Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndinofanira Kuzivei Nezvokusvuta?

Ndinofanira Kuzivei Nezvokusvuta?

CHITSAUKO 33

Ndinofanira Kuzivei Nezvokusvuta?

Ona pfungwa dzinotevera uye isa ✔ mubhokisi riri padivi pechimwe nechimwe chaunofunga kuti chinorondedzera zvauri.

□ Ndinoda kunzwa kuti inoita sei

□ Ndine zviri kundinetsa

□ Ndinoda kukwanawo pane vamwe

□ Ndinonetseka nezveuremu hwangu

KANA uine pawamaka pamabhokisi ari papeji 237, une zvimwe zvawakafanana nevezera rako vanosvuta fodya kana kuti vakambofunga nezvazvo. * Somuenzaniso:

Kugutsa chishuwo chokuda kuziva zvainoita. “Ndaida kuziva kuti kusvuta kunomboita sei, saka ndakatora mudzanga wandakapiwa nemumwe musikana kuchikoro ndokubva ndasvova ndikausvuta.”—Tracy.

Kupedza zviri kukunetsa uye kukwana pane vamwe. “Vana vekuchikoro vaiti ‘Ndinoda mudzanga,’ uye pavaiuwana vaibva vati, ‘Yaa, zvaita manje!’ Pandainetseka, ndipo pandaiuda.”—Nikki.

Kuderedza uremu. “Vamwe vasikana vanosvuta kuti varambe vari vatete—zviri nyore chaizvo pane kudhayeta!”—Samantha.

Asi usati wabatidza mudzanga wako wokutanga kana kuti wechipiri, mira umbofunga. Usaita sehove inosvetukira pachirauro chakabayirirwa chikafu. Ichokwadi kuti hove ingawana mubayiro mudiki asi inofa! Pane kudaro, tevedzera zano reBhaibheri uye “funga zvakanaka.” (2 Petro 3:1) Pindura mibvunzo inotevera.

Ndezvipi Zvaunonyatsoziva Nezvokusvuta?

Maka mutsetse mumwe nemumwe kuti chokwadi kana kuti nhema.

a. Kusvuta kuchaderedza kunetseka kwangu.

□ Chokwadi □ Nhema

b. Ndinobudisa utsi hunenge hwose zvahwo.

□ Chokwadi □ Nhema

c. Kusvuta hakumbokanganisi utano hwangu kusvikira ndati kurei.

□ Chokwadi □ Nhema

d. Kusvuta kuchaita kuti ndinyanye kukwezva vanhurume/vanhukadzi.

□ Chokwadi □ Nhema

e. Kana ndikasvuta, hapana wazvinokuvadza kunze kwangu.

□ Chokwadi □ Nhema

f. Mwari haana basa nazvo kuti ndi- nosvuta here kana kuti handisvuti.

□ Chokwadi □ Nhema

Mhinduro

a. Nhema. Kunyange zvazvo kusvuta kuchimboderedza kunetseka kunokonzerwa nokurega fodya, masayendisiti akaona kuti nicotine inotoita kuti mahomoni anokonzera kunetseka awedzere.

b. Nhema. Dzimwe ongororo dzinoratidza kuti zvikamu zvinopfuura 80 muzana zveutsi hwemudzanga waunosvuta zvinogara mumuviri mako.

c. Nhema. Kunyange zvazvo ngozi dzacho dzichiwedzera nemudzanga mumwe nomumwe waunosvuta, mamwe matambudziko acho anokurumidza kuonekwa. Vamwe vanhu vanobva vapindwa muropa pavanongosvuta mudzanga mumwe chete. Kusvuta kunoderedza uwandu hwemhepo inopinda mumapapu ako uye ungangoita kachikosoro kasingaperi. Ganda rako rinokurumidza kuunyana uchiri muduku. Kusvuta kunowedzera mukana wokuva nedambudziko rokuita zvepabonde, rokungovhunduka-vhunduka, uye rokuora mwoyo.

d. Nhema. Mutsvakurudzi anonzi Lloyd Johnston akaona kuti vechiduku vanosvuta “havanyanyi kukwezva ruzhinji rwevanhurume/vanhukadzi.”

e. Nhema. Utsi hunobudiswa pakusvuta hunouraya zviuru zvevanhu gore negore; huchakuvadza mhuri yako, shamwari dzako uye kunyange mhuka dzamunogara nadzo pamba.

f. Nhema. Vaya vanoda kufadza Mwari vanofanira kuzvichenesa “pazvinhu zvose zvinosvibisa nyama.” (2 VaKorinde 7:1) Chokwadi ndechokuti kusvuta kunosvibisa muviri. Kana ukasarudza kuva asina kuchena, uchizvikuvadza uye uchikuvadza vamwe nekushandisa fodya, haugoni kuva shamwari yaMwari.—Mateu 22:39; VaGaratiya 5:19-21.

Marambiro Aungaita

Saka ungaitei kana mumwe munhu akakutambidza mudzanga? Mhinduro iri nyore asi yakasimba yakadai sokuti “Waita hako asi handidi, handisvuti,” inowanzoshanda. Kana munhu wacho akaramba achikunetsa kunyange kukushora, yeuka kuti ichocho ndicho chisarudzo chako. Ungati:

● “Ndakaona zvazvakaipira kusvuta fodya uye ndakasarudza kusatombozviedza.”

● “Ndine zvimwe zvinhu zvinokosha zvandinoda kuita mune ramangwana saka handidi kukanganisa mapapu angu.”

● “Uri kuramba kodzero yangu yokusarudza zvandinoda here?”

Zvisinei, kungofanana nevechiduku vambotaurwa nezvavo muchitsauko chino, zvimwe ungaona kuti muedzo mukuru unobva pachishuvo chako chokuda kusvuta. Kana zviri izvo, unogona kurwisa chishuvo ichi nokufunga mibvunzo yakaita seiyi:

● ‘Ndine zvandinowana pakusvuta here? Somuenzaniso, kana ndikasarudza kusvuta kuti ndingofarirwa nevamwe, ndichakwana here pavari pasinei nokuti hapana zvimwe zvatinopindirana pazviri? Ndinotoda kukwanawo pane vanhu vanofarira kundiona ndichikanganisa utano hwangu here?’

● ‘Kusvuta kuchandikanganisa sei munyaya dzemari, matambudziko outano uye kusaremekedzwa nevamwe?’

● ‘Ndingada here kurasikirwa neushamwari hwangu naMwari nekuda mudzanga chete?’

Ko kana wakatopindwa muropa? Ungaitei kuti urege kusvuta?

Zvaungaita Kuti Urege

1. Iva nechokwadi. Nyora zvikonzero zvako zvokurega uye gara uchizvidzokorora. Chido chokuva akachena pamberi paMwari chinogona kuva chikonzero chine simba.—VaRoma 12:1; VaEfeso 4:17-19.

2. Batsirwa nevamwe. Kana waisvuta pachivande, iye zvino ndiyo nguva yokuudza vamwe wobatsirwa. Udza vaya vawaimbovanzira kuti wava kurega uye kumbira kuti vakutsigire. Kana uchida kushumira Mwari, nyengetera kuti akubatsire.—1 Johani 5:14.

3. Iva nezuva rokurega. Zvipe nguva inosvika mavhiki maviri kana kuti iri pasi uye maka pakarenda yako zuva rawatsunga kurega. Udza vomumhuri menyu uye shamwari dzako kuti uri kurega kusvuta musi iwoyo.

4. Tsvaga uparadze. Zuva rako rokurega risati rasvika, nyatsotarisisa mumba mako, mumotokari uye muhembe dzako kuti hamungadaro muine midzanga here. Iparadze. Rasa magwenya, machisi uye midziyo yokuisira dota refodya.

5. Tsvaka zvaungaita kuti urwise matambudziko anovapo paunorega. Inwa muto wakawanda wemichero kana kuti mvura, uye zvipe nguva yakawanda yokurara. Yeuka kuti kunetseka kwacho ndekwenguva pfupi asi zvauchawana zvichakubatsira kweupenyu hwose!

6. Dzivisa zvinoita kuti unzwe havi. Tambira kure nenzvimbo uye mamiriro ezvinhu anoita kuti unzwe uchida kusvuta. Ungadawo kugura ushamwari nevanosvuta.—Zvirevo 13:20.

Usabvuma Kunyengerwa

Gore negore, makambani efodya anoshandisa mabhiriyoni emadhora pakushambadzira. Ndivanaani vavanenge vachinyanya kuvavarira? Rimwe gwaro rekambani yefodya rinoti: “Vechiduku vanhasi ndivo vachazova makasitoma efodya mune ramangwana.”

Usaregera vanotengesa fodya vachipinda muhomwe dzako. Ungadirei zvako kunyengerwa navo? Ivavo kana vezera rako vanosvuta havana hanya nezvakakunakira. Panzvimbo pokuvateerera, teerera zano rinowanikwa muBhaibheri uye dzidza “kuti ubatsirwe.”—Isaya 48:17.

MUCHITSAUKO CHEDU CHINOTEVERA

Shamwari dzako dzinokumanikidza kunwa doro here? Dzidza kuti nei uchifanira kuziva pokugumira.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 8 Kunyange zvazvo chitsauko chino chichitaura nezvevaya vanosvuta midzanga, matambudziko uye ngozi dzinotaurwa dzinoshandawo kune vaya vanotsenga fodya.

RUGWARO RUNOKOSHA

“Ngatitambirei kure nezvinhu zvose zvinosvibisa miviri yedu.”—2 VaKorinde 7:1, Contemporary English Version.

ZANO

Dzivisa mafungiro akaita sokuti, ‘Ndichangokweva kamwe chete.’ Anowanzoita kuti utange kusvutazve.—Jeremiya 17:9.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Fodya isina utsi—yakadai seyokutsenga—ine nicotine yakawanda kupfuura midzanga uye ine michetura 25 inokonzera kenza inoita kuti vanoishandisa vawedzere kuva pangozi yokuita kenza yepahuro uye yemukanwa.

ZVANDINORONGA KUITA!

Kana mumwe wokuchikoro akandimanikidza kuti ndisvute, ndicha- ․․․․․

Izvi ndizvo zvandinoda kubvunza vabereki vangu nezvenyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

● Kunyange zvazvo uchiziva ngozi dzacho, nei ungangova pamuedzo wokusvuta?

● Chii chakaita kuti uve nechokwadi chokuti kusvuta kwakaipa?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 240]

Kana ndikatambidzwa mudzanga, ndinongonyemwerera ndobva ndati, ‘Kwete, wazvita hako, handidi kuita kenza.’’’—Alana

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 241]

Mbanje Yakaipa Zvakadaro Here?

Ellen anogara kuIreland anoti, “Vamwe vanoti kushandisa mbanje inzira yokunzvenga nayo matambudziko uye haina kana kukanganisa kwainokuita.” Wakambonzwa kutaura kwakafanana neuku nezvembanje here? Enzanisa nhema dzakajairika nechokwadi.

Nhema. Mbanje haikuvadzi.

Chokwadi. Matambudziko embanje angazovapo kwenguva refu anozivikanwa kana kuti anofungidzirwa ndeanotevera: inotadzisa munhu kuyeuka zvinhu, inokanganisa mano okudzidza, inoita kuti muviri utadze kurwisa zvirwere uyewo inoita kuti vanhurume kana kuti vanhukadzi vave nematambudziko pakuita zvepabonde. Inoita kuti pane dzimwe nguva munhu azvidye mwoyo, aite sokunge anorwara nepfungwa, angofungira vanhu zvisiri izvo uye avatye. Vana vanoberekwa nevakadzi vanosvuta mbanje kazhinji kacho vane zvinetso zvokushaya unhu, havanyatsoisa pfungwa dzavo pane zvavanenge vachiita uye vanoomerwa zvikuru kuita zvisarudzo.

Nhema. Utsi hwembanje hahunyanyi kukuvadza sezvinoita hwemudzanga.

Chokwadi. Kana huchienzaniswa neutsi hwefodya, utsi hwembanje hunosiya tar yakapetwa kana munofamba nemhepo yaunofema uye hunopinza muchetura wecarbon monoxide muropa rako kakapetwa kashanu. Kusvuta zvimonera zvishanu zvembanje, kunobudisa michetura inokonzera kenza yakawanda seinobuda mupaketi rose remidzanga yefodya.

Nhema. Mbanje haipindi muropa.

Chokwadi. Vechiduku vane matambudziko epfungwa vanogona kukurumidza kupindwa muropa nembanje. Vamwe vanopindwa muropa mushure mokunge vaishandisa kwenguva yakareba. Kuwedzera pane izvi, kuongorora kwakaitwa kunoratidza kuti vechiduku vanosvuta mbanje vari pangozi yokushandisa zvimwe zvinodhaka zvinopinda muropa zvakadai secocaine.

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 244, 245]

Zvinoitwa Nefodya Kumuviri Wako

Tarisa vanhu vane utano hwakanaka vanoratidzwa pakushambadzirwa kwefodya; ibva waenzanisa mifananidzo iyoyo nezvinonyatsoitwa nekusvuta kumuviri wako.

Mukanwa uye pahuro Inogona kukonzera kenza

[Mufananidzo]

Rurimi rwune kenza

Mwoyo Inoomesa tsinga dzeropa dzoita dzichivharika, inoita kuti mwoyo usawane okisijeni yakakwana, uye inowedzera nekana ngozi yokuva nechirwere chemwoyo

[Mufananidzo]

Tsinga yakavharika

Mapapu Inoparadza munopinda mweya watinofema, maunofamba namo, uye inowedzera neka23 ngozi yokuva nekenza yemapapu

[Mufananidzo]

Bapu remunhu anosvuta

Uropi Inowedzera nekanosvika kana ngozi yokuita sitiroko

Ganda Inoita kuti rikurumidze kuunyana

Mazino Inoita kuti atindivare

Dumbu Inokonzera kenza

Rwatata Inokonzera kenza

Dundira Inokonzera kenza

Itsvo Inokonzera kenza

[Mufananidzo uri papeji 239]

Sezvinongoita hove inosvetukira pachirauro chakabayirirwa chikafu, musvuti anowana mubayiro asi anokuvara zvikuru