Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Muenzaniso Wokutevedzera—Jakobho

Muenzaniso Wokutevedzera—Jakobho

Muenzaniso Wokutevedzera—Jakobho

Jakobho nemukoma wake Isau vave nemakore vasati vataura vose. Chokwadi, Isau anovenga Jakobho. Kunyange zvazvo Jakobho asina chaakatadza, ndiye anototanga kuita kuti vagadzirisane. Anotumira zvipo. Chinangwa chake hachisi chokuti anzi ndiye akarurama asi kuti afarirwe nomukoma wake. Jakobho haasiyi zvaanokoshesa, asi haasi kungoomerera pakukumbira ruregerero asati aita rugare nomukoma wake.—Genesisi 25:27-34; 27:30-41; 32:3-22; 33:1-9.

Unogadzirisa sei kusawirirana kwaunoita nevemumhuri menyu? Dzimwe nguva ungaona sezviri pachena kuti ndiwe wakarurama uye kuti mumwe mwana kana kuti mubereki ndiye akanganisa. Pakadaro unomirira here kuti mumwe wako atore danho rokutanga? Kana kuti ungaita here saJakobho? Kana pasina zvinotaurwa neBhaibheri zvingangokanganiswa, uchada here kubvuma zvauri kupomerwa kuitira kuti pave norugare? (1 Petro 3:8, 9) Jakobho haana kurega kuzvikudza kuchiparadza mhuri yake. Akazvininipisa akayanana nemukoma wake. Uchaitawo zvakadaro nevemumhuri mako here?