Ndingakurira Sei Tsika Yokuita Bonhora?
CHITSAUKO 25
Ndingakurira Sei Tsika Yokuita Bonhora?
“Ndakatanga kuita bonhora pandaiva nemakore masere. Ndakazodzidza maonero anoita Mwari nyaya yacho. Ndainetseka zvikuru pese pandaikurirwa nemuedzo wacho. Ndaizvibvunza kuti, ‘Mwari angada sei munhu akaita seni?’”—Luiz.
PAUNENGE wava kuyaruka, zvishuvo zvepabonde zvinogona kuva zvakasimba zvikuru. Nokudaro ungatanga tsika yekuita bonhora. * Vakawanda vangataura kuti haisi nyaya hombe. Vanoti, “Hapana anokuvara.” Zvisinei, pane zvikonzero zvakanaka zvokudzivisa tsika yacho. Muapostora Pauro akanyora kuti: ‘Naizvozvo, urayai nhengo dzemiviri yenyu kana tichitaura nezvechido chokurara nomumwe munhu.’ (VaKorose 3:5) Bonhora hariurayi chido chokurara nomumwe munhu asi rinochiwedzera. Kuwedzera pane izvozvi, funga zvinotevera:
● Bonhora rinoita kuti munhu aite zvinhu zvokungozvifunga iye pachake. Somuenzaniso, paanenge achiita bonhora munhu anenge achingofunga nezvekufadza muviri wake.
● Bonhora rinoita kuti usaone varume kana vakadzi sevanhu, asi sezvinhu zvokungoshandisa kuti uzvigutse.
● Mafungiro eudyire anounzwa netsika yokuita bonhora angaita kuti zviome kuti munhu agutsikane mune zvepabonde kana ava nemba.
Pane kuti upomhodze zvishuvo zvokuita zvepabonde nokuita 1 VaTesaronika 4:4, 5) Kuti ubatsirwe kuita izvozvo, Bhaibheri rinokukurudzira kuti usatombova mumamiriro ezvinhu angaita kuti unzwe uchida kuita zvepabonde. (Zvirevo 5:8, 9) Zvisinei, zvakadini kana wava muranda webonhora? Zvimwe wakamboedza kurega asi zvakaramba. Zvingava nyore kuti ugume wati haugoni kuchinja uye haukwanisi kuita maererano nezvinodiwa naMwari. Mumwe mukomana anonzi Pedro aiona sokuti ndizvo zvaaiva chaizvo. Anoti: “Pandaizviitazve, ndainetseka zvikuru. Ndaifunga kuti ndaisazombofa ndakaregererwa zvandainge ndaita. Ndaiona zvakaoma kuti ndinyengetere.”
bonhora, edza kuva munhu anozvidzora. (Kana uchinzwa saizvozvo, shinga. Hazvirevi kuti hapana zvimwe zvaunogona kuita. Vechiduku vakawanda—nevanhu vakuru—vakakunda tsika yokuita bonhora. Newe unogonawo kuikunda!
Kukunda Kwaungaita Kunzwa Uine Mhosva
Sezvambotaurwa, vaya vane tsika yokuita bonhora vanowanzotambura nokunzwa vaine mhosva. Hapana mubvunzo kuti ‘kusuruvariswa sezvinodiwa naMwari’ kungakukurudzira kuti ukunde tsika yacho. (2 VaKorinde 7:11) Asi kunzwa uine mhosva kwakanyanyisa kungakutadzisa kubudirira. Kungaita kuti unzwe wakaora mwoyo zvikuru zvokuti unongonzwa uchida kukanda mapfumo pasi.—Zvirevo 24:10.
Saka edza kuona nyaya yacho zviri pakati nepakati. Bonhora chimwe chezvinhu zvisina kuchena. Ringakuita ‘muranda wokuchiva kwakasiyana-siyana uye wemafaro,’ uye rinokudziridza unhu hungakanganisa mafungiro ako. (Tito 3:3) Asiwo, kuita bonhora kwakasiyana nokuita unzenza hwakakomba soufeve. (Judha 7) Kana uine dambudziko rebonhora, haufaniri hako kubva wafunga kuti wakaita chivi chisingakanganwirwi. Chinokosha kurwisa chishuvo chacho uye kusambokanda mapfumo pasi!
Zviri nyore kuora mwoyo kana ukariitazve. Kana zvikadaro, yeuka mashoko ari pana Zvirevo 24:16, anoti: “Munhu akarurama angawa kanomwe, asi achasimuka; asi vakaipa vachagumburwa nedambudziko.” Kumbodzokera shure hakurevi kuti uri munhu akaipa. Saka usakanda mapfumo pasi. Pane kudaro, ongorora kuti chii chakaita kuti uriitezve uye edza kusazvidzokorora.
Ita nguva uchifungisisa nezvorudo rwaMwari uye ngoni dzake. Munyori wepisarema Dhavhidhi, uyo aimbotadzawo, akati: “Sezvinoita baba vanonzwira ngoni vanakomana vavo, Jehovha akanzwira ngoni vaya vanomutya. Nokuti iye anonyatsoziva masikirwo atakaitwa, achiyeuka kuti tiri guruva.” (Pisarema 103:13, 14) Chokwadi, Jehovha anofunga nezvokusakwana kwedu uye ‘akagadzirira kutikanganwira.’ (Pisarema 86:5) Ukuwo, anoda kuti tishande nesimba kuti tiite zviri nani. Saka ndeapi matanho anobatsira aungatora kuti ukunde tsika yako?
Ongorora zvinhu zvinokuvaraidza. Unoona mafirimu, purogiramu dzeTV kana kuti unovhura nzvimbo dzepaIndaneti dzinobudisa zvinhu zvinoita kuti unzwe uchida kuita zvepabonde here? Nokuchenjera, munyori *—Pisarema 119:37.
wepisarema akanyengetera kuna Mwari achiti: “Itai kuti maziso angu arege kutarira zvinhu zvisina zvazvinobatsira.”Manikidza pfungwa dzako kuti dzifunge zvimwe zvinhu. Mumwe muKristu anonzi William anopa zano rokuti: “Usati warara, verenga chimwe chinhu chine chokuita nokunamata. Zvinokosha zvikuru kuti zvaunopedzisira kufunga usati warara zvive nechokuita nokunamata.”—VaFiripi 4:8.
Taura nomumwe munhu nezvedambudziko racho. Kunyara kungaita kuti zvikuomere kutaurira nyaya yacho munhu waunovimba naye. Asi kuita izvozvo kungakubatsira kukunda
tsika yacho. Ndizvo zvakaonekwa nomumwe muKristu anonzi David. Anoti, “Ndakataura nababa vangu tiri toga. Handimbofi ndakakanganwa zvavakataura. Vachinyemwerera vakati, ‘Unoita kuti ndidade newe chaizvo.’ Vaiziva kuti zvaida kushinga kuti nditaure navo nezvazvo. Hapana mashoko aigona kundikurudzira kuti ndiwedzere kutsunga.“Baba vangu vakabva vandiratidza magwaro mashomanana kuti vandibatsire kuona kuti ndakanga ndisati ‘ndanyanya kuenda kure,’ uye mamwezve magwaro kuti vave nechokwadi chokuti ndanzwisisa kukomba kwezvandaiita. Vakati ‘tomboisendeka’ kusvika pane imwe nguva, uye kuti taizoikurukurazve. Vakandiudza kuti ndisaora mwoyo kana ndikazozviitazve, asi kuti ndipedze nguva yakati rebei ndisati ndazviita zvakare.” David anogumisa achiti kudini? Anoti: “Zvakandiyamura chaizvo kuva nomumwe munhu aiziva nezvedambudziko rangu uye aindibatsira.” *
Kuita zvepabonde musingadanani haisi nyaya yokutamba nayo. Ona kuti nei.
[Mashoko Omuzasi]
^ ndima 4 Bonhora harifaniri kuvhiringidzwa nokunyanduka kwenhengo dzekubereka nadzo kunoitika munhu asina kuzvironga. Somuenzaniso, mukomana angamuka akanyanduka kana kuti angabuda urume usiku. Saizvozvowo, vamwe vasikana vanganyanduka vasina kuzvironga, zvikurukuru nguva pfupi vasati vaenda kana kuti vachangobva kumwedzi. Kusiyana naizvozvo, bonhora rinosanganisira kuzvinyandura nemaune.
^ ndima 15 Kuti uwane mamwe mashoko, ona Bhuku 2, Chitsauko 33.
^ ndima 18 Kuti uwane mamwe mashoko, ona Bhuku 2, mapeji 239-241.
RUGWARO RUNOKOSHA
“Tiza kuchiva kwouduku, asi tevera kururama, kutenda, rudo, rugare, pamwe chete nevaya vanodana panaShe zvichibva pamwoyo wakachena.”—2 Timoti 2:22.
ZANO
Nyengetera zvishuvo zvisati zvasimba. Kumbira Jehovha Mwari kuti akupe “simba rinopfuura renguva dzose” rokuti ukunde muedzo.—2 VaKorinde 4:7.
WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?
Munhu wose asina kusimba anongotevedzera zvishuvo zvake zvokuita zvepabonde. Asi zvinotoda kuva murume chaiye kana kuti mukadzi chaiye kuratidza kuzvidzora kunyange pasina vamwe vanhu.
ZVANDINORONGA KUITA!
Ndinogona kuramba ndichifunga zvinhu zvakachena kana ndika- ․․․․․
Pane kutevedzera zvishuvo zvangu, ndicha- ․․․․․
Izvi ndizvo zvandinoda kubvunza vabereki vangu nezvenyaya iyi ․․․․․
UNOFUNGEI?
● Nei zvichikosha kuyeuka kuti Jehovha “akagadzirira kukanganwira”?—Pisarema 86:5.
● Sezvo Mwari uyo akasika zvishuvo zvokuita zvepabonde achitaurawo kuti unofanira kuva munhu anozvidzora, anofanira kunge aine chivimbo chei mauri?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 182]
Kubvira pandakakunda dambudziko racho, ndava nehana yakachena pamberi paJehovha, uye ndicho chinhu chandisingazodi kurasikirwa nacho!’’—Sarah
[Mufananidzo uri papeji 180]
Kudonha paunenge uchimhanya hakurevi kuti unofanira kudzokera pawatangira—uye kuitazve bonhora hakudzimi kufambira mberi kwawanga waita