Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndingaita Sei Kuti Ndipore Kana Ndarambwa?

Ndingaita Sei Kuti Ndipore Kana Ndarambwa?

CHITSAUKO 31

Ndingaita Sei Kuti Ndipore Kana Ndarambwa?

“Takanga tave nemwedzi mitanhatu tichidanana uye tiri shamwari kwemakore mashanu. Paakanga ava kuda kundiramba akashaya kuti ondiudza sei. Akangorega kutaura neni. Ndakanzwa sokuti handibatsiri. Kurwadziwa kwacho kwakanga kusingaiti. Ndakaramba ndichizvibvunza kuti, ‘Ko ndakatadzei?’”—Rachel.

KURAMBANA kunogona kuita kuti usafare zvoita kuti uore mwoyo zvikuru. Funga nezvaJeff naSusan, vakadanana kwemakore maviri. Munguva iyi rudo rwavo rwakapfumbira. Jeff aiswera achitumira Susan mameseji pafoni achimuudza mashoko orudo. Aigara achitumira Susan zvipo kuratidza kuti aimufunga. Susan anoti, “Jeff aiedza chaizvo kunditeerera pandaitaura uye aindinzwisisa. Aiita kuti ndizive kuti ndinokosha.”

Pasina nguva, Jeff naSusan vakanga vava kutaurirana nezvokuroorana uye kwavaizogara somurume nomudzimai. Jeff akatobvunza saizi yerin’i inopfekwa naSusan. Izvi zvichangoitika, Jeff akabva agura ushamwari hwake naSusan! Susan akagurwa kunorira. Aingoita hake zvaaigara achiita zuva nezuva, asi akanga achakaora mwoyo. Susan anoti, “Pfungwa nemuviri wangu zvakarukutika.” *

Nei Zvichirwadza?

Kana zvakamboitika kuna Susan zvakaitikawo kwauri, ungazvibvunza kuti, ‘Zvinhu zvichazombondifambira zvakanaka here?’ Kurwadziwa kwauri kuita kunonzwisisika. Mambo Soromoni akanyora kuti, “Rudo rune simba sorufu.” (Rwiyo rwaSoromoni 8:6, Bhaibheri Rinoera) Saka kurambwa chingava chimwe chezvinhu zvinoshungurudza chausati wambotsungirira. Vamwe vakatotaura kuti kurambwa kwakafanana nokuoma rumwe rutivi rwomuviri. Ungatozviwana uri pamatanho aya kana kuti mamwewo akafanana ekurwadziwa:

Kusazvibvuma. ‘Hazviiti. Pasina nguva achatochinja pfungwa dzake chete.’

Kutsamwa. ‘Angabva andidai here? Handingambotarisani naye!’

Kuora mwoyo. ‘Ndiri munhu asingadiki. Hapana achazombondida.’

Kuzvibvuma. ‘Zvichanaka. Kurambana kwatakaita kunorwadza, asi ndava kunzwa zviri nani.’

Chinofadza ndechokuti unogona kusvika pakuzvibvuma. Kuti zvichatora nguva yakareba sei kuti uzobvuma zvakaitika zvinotoda kufunga nezvematanho anoverengeka, anosanganisira kureba kwenguva yamange muchidanana uye kuti manga masvika papi. Iye zvino ungaitei kuti ukunde kurwadziwa kwauri kuita?

Kuenderera Mberi

Zvimwe wakambonzwa vamwe vachitaura kuti, Zvichapera nekufamba kwenguva. Kana uchangorambwa, mashoko iwayo angaita sokuti haanyaradzi. Izvi zvakadaro nokuti kufamba kwenguva hakusi iko kwega kunobatsira pakupodza marwadzo. Somuenzaniso: Kana ukachekwa paganda rako zvinotora nguva kuti ronda racho ripore, asi iye zvino rinenge richirwadza. Unofanira kumisa ropa rinenge richibuda uye marwadzo anobva aita mashoma. Unofanirawo kuita kuti ronda racho risapindwa noutachiona. Ndizvo zvinoitika kana uchishushikana mupfungwa. Iye zvino zvinorwadza. Asi pane matanho aunokwanisa kutora kuti uderedze kurwadziwa uye kuti usarambe wakatsamwa. Kufamba kwenguva kuchabatsirawo, asi iwe ungaitei? Chimboedza zvinotevera.

Zvipe nguva yokuchema. Hapana chakamboipa nokuchema. Uyewo, Bhaibheri rinoti pane “nguva yokusvimha misodzi” kunyange “nguva yokuungudza.” (Muparidzi 3:1, 4) Kusvimha misodzi hakurevi kuti hauna kusimba. Kunyange zvazvo Dhavhidhi akanga ari murwi akashinga, panguva yaakanga achishushikana mupfungwa, akambobvuma kuti: “Usiku humwe nohumwe ndinonyorovesa mubhedha wangu nemisodzi yangu, ndinonyorozva mutsago nokuchema.”—Pisarema 6:6, Bhaibheri Rinoera.

Chengetedza utano hwako. Kuita maekisesaizi uye kudya zvinovaka muviri kuchakubatsira kudzorera simba raunenge warasikirwa naro nokunetseka mupfungwa kwaunenge waita nokurambwa. Bhaibheri rinoti, “Kurovedza muviri kunobatsira.”—1 Timoti 4:8.

Ndezvipi zvine chokuita noutano hwako zvaungafanira kufunga nezvazvo?

․․․․․

Ramba wakabatikana. Usarega kuita zvinhu zvinokufadza. Kupfuura kare kose, iye zvino ndiyo nguva yokuti usazviparadzanise nevamwe. (Zvirevo 18:1) Kushamwaridzana nevaya vane hanya newe kuchaita kuti uve nezvakanaka zvokufunga nezvazvo.

Zvinangwa zvipi zvaungava nazvo?

․․․․․

Nyengetera kuna Mwari uchimuudza manzwiro ako. Kuita izvi kungakuomera. Pashure pokurambwa, vamwe vangatofunga kuti Mwari ndiye akavabatisa pasi. Vanoti, ‘Ndakanyengetera ndanyengeterazve kuti ndiwane mumwe munhu, asi zvino chionai zvazoitika!’ (Pisarema 10:1) Zvisinei, zvaizova zvakarurama here kuona Mwari semunhu anongoronga ari kudenga kuti nhingi nanhingi vanokodzerana? Kwete; uyezve haasi iye anoita kuti mumwe asade kuti kudanana kwacho kuenderere mberi. Izvi ndizvo zvatinoziva nezvaJehovha kuti: ‘Ane hanya newe.’ (1 Petro 5:7) Saka muudze zvose zviri mumwoyo mako uchinyengetera. Bhaibheri rinoti: “Kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari . . . uye rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu nesimba renyu rokufunga pachishandiswa Kristu Jesu.”—VaFiripi 4:6, 7.

Unganyengetera nezvechii kuna Jehovha panguva yaunenge uchiedza kutsungirira marwadzo okurambana kwamunenge maita?

․․․․․

Kutarira Zviri Mberi

Paunenge wava kunzwa zviri nani, ungaita zvakanaka kuti umbonyatsotarisa zvakaitika parudo rwawaimbova marwuri. Paunenge wagadzirira kuita kudaro, ungaona zvichibatsira kunyora mhinduro dzako dzemibvunzo iri mubhokisi rinoti, “ Ndingadzidzei Pakurambana Kwatakaita?” riri papeji 224.

Ichokwadi kuti zvamaitarisira mukudanana kwamaiita hazvisirizvo zvakazoitika. Asi yeuka kuti: Pakunenge kuine dutu, zviri nyore kuti uise pfungwa dzako pamakore anenge akati ndoo mudenga uye mvura inenge ichinaya. Zvisinei mvura inozomira kunaya, uye makore anopararira. Nokufamba kwenguva vechiduku vataurwa nezvavo kwekutanga muchitsauko chino vakakwanisa kuisa pfungwa dzavo pane zvimwe zvinhu. Iva nechokwadi chokuti iwe unogonawo kudaro!

ZVIRI MUCHITSAUKO CHINOTEVERA

Matanho api aungatora kuti uzvidzivirire pamabhinya?

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Kunyange zvazvo vakataura mashoko ari muchitsauko chino vari vanhukadzi, mazano ari munyaya ino anoshandawo kuvanhurume.

RUGWARO RUNOKOSHA

“[Jehovha] anoporesa vakaora mwoyo, uye anosunga panovarwadza.”—Pisarema 147:3.

ZANO

Susan ambotaurwa nezvake kwekutanga kwechitsauko chino, akanyora magwaro akati kuti aaigara ainawo kuitira kuti akwanise kuaverenga paainzwa achishushikana. Zvimwe ungaitawo zvakafanana nemamwe magwaro ari muchitsauko chino.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Vakawanda vachiri kuyaruka vanodanana havazosviki pakuroorana uye vakawanda vacho vanoroorana vanozorambana.

ZVANDINORONGA KUITA!

Kuti ndikwanise kuisa pfungwa dzangu pane zvimwe zvinhu pashure pokurambwa ndicha- ․․․․․

Zvandichashandira kuti ndive munhu ari nani pandichazodanana nomumwe munhu ndeizvi ․․․․․

Izvi ndizvo zvandinoda kubvunza vabereki vangu nezvenyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

● Wadzidzei nezvako pakudanana kwawakaita nemumwe munhu munguva yakapfuura?

● Wadzidzei nezvevakomana kana kuti vasikana?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 227]

Kufamba kwenguva kunoita kuti unyatsoona zvinhu sezvazviri. Pave paya, unenge usisiri kushushikana zvakanyanya saka unogona kufunga nezvemamiriro acho ezvinhu sezvaari woona sokuti zvaikushungurudza hazvisisipo. Uyewo unogona kuziva zvakawanda pamusoro pezvauri, zvaungatsvaka pamunhu waunoda, uyewo zvaunofanira kungwarira kuti udzivise dambudziko rawakambosangana naro.’’—Corrina

[Mufananidzo uri papeji 224]

 Pepa Rokuongora

Ndingadzidzei Pakurambana Kwatakaita?

Wakaudzwa chikonzero chokuti murambane here? Kana zvakadaro, nyora chikonzero chacho pasi apa, kunyange uchinzwa sokuti hachina musoro. ․․․․․

Unofunga kuti zvimwe zvikonzero zvinobatanidzwa ndezvipi? ․․․․․

Uchifunga zvakaitika, pane here zvaungadai wakaita zvingadai zvakachinja zvakazoitika? Kana zvakadaro, ndezvipi? ․․․․․

Zvakaitika izvi pane pazvingakubatsira here kuti ukure mune zvokunamata uye mupfungwa? ․․․․․

Kana zvakadaro, pane zvaungada kuchinja here pauchazodanana nemumwe munhu? ․․․․․

[Mufananidzo uri papeji 223]

Kurambana kwakafanana neronda rinorwadza—munhu anorwadziwa asi nokufamba kwenguva achapora