Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndingawirirana Sei Nomudzidzisi Wangu?

Ndingawirirana Sei Nomudzidzisi Wangu?

CHITSAUKO 20

Ndingawirirana Sei Nomudzidzisi Wangu?

Nyora zita romudzidzisi waunofarira. ․․․․․

Nei uchifarira mudzidzisi iyeye? ․․․․․

Nyora zita romudzidzisi waunoona akanyanya kukuomera kuwirirana naye. ․․․․․

UNGASARUDZA shamwari dzako asi paunenge uchiri mudiki, haugoni kusarudza vadzidzisi vako. Ungangovada vose. David ane makore 18, anoti: “Pavadzidzisi vangu vose hapana kana wandakambonetsana naye. Ndaivaremekedza, uye vaindifarira.”

Ukuwo, unogona kuva nomudzidzisi akafanana neanotsanangurwa naSarah uyo ane makore 11. Anoti, “Mudzidzisi wangu akaoma mwoyo. Uye handimunzwisisi. Dzimwe nguva haanyatsotsananguri zvakakwana chidzidzo chacho kana kuti anobva anyanyisa.” Kuti ubatsirwe kuwirirana nomudzidzisi wako, unofanira kutanga kuziva dambudziko rauri kufunga kuti unaro. Wangoziva dambudziko racho, zvinenge zvava nyore kuti urikurire. Isa ✔ pamabhokisi akakodzera pane ari pasi apa, kana kuti nyora chikonzero chako.

□ Ndinoona zvakaoma kunzwisisa mudzidzisi wangu

□ Ndinonzwa sokuti ndinofanira kuwana mamakisi epamusoro

□ Ndinofunga kuti vamwe vanobatwa zviri nani

□ Ndinorangwa kupfuura zvandinofanira kuitwa

□ Ndinonzwa sokuti ndinosarurwa

□ Zvimwe ․․․․․

Chii chaungaita kuti zviite nani? Danho rokutanga nderokushandisa zano rakapiwa nomuapostora Petro. Akanyora kuti: “Imi mose ivai nokufunga kwakafanana, muchinzwirana ngoni.” (1 Petro 3:8) Zvii zvingangokukurudzira kunzwira ngoni mudzidzisi akaoma musoro? Funga zvimwe zvinhu zvinoitwa nevadzidzisi zvingangokubatsira.

Vadzidzisi vane zvimwewo zvavasingagoni. Kungofanana nevanhu vose, vadzidzisi vane unhu hwavowo, matambudziko uye vanosarurawo. Mudzidzi Jakobho akanyora kuti: “Kana munhu asingakanganisi pakutaura, iyeyu munhu akakwana, anokwanisawo kudzora muviri wake wose.” (Jakobho 3:2) Brianna ane makore 19, anoti: “Mudzidzisi wangu wemaths akanga asinganyanyi kushivirira uye aiwanzotipopotera. Saka taiona zvakaoma kumuremekedza.” Chii chaiita kuti adaro? Brianna anoti, “Kirasi yose yaigara ichiita zhowezhowe uye vana vaiita sevanopenga vachingoda kuti mudzidzisi awedzere kugumbuka.”

Hapana mubvunzo kuti unozvifarira kana mudzidzisi akasati nangananga nezvaunokanganisa uye zvausingakwanisi, kunyanya kana wanga uine zviri kukutemesa musoro zvikuru. Ungaitawo izvozvo kumudzidzisi wako here? Nyora pano chinhu chichangobva kuitika kuchikoro uye zvaunofunga kuti zvingava zvakakonzera kuti mudzidzisi wako aviruke nehasha.

․․․․․

Vadzidzisi vane vavanofarira. Chimbofunga matambudziko anotarisana nevadzidzisi vako: Vana vangani vanoda kuva mukirasi menyu? Pane vaya vanoda kuvamo, vangani vanozvifarira uye vanokwanisa kuramba vakaisa pfungwa dzavo pachidzidzo chimwe chete kwehafu yeawa kana kuti kupfuura? Vadzidzi vangani vanoda kutaura nezvokusvotwa uye kuvenga kwavanoita vadzidzisi vavo? Iye zvino ngatitii unoita basa rokudzidzisa vezera rako vanosvika 20, 30, kana kutopfuura uye kuti vashomanana vanofarira chidzidzo chacho. Waisazoda here kunyanya kuti sika sika nevaya vanoita sevanofarira?

Ichokwadi kuti zvingakusvota paunoona sokunge kuti pari kuitwa rusaruro rwuri pachena. Nezvemumwe wevadzidzisi vake, Natasha anoti: “Aitipa zuva raaiti ndiro ratinofanira kuunza basa redu, kunze kwevaitamba bhora. Zvakangoitikawo kuti mudzidzisi wacho ndiye aiva mutevedzeri wakochi wetimu yacho.” Kana zvakada kufanana naizvozvo zvikaitika kwauri, zvibvunze kuti, ‘Pane zvandinoda pakudzidza asi zvandisiri kuitirwa here?’ Kana pasina, nei uchigumbuka kana kuti kuva negodo?

Nyora pano zvaungaita kuti unyatsoratidza mudzidzisi wako kuti unofarira zvaanodzidzisa.

․․․․․

Vadzidzisi havanzwisisi vadzidzi. Dzimwe nguva, kusapindirana kweunhu kana kuti kusanzwisisana zvinoita kuti iwe nomudzidzisi wako munetsane. Kubvunza mibvunzo kungaonekwa sokupandukira, kana kuti kutaura majee kungaonekwa sokushaya ruremekedzo kana kuti upenzi.

Ungaitei kana usina kunzwisiswa? Bhaibheri rinoti: “Musadzorera chakaipa nechakaipa kuna ani naani zvake. . . . Kana zvichibvira, nepamunogona napo, ivai norugare nevanhu vose.” (VaRoma 12:17, 18) Saka usaedza kutsamwisa mudzidzisi wako. Usangoita tumwe tunhu tunomugumbura. Usaita kuti mudzidzisi wako ave nezvikonzero chaizvo zvokunyunyuta. Chiripo ndechokuti edza kuva noushamwari. Ungabvunza kuti, ‘Kuva noushamwari? Naye?’ Ehe, ratidza kuti une tsika nokumukwazisa zvine ruremekedzo paunopinda mukirasi. Kuramba uine ruremekedzo, kunyange kugara uchinyemwerera zvingachinja maonero aanokuita.—VaRoma 12:20, 21.

Somuenzaniso, Ken aiva nevadzidzisi vaiwanzomufungira zvisiri izvo. Anoti, “Ndainyara zvokuti, uye ndaisambotaura nevadzidzisi vangu.” Akakurira sei dambudziko racho? “Pakupedzisira ndakazoziva kuti kazhinji kacho vadzidzisi vangu vaida kundibatsira. Saka ndakavavarira kuziva vadzidzisi vangu vose. Pandakangodaro chete, ndakatanga kuona kuvandudzika kukuru pamamakisi angu.”

Ichokwadi kuti kuratidza ushamwari uye kutaura noushamwari hazviiti kuti mudzidzisi akufarire nguva dzose. Asi shivirira. Mambo Soromoni akanyora kuti: “Kushivirira uye kutaura kwakapfava zvinganyengetedza mutongi [kana kuti mudzidzisi] uye zvinokurira chero matambudziko api.” (Zvirevo 25:15, Contemporary English Version) Ramba wakadzikama uye taura nounyoro paunenge wabatwa zvisina kunaka. Mudzidzisi wako achaongororazve maonero aanokuita.—Zvirevo 15:1.

Kana mudzidzisi wako asingakunzwisisi kana kuti achikubata zvisina kunaka, unowanzotanga kuita sei?

․․․․․

Ndezvipi zviri nani zvaungaita?

․․․․․

Kugadzirisa Nyaya Dzinenge Dzamuka

Kuziva kuti mudzidzisi wako ane zvaasingagoni rinongova danho rokutanga. Chii chaungaita kuti ugadzirise nyaya inenge yamuka? Somuenzaniso, ungaita sei nokunyunyuta kunotevera?

Ndinofanira kuwana mamakisi ari nani. Katrina anoti, “Ndaigara ndichiwana maA. Asi rimwe gore mudzidzisi wangu wesayenzi akandiisira F. Ndaifanira kuwana mamakisi ari nani. Vabereki vangu vakataura nomukuru wechikoro. Asi mudzidzisi wangu akangochinja zvishoma akandiisira D, saka ndakanga ndichakangogumbuka.” Kana ukasangana nezvakafanana, usaramba uchingopa mudzidzisi wako mhosva. Pane kudaro, dzidza kuna Natani anotaurwa nezvake muBhaibheri. Akava nebasa rakaoma rokufumura chikanganiso chakakura chakaitwa naMambo Dhavhidhi. Natani haana kungoti pindikiti muimba yamambo achishevedzera mashoko okupomera, asi akataura naDhavhidhi noungwaru.—2 Samueri 12:1-7.

Saizvozvowo, ungataura nomudzidzisi wako uchizvininipisa uye wakadzikama. Kana ukagumbuka kana kuti ukapomera mudzidzisi wako kuti haagoni kudzidzisa, hamumbofi makawirirana. Edza kutaura naye uchiita somunhu mukuru. Tanga nokukumbira mudzidzisi wako kuti akubatsire kunzwisisa kuti anopa sei mamakisi. Soromoni akanyora kuti, “Teerera usati wapindura. Ukasadaro, unenge uri fuza uye uchizvinyadzisa.” (Zvirevo 18:13, Today’s English Version) Wangoteerera chete, ungakwanisa kuona paunonzwa sokuti ndipo pakakanganiswa. Kunyange kana mamakisi ako akasachinja, mafungiro ako somunhu mukuru angaita kuti mudzidzisi wako akuone zvakanaka.

Ndinonzwa sokuti mudzidzisi wangu anosarura. Funga zvakaitika kuna Rachel. Aigara achiwana mamakisi akanaka kuchikoro. Paakazosvika Giredhi 7, zvinhu zvakachinja. Rachel anoti, “Mudzidzisi wangu akaita zvose zvaaigona kuti ndifoire.” Dambudziko racho raiva rei? Mudzidzisi wacho akabudisa pachena kuna Rachel naamai vake kuti akanga asingafariri chitendero chavo.

Chii chakazoitika? Rachel anoti: “Nguva dzose pazvaibuda pachena kuti mudzidzisi abvumira rusaruro rwake kuvhiringidza kumaka kwaaiita basa rangu, ndaibva ndaenda naMhamha kuti tinokurukura nyaya yacho naye. Pakupedzisira, akarega kundiomesera.” Kana uri kusangana nedambudziko rakafanana, shinga kutaura nevabereki vako nezvaro. Vachatofarira kutaura nomudzidzisi wacho uye zvimwe nevanotarisira chikoro kuti vagadzirise dambudziko racho.

Iva Nemaonero Anosvika Kure

Zviri pachena kuti mamwe ematambudziko ako haazogadzirisiki nyore nyore. Dzimwe nguva unotofanira kutsungirira. Tanya anoti, “Mumwe wevadzidzisi vangu akanga asingabati zvakanaka vana vaaidzidzisa. Aigara achitituka, achititi taiva mafuza. Pakutanga ndaibva ndatochema, asi ndakadzidza kuti ndaisafanira kunyanya kufunga nezvazvo. Ndaiisa pfungwa pabasa rangu uye ndairamba ndakabatikana pane zvaaidzidzisa. Izvi zvakaita kuti asanyanya kundinetsa, uye ndaiva mumwe wevashomanana vaiwana mamakisi akanaka. Papera makore maviri, mudzidzisi wacho akadzingwa basa.”

Dzidza kuti ungashanda sei nomudzidzisi akaoma, uye uchawana unyanzvi hunokosha muupenyu, huchazokubatsira paunenge wava kuzoshanda nabhosi akaoma musoro. Uchadzidzawo kukoshesa vadzidzisi vakanaka kana wava navo.

MUCHITSAUKO CHEDU CHINOTEVERA

Unoita seusina nguva yakakwana here pazuva? Dzidza kuti ungaita sei kuti wachi ive shamwari yako, kwete muvengi wako.

RUGWARO RUNOKOSHA

“Naizvozvo, zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo saizvozvo.”—Mateu 7:12.

ZANO

Kana uchifunga kuti mudzidzisi wako anofinha, isa pfungwa dzako pachidzidzo, kwete pamunhu wacho. Nyora manotsi uye noruremekedzo kumbira kuudzwa zvimwe uye iva nechido nechidzidzo chacho. Kuva nechido kunoita kuti vamwe vavewo nacho.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Mudzidzisi wako angave akadzidzisa mamwe makirasi zvidzidzo zvimwe chete izvozvo kakawanda zvikuru. Saka zvingamuomera kuti arambe achizvifarira sezvaaiita pakutanga.

ZVANDINORONGA KUITA!

Kuti ndiite kuti chidzidzo chinofinha chinakidze, ndicha- ․․․․․

Kana ndichinzwa sokuti mudzidzisi wangu haasi kundibata zvakanaka, ndicha- ․․․․․

Izvi ndizvo zvandinoda kubvunza vabereki vangu nezvenyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

● Nei zvichikosha kunyanya kufunga nezvechidzidzo pane kunyanya kufunga nezvemudzidzisi wacho?

● Maonero aunoita zvinenge zviri kudzidzwa angaita kuti mudzidzisi wako akuone sei?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 146]

Ndaiedza kwazvo kuti ndiwirirane nevadzidzisi vangu vose. Ndinoziva mazita avo, uye kana ndikavaona mumugwagwa, ndinoita kanguva ndichitaura navo.’’—Carmen

[Mufananidzo uri papeji 145]

Vadzidzisi vakaita sematombo aunotsika angakubatsira pakuyambuka kubva pakusaziva kusvika pakunzwisisa, asi unofanira kufamba