata zvingaita sezvinofinha kumunhu ari kuyaruka?

● Zvinhu zvipi zvitatu zvinoitwa pakunamata zvakurukurwa muchitsauko chino zvaunoda kushandira pazviri?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 278]

Chitendero chandinopinda hachisisiri chevabereki vangu chete, asi ndakazvisarudzira ndega. Jehovha ndiye Mwari wangu, uye handidi kuita zvinhu zvinokanganisa ukama hwangu naye.’’—Samantha

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 280]

Vakava Nezvinangwa

Bhaibheri rinoti: ‘Hamuzivi zvichange zvakaita upenyu hwenyu mangwana.’ (Jakobho 4:14) Dzimwe nguva, rufu runouya usingafungiri uye uchiri muduku. Sezvaunoverenga zvakaitika kuna Catrina naKyle, ona kuti vakaita sei zita rakanaka naJehovha Mwari muupenyu hwavo hupfupi nokuva nezvinangwa zvine chokuita nokunamata uye kuzvizadzisa.—Muparidzi 7:1.

Catrina akashaya aine makore 18, asi aine makore 13 akanga atonyora “zvirongwa zvoupenyu”—zvinangwa zvaaida kuzadzisa. Zvinangwa zvake zvaisanganisira kupinda muushumiri hwenguva yakazara, kushumira kunodiwa vadzidzisi veBhaibheri, uye kushanda nababa vake mubasa rokuvaka Dzimba dzeUmambo. Akanyora kuti: “Ndakatsaurira upenyu hwangu kuna Jehovha Mwari!” Chinangwa chaCatrina chaiva chokurarama maererano nemitemo yaMwari, uye nenzira inomufadza.” Pamariro pake, Catrina akarondedzerwa se“musikana akanaka akanga aronga kuti ashumire Jehovha kweupenyu hwose.”

Kubvira achiri mudiki zvikuru, Kyle akadzidziswa kuva nezvinangwa. Paakafa mutsaona yemotokari aine makore 20, hama dzake dzakawana “bhuku rezvinangwa” raakabatsirwa kugadzira naamai vake paaingova nemakore mana. Zvinangwa zvake zvaisanganisira kubhabhatidzwa, kupa hurukuro muImba yeUmambo, uye kushumira padzimbahwe reZvapupu zvaJehovha, kwaaigona kubatsira pakugadzira mabhuku aizoyamura vanhu kudzidza nezvaMwari. Vapedza kutarisa bhuku raKyle rezvinangwa, rakanga ragadzirwa makore akawanda adarika, amai vake vakati, “Akazadzisa chimwe nechimwe chezvinangwa izvozvo.”

Iwe wakazvirongera zvinangwa zvipi? Hauzivi kuti upenyu hwako huchange hwakaita sei mangwana. Saka shandisa zvizere zuva rimwe nerimwe reupenyu hwako. Kufanana naCatrina naKyle, pedzera nguva yako pakuita zvinhu zvinonyanya kubatsira. Tevedzera muapostora Pauro, uyo pedyo nokuguma kweupenyu hwake aigona kuti: “Ndarwa kurwa kwakanaka kwazvo, ndamhanya kusvika kumugumo, ndachengeta kutenda.” (2 Timoti 4:7) Chitsauko chinotevera chichakubatsira kuita izvozvo chaizvo!

[Mufananidzo uri papeji 275]

Kana uchida kuva neutano hwakanaka, unofanira kuita maekisesaizi. Kana uchida kusimba pakunamata, unofanira kudzidza Shoko raMwari