Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Muenzaniso Wokutevedzera—Jobho

Muenzaniso Wokutevedzera—Jobho

Muenzaniso Wokutevedzera—Jobho

Upenyu hwaJobho hwachinja zvikuru. Chekutanga, pfuma yake inoparara. Chechipiri, vana vake vanofa. Chechitatu, anorasikirwa neutano hwake. Zvose izvi zvinoitika nokukurumidza uye asingazvitarisiri. Avhiringidzika, Jobho anoti: “Chokwadi mweya wangu unosemeswa noupenyu hwangu.” Anozvirondedzera semunhu ‘azere nokuzvidzwa uye azere nokutambudzika.’ (Jobho 10:1, 15) Zvisinei, kunyange paanotambura, Jobho anoramba kupandukira Musiki wake. (Jobho 2:10) Haachinjwi nezvinoitika muupenyu hwake. Nokudaro, Jobho muenzaniso wokutsungirira.

Iwewo paunowirwa nenhamo unganzwa ‘uchisemeswa noupenyu hwako.’ Kunyange zvakadaro, unogona kuratidza kuti hauchinji panochinja zvinhu uye kuti hautsuduguki pakutsunga kwako kushumira Jehovha Mwari. Jakobho akanyora kuti: “Tarirai! Tinoti vanofara vaya vakatsungirira. Makanzwa nezvokutsungirira kwaJobho uye makaona zvaakaitirwa pakupedzisira naJehovha, kuti Jehovha ane rudo rukuru uye ane ngoni.” (Jakobho 5:11) Akaratidza kuva nehanya naJobho, uye ane hanya newe!