Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kushungurudzika Kwandinoita Ndiko Kunoitawo Vamwe Here?

Kushungurudzika Kwandinoita Ndiko Kunoitawo Vamwe Here?

CHITSAUKO 16

Kushungurudzika Kwandinoita Ndiko Kunoitawo Vamwe Here?

Kunyange zvazvo chitsauko chino chichitaura nezvokufirwa nomubereki, pfungwa dzinokurukurwa dzinoshandawo panofa chero mumwe womumhuri kana kuti shamwari yepedyo.

“Amai pavakashaya, ndakapererwa uye ndakanzwa ndisina chinangwa. Ndivo vaiita kuti mhuri yedu irambe yakabatana.”—Karyn.

KUFIRWA nomubereki chimwe chezvinhu zvinorwadza chaizvo muupenyu. Pashure pokunge wafirwa, unganetseka nemanzwiro akasiyana-siyana zvausina kumbobvira waita. Brian uyo aiva nemakore 13 pakafa baba vake nechirwere chemwoyo, anoti, “Manheru atakazviziva, takangombundirana tichingochema.” Natalie uyo aiva nemakore gumi pakafa baba vake nekenza, anoyeuka kuti: “Ndakapererwa zvokuti hapana kana manzwiro andakava nawo.”

Rufu runorwadza munhu mumwe nomumwe zvakasiyana. Zvechokwadi, Bhaibheri rinoti “mumwe nomumwe” ane “dambudziko rake nokurwadziwa kwake.” (2 Makoronike 6:29) Uchifunga izvozvo, chimbowana kanguva kekufunga kuti rufu rwomubereki wako rwakakurwadza sei? Pasi apa nyora (1) kuti wakanzwa sei pawakatanga kuziva nezvorufu rwomubereki wako uye (2) kuti wava kunzwa sei iye zvino. *

1 ․․․․․

2 ․․․․․

Zvichida mhinduro dzako dzinoratidza kuti manzwiro ako, ari kuti dzikamei. Izvozvo zvinoitika muupenyu. Hazvirevi kuti wakanganwa mubereki wako. Ungaonawo kuti manzwiro ako angori zvaaiva kana kuti atowedzera. Zvichida kushungurudzika kwako kunoita semafungu anomboti dzimwe nguva dzikamei ozongoerekana ati “kapa kumahombekombe.” Izviwo zvinoitika muupenyu—kunyange zvikaitika papera makore mubereki wako afa. Mubvunzo ndewokuti, Ungatsungirira sei kushungurudzika kwauri kuita pasinei nokuti kwakaita sei?

Usadzivisa kusvimha misodzi! Kuchema kunobatsira kuderedza marwadzo okushungurudzika. Asi unganzwa sezvakaita Alicia. Aiva nemakore 19 pakashaya amai vake. Anoti, “Ndaifunga kuti kana ndikaratidza kunyanya kurwadziwa, vamwe vangaona sokuti handina kutenda kwakasimba.” Asi chimbofunga izvi: Jesu Kristu aiva munhu akakwana aitenda zvakasimba muna Mwari. Kunyange zvakadaro, “akasvimha misodzi” paakaona vaya vaichema shamwari yake yaaida, Razaro. (Johani 11:35) Saka usatya kusvimha misodzi. Hazvirevi kuti hauna kutenda! Alicia anoti: “Ndakazochema zvokuchema zviye. Ndaichema zuva roga roga.” *

Taura manzwiro aunoita okuzvipa mhosva. Karyn, uyo akafirwa naamai vake aine makore 13 anoti, “Ndaigara ndichienda muimba yepamusoro kunotsvoda amai vangu ndichivaudza kuti varare zvakanaka. Pane pandisina kuzviita. Mangwanani akatevera, Amai vakashaya. Ndinoziva kuti handifaniri kunzwa saizvozvo, asi ndinonzwa ndiine mhosva pamusana pokusavaona manheru iwayo okupedzisira uye pamusana pezvimwe zvakazoitika mangwanani akatevera. Baba vakanga vafamba nebasa uye vaida kuti ini nasisi vangu titarisire Amai. Asi takanonoka kurara. Pandakazopinda mubhedhuru, Amai vakanga vasisafemi. Ndakatambudzika chaizvo, nokuti vainzwa zvakanaka Baba pavakaenda!”

SaKaryn, zvimwe unonzwa uine mhosva pamusana pezvinhu zvawakaregeredza. Ungatozvitambudza nokuti “dai ndakanga ndaita zvokuti nezvokuti.” ‘Dai ndakanga ndakurudzira Baba kuti vaone chiremba.’ ‘Dai ndakanga ndakurumidza kunotarira kuti Amai vari sei.’ Kana pfungwa dzakadaro dzichikutambudza, yeuka izvi: Zvinoitika muupenyu kuti udembe pamusoro pezvaunoshuva kunge wakaita. Chokwadi ndechokuti ungadai wakaita izvozvo kudai wakanga waziva zvaizoitika. Asi hauna kuzviziva. Saka haufaniri hako kunzwa uine mhosva. Hausiwe wakaita kuti mubereki wako afe! *

Taura manzwiro aunoita. Zvirevo 12:25 inoti: “Mashoko omutsa achaita kuti ufare.” (Today’s English Version) Kuvharira manzwiro ako mudundundu kungaita kuti zvikuomere kutsungirira kurwadziwa kwako. Asi kukurukura manzwiro ako nemumwe munhu waunovimba naye kuchaita kuti uwane “mashoko omutsa” anokurudzira paunenge uchinyanya kuada.

Taura naMwari. Ungatonzwa zviri nani pashure pokunge ‘wadurura mwoyo wako’ kuna Jehovha Mwari uchinyengetera. (Pisarema 62:8) Izvi hazvingoitirwi chete kuti unzwe zviri nani. Paunonyengetera, unenge uchiteterera “Mwari wokunyaradza kwose, anotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose.” (2 VaKorinde 1:3, 4) Imwe nzira iyo Mwari anonyaradza nayo ndeyokushandisa Shoko rake, Bhaibheri. (VaRoma 15:4) Wadii kunyora pasi magwaro anokunyaradza? *

Zvinotora nguva kuti kurwadziwa kupere. Asi Bhaibheri rinogona kunyaradza nokuti rinotivimbisa kuti munyika itsva yakapikirwa naMwari, “rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve.” (Zvakazarurwa 21:3, 4) Ungaonawo kuti kufungisisa zvipikirwa zvakadaro kuchakubatsira kutsungirira kufirwa kwawakaitwa nomubereki wako.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Kana zvakakuomera kupindura mibvunzo iyi iye zvino, ungaedza kuzozviita pave paya.

^ ndima 10 Usafunga kuti unotofanira kuchema kuti uratidze kurwadziwa kwako. Vanhu vanoratidza kurwadziwa nenzira dzakasiyana-siyana. Chinokosha ndeichi: Ukanzwa misodzi yoti yenga yenga, ziva kuti ingava “nguva yokusvimha misodzi.”—Muparidzi 3:4.

^ ndima 12 Kana pfungwa dzakadaro dzikaramba dzichikutambudza, taura manzwiro ako nemubereki asara kana kuti nemumwe munhu mukuru. Nokufamba kwenguva, uchasvika pakuva nemaonero akanaka.

RUGWARO RUNOKOSHA

“[Mwari] achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:4.

ZANO

Chengeta zvaunonyora nezvoupenyu hwako. Kunyora zvaunofunga nezvomubereki wawakarasikirwa naye kunokubatsira zvikuru pakushungurudzika kwako.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Kuchema hachisi chiratidzo chokuti hauna kusimba. Kunyange varume vainge vakasimba uye vaine ushingi vakadai saAbrahamu, Josefa uye Dhavhidhi vakasvimha misodzi pavaishungurudzika.—Genesisi 23:2; 50:1; 2 Samueri 1:11, 12; 18:33; Johani 11:35.

ZVANDINORONGA KUITA!

Kana ndikanzwa ndaremerwa nokushungurudzika ndicha- ․․․․․

Izvi ndizvo zvandinoda kubvunza mubereki wangu asara nezvenyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

● Zvakanakirei kufunga zvaunoyeuka zvinofadza nezvemubereki wako akafa?

● Nei kunyora zviri mumwoyo mako kuchikubatsira paunenge uchishungurudzika?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 112]

Ndakaramba ndakavharira manzwiro angu mudundundu. Kudai ndakanga ndataura kakawanda nezvazvo, zvingadai zvakandibatsira kunzwa zviri nani. Zvingadai zvakandibatsira pakurwadziwa kwandaiita.’’—David

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 113]

CHANTELLE

‘‘Baba vangu vakarwara kweanenge makore mashanu, uye utano hwavo hwakaramba huchiderera. Ndakanga ndiine makore 16 pavakazviuraya.

Pashure paizvozvo amai vangu vakaramba vachiudza ini nehanzvadzi yangu zvose zvainge zvichiitika. Vakatiregawo tichibatsira pakusarudza kuti mariro ofambiswa sei. Izvozvo zvakaita kuti tirerukirwe. Ndinofunga kuti vana havafaniri kunzwa sokuti pane zvavari kuvanzirwa, kunyanya zvinhu zvikuru zvakaita seizvi. Nekufamba kwenguva, ndakanga ndava kukwanisa kutaura ndakasununguka nezvorufu rwababa vangu. Pose pandainzwa ndichida kuchema, ndaibva ndangotsvaga kwokuenda kana kuti kushamwari ndochema. Zano rangu nderokuti: Kana uchida kutaura nezvazvo, zviudze vomumhuri mako neshamwari. Ita chero zvaunonzwa uchida kuita kuti uratidze kushungurudzika kwako.’’

[Bhokisi/​Mufananidzo uri papeji 113, 114]

LEAH

‘‘Amai vakarohwa nesitiroko yakaipisisa pandaiva nemakore 19, uye vakafa mushure memakore matatu. Pashure pokunge vafa, ndakaona kuti ndaitofanira kushinga. Zvingadai zvakaomera baba vangu kudai ndisina kushinga.

Pandaikura, amai vaigara vari pedyo neni pandairwara kana kuti pandainge ndisinganzwi zvakanaka. Ndichiri kuyeuka kundibata kwavaiita kuti vanzwe kana ndaipisa muviri. Ndinogara ndichirwadziwa pandinoyeuka kuti havasisipo. Ndinonzwa ndichida kuvanza manzwiro angu, uye izvozvo zvinotondikuvadza. Saka dzimwe nguva ndinotarisa mapikicha kuti ndingochema chete. Kutaura neshamwari kunobatsirawo. Bhaibheri rinovimbisa kuti vaya vakafa vachamutswa nyika painenge yava paradhiso. (Johani 5:28, 29) Pandinofunga nezvetariro yokuonazve amai vangu—uye pandinoramba ndichifunga zvandinofanira kuita kuti ndivemo—kurwadziwa kwangu kunoderera.’’

[Bhokisi/​Mufananidzo uri papeji 114]

BETHANY

‘‘Ndinoshuva kuti dai ndichigona kuyeuka ndichiudza baba vangu kuti ‘ndinokudai.’ Ndine chokwadi chokuti ndakadaro, asi handiyeuki ndichivaudza, uye ndinoda kuzviyeuka. Ndaingova nemakore mashanu chete pavakafa. Baba vangu vakarohwa nesitiroko varere uye vakamhanyiswa kuchipatara. Pandakamuka mangwana acho mangwanani, ndakaona kuti vakanga vafa. Pashure paizvozvo ndainetseka kutaura nezvababa vangu, asi papera nguva ndakazotanga kufarira kunzwa nezvenyaya dzavo nokuti dzakandibatsira kuti ndivazive zviri nani. Zano rangu kune anenge afirwa nemubereki nderokuti ufunge nguva imwe neimwe yawaiva naye uye kunyora zvaunouyeuka kuitira kuti usazozvikanganwa. Saka ita zvose zvaunogona kuti uvake kutenda kwako kuti uzovapo mubereki wako paachamutswa munyika itsva yaMwari.’’

[Bhokisi riri papeji 116]

Pepa Rokuongorora

Nyora Zvaunofunga

Nyora zvaunoyeuka zvinonakidza nezvomubereki wako. ․․․․․

Nyora zvaunoshuva kuti dai wakaudza mubereki wako achiri mupenyu. ․․․․․

Ngatitii une mwana womumba menyu mudiki kwauri ari kunetseka nekunzwa aine mhaka nezvokufa kwemubereki wako. Nyora zvaungataura kuti umunyaradze. (Izvi zvinokubatsirawo kuti uone kuti kuzvipa mhosva kwauri kuita kwakakodzera here kana kuti kwete.) ․․․․․

Nyora zvinhu zviviri kana kuti zvitatu zvaunoshuva kuti dai wakaziva nezvababa kana amai vako vakafa uye kumbira mubereki wako asara kuti mukurukure chimwe chete chazvo. ․․․․․

Verenga Mabasa 24:15. Tariro inotaurwa murugwaro rwacho inokubatsira sei kuti ugone kutsungirira kufirwa kwawakaitwa nomubereki? ․․․․․

[Mufananidzo uri papeji 115]

Kushungurudzika kunogona kuita semafungu anorovera pamahombekombe panguva dzausingafungidziri