Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndingatsanangura Sei Zvinotaurwa neBhaibheri Nezvoungochani?

Ndingatsanangura Sei Zvinotaurwa neBhaibheri Nezvoungochani?

CHITSAUKo 23

Ndingatsanangura Sei Zvinotaurwa neBhaibheri Nezvoungochani?

Mhomho inofara zvoupengo apo vakadzi vaviri vanofarirwa zvikuru vanoita zvemafirimu vanokwazisana vachitsvodana kunge vanodanana! Vari kuzviona vanokatyamadzwa, vozopembera vachivakuza. Ngochani dzinoti kukunda. Vamwe vanozvishora vachiti vaitira kuzvishambadza. Kutsvodana kwacho kucharamba kuchibudiswa paTV—uye zvichaonekwa kakawanda paIndaneti kwemazuva anotevera.

SEZVARATIDZWA pamusoro apa, zvinhu zvishoma zvinowanzotaurwa nezvazvo kupfuura zvinoitika kana munhu akakurumbira akaratidza sokuti ingochani yechirume, yechikadzi kana kuti anokwezvwa nevarume uye vakadzi. Vamwe vanorumbidza vanhu vakadai pamusana poushingi hwavo; vamwe vanovashora pamusana pokushaya unhu kwavo. Pamaonero maviri aya, vakawanda vanoona ungochani semamwe mararamiro anoitwa nevanhu. Daniel, ane makore 21 anoti, “Pandaiva kuchikoro, kunyange vana vaiti vaisava ngochani vaiona sokuti kana uchinetseka nezveungochani, uri munhu anovenga vamwe pasina chikonzero uye anotongera vamwe.”

Maonerwo anoitwa ungochani anosiyana zvichienderana nenguva inorarama vanhu kana kuti nyika nenyika. Asi vaKristu ‘havatakurwi kuno nokoko nemhepo yose yokudzidzisa.’ (VaEfeso 4:14) Pane kudaro, vanoomerera pane zvinotaurwa neBhaibheri.

Bhaibheri rinotii nezveungochani? Uye kana uchirarama uchitevedzera mitemo yetsika iri muBhaibheri, ungapindura sei vaya vanokuona sokuti unovenga vanhu pasina chikonzero, unotongera vanhu, kana kuti unotya vanoita zvoungochani? Funga nezvemibvunzo kana kuti mitsara inotevera uye mhinduro dzaungapa.

“Bhaibheri rinotii nezveungochani?”

“Bhaibheri rinojekesa kuti Mwari akaronga kuti bonde riitwe nemurume nemukadzi vakaroorana chete. (Genesisi 1:27, 28; Revhitiko 18:22; Zvirevo 5:18, 19) Bhaibheri parinorambidza ufeve, rinenge richireva kuita zvepabonde kunoitwa nevane nhengo dzekubereka nadzo dzakafanana uye kunoitwa zvisiri pamutemo nevane nhengo dzekubereka nadzo dzakasiyana.” *VaGaratiya 5:19-21.

“Unoona sei ungochani?”

“Handivengi vanoita zveungochani, asi handibvumirani nezvavanoita.”

Yeuka kuti: Kana uchitungamirirwa nezvinotaurwa neBhaibheri nezvetsika, iwayo ndiwo mararamiro awakasarudza, uye une kodzero yacho. (Joshua 24:15) Usanyara nemaonero ako.—Pisarema 119:46.

“VaKristu vanofanira kuremekedza vanhu vose pasinei nezvavanoda pane zvepabonde here?”

“Hungu. Bhaibheri rinoti: ‘Kudzai vanhu vemarudzi ose’ kana kuti sezvinotaurwa neToday’s English Version, ‘Remekedzai vanhu vose.’ (1 Petro 2:17) Saka vaKristu havavengi vanhu vanoita zveungochani. Vanoratidza mutsa kuvanhu vose kusanganisira ngochani.”—Mateu 7:12.

“Maonero aunoita ungochani haaiti here kuti vamwe vavenge ngochani pasina chikonzero?”

“Kwete. Chandisingadi itsika yeungochani, kwete vanhu.”

Ungawedzera kuti: “Tingazvienzanisira seizvi, ndakasarudzawo kusasvuta. Kutaura zvazviri, zvinondisembura zvikuru. Asi ngatitii iwe unosvuta uye une maonero akasiyana. Handingakuvengeri maonero ako, sezvawaisazondivengera maonero angu—handizvo here? Pfungwa yakafanana inoshandawo pakusiyana kwemaonero atinoita ungochani.”

“Jesu haana kuparidza nezvekushivirira vamwe here? Kana zvakadaro, vaKristu havafaniri kuona ungochani sehunogamuchirika here?”

“Jesu haana kukurudzira vateveri vake kuti vangogamuchira mararamiro chero avada kana kuti ose zvawo. Asi akadzidzisa kuti nzira inoenda kuruponeso yakazarukira ‘munhu wose anotenda maari.’ (Johani 3:16) Kutenda muna Jesu kunosanganisira kurarama maererano nemirayiro yaMwari yetsika, iyo inorambidza mamwe maitiro—kusanganisira ungochani.”—VaRoma 1:26, 27.

“Ngochani hadzigoni kuchinja zvadziri; dzakazvarwa dzakadaro.”

“Bhaibheri harina zvarinotaura pamusoro pezvinoitika mumiviri yengochani, kunyange zvazvo richibvuma kuti dzimwe tsika dzakadzika midzi. (2 VaKorinde 10:4, 5) Kunyange zvazvo vamwe vachida kuita zvepabonde nevanhu vane nhengo dzokubereka nadzo dzakafanana nedzavo, Bhaibheri rinoudza vaKristu kuti vasaita mabasa eungochani.”

Zvaungaita: Pane kungoitisana nharo pamusoro pezvinokonzera zvishuwo zvokuita ungochani, simbisa kuti Bhaibheri rinorambidza kuita zvoungochani. Kuti uzvienzanise, ungati: “Unoziva chii, vakawanda vanoti kuita zvechisimba ndekwedzinza saka vamwe vanhu vanozviita nokuti zviri mavari. (Zvirevo 29:22) Ko dai izvozvo zviri zvechokwadi? Zvimwe ungave uchiziva kuti Bhaibheri rinoshora kufufutirwa nehasha. (Pisarema 37:8; VaEfeso 4:31) Izvozvo zvinganzi zvakashata here nemhaka bedzi yokuti vamwe vanganzwa vachida kuita zvechisimba?”

“Ko Mwari angaudzirei munhu anokwezvwa nomunhurume iye ari murume kana nomunhukadzi iye ari mukadzi kuti asaita ungochani? Utsinye chaihwo.”

“Mafungiro akadaro anobva papfungwa isiri iyo yokuti vanhu vanofanira kuita maererano nezvishuvo zvavo zvokuita zvepabonde. Bhaibheri rinokudza vanhu nokuvavimbisa kuti vanogona kusarudza kusatevedzera zvishuvo zvavo zvisina kururama zvokuita zvepabonde kana vachida kudaro zvechokwadi.”—VaKorose 3:5.

“Kunyange zvazvo usiri ngochani, unofanira kuchinja maonero aunoita ungochani.”

“Ngatitii ini handidi zvokubheja asi iwe unozvida. Zvingava nemusoro here kuti uomerere pakuti ndinofanira kuchinja maonero andinoita zvokubheja nokungoti chete mamiriyoni evanhu anosarudza kubheja?”

Yeuka izvi: Vanoita zveungochani, kusanganisira vamwe vanhu vakawanda, vane mitemo yetsika nemagariro zvinoita kuti vavenge zvimwe zvinhu zvakadai sokubiridzira, kusaruramisira, kana kuti kurwisana. Bhaibheri rinorambidza zvinhu zvakadaro; rinorambidzawo zvimwe zvepabonde zvinoitwa, kusanganisira ungochani.—1 VaKorinde 6:9, 10.

Bhaibheri haridzvinyiriri vanhu uyewo haritsigiri rusaruro. Rinongorayira vaya vane zvishuvo zvokuita ungochani kuti vaitewo zvinofanira kuitwa nevaya vasiri ngochani—kuti ‘vatize ufeve.’—1 VaKorinde 6:18.

Kutaura zvazviri, vakawanda vanokwezvwa nevanhu vane nhengo dzokubereka nadzo dzakasiyana nedzavo avo vanoshuva kuita maererano nezvinotaurwa neBhaibheri vanozvidzora pasinei nemiedzo yavangasangana nayo. Vanosanganisira vakawanda vasina kuroora kana kuroorwa avo vane tarisiro diki yokuva nemba uye vakawanda vakaroorana nemunhu akaremara asingakwanisi kuita zvepabonde. Vari kukwanisa kurarama vachifara vasingagutsi zvishuvo zvavo zvokuita zvepabonde. Vaya vanonzwa vachida kuita ungochani vanogona kuitawo zvakafanana kana vachida zvechokwadi kufadza Mwari.—Dheuteronomio 30:19.

VERENGA ZVIMWE NEZVENYAYA IYI MUBHUKU 2, CHITSAUKO 28

MUCHITSAUKO CHEDU CHINOTEVERA

Vamwe vasikana vanofunga kuti kuita zvepabonde nevakomana vavo kunosimbisa rudo rwavo. Handizvo hazvo! Ona kuti nei.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 8 Shoko remuBhaibheri rokuti “ufeve” haringorevi chete kuita zvepabonde asiwo zvinhu zvakadai sokuitisa bonhora mumwe munhu, uyewo kuita zvepabonde nomumukanwa kana kuti nokunobuda netsvina.

RUGWARO RUNOKOSHA

“Naizvozvo, urayai nhengo dzemiviri yenyu dziri panyika kana tichitaura nezvoufeve, zvinhu zvisina kuchena, chido chokurara nomumwe munhu, kuchiva kunokuvadza, nokuchochora uko kunoreva kunamata zvidhori.”—VaKorose 3:5.

ZANO

Kunyange zvazvo zvinoitwa nevamwe zvingakunetsa, usazviita munhu akarurama. Chokwadi, vane rusununguko rwokusarudza zvavanoda kutenda sezvaunongoitawo.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Vamwe vaKristu vomuzana remakore rokutanga vaimboita zvoungochani vakakwanisa kusiyana nemabasa avo asina kuchena uye ‘vakagezwa vakachena’ mukuona kwaMwari.—1 VaKorinde 6:9-11.

ZVANDINORONGA KUITA!

Kana mumwe munhu akati zvinotaurwa neBhaibheri nezveungochani ndezvechinyakare, ndichati ․․․․․

Kuti ndiratidze pachena kuti ndinovenga ungochani kwete vanhu vanohuita, ndichati ․․․․․

Izvi ndizvo zvandinoda kubvunza vabereki vangu nezvenyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

● Nei Mwari aine kodzero yokupa vanhu mitemo yetsika?

● Unobatsirwa sei nokurarama maererano mitemo yeBhaibheri yetsika?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 170]

Mumwe mukomana wokuchikoro kwedu aifunga kuti ndiri munhu akaipa nokuti ndakanga ndaratidza kuvenga zvaaiita. Asi pandakatsanangura kuti ndakanga ndisingamuvengi iye pachake, uye paakaziva kuti ndakanga ndisingabvumirani nounzenza hwose kwete ungochani chete, akatanga kundiremekedza uye kutondidzivirira vamwe pavaindipikisa.’’—Aubrey

[Bhokisi riri papeji 168]

Zvakadini Nokukwezvwa Nevarume Uye Nevakadzi?

Kunyange zvazvo zvichiwanika pavanhurume uye pavanhukadzi, zvinoita sokuti zviri kunyanya kuwanika pavasikana. Vamwe vanongoda kunzwa kuti zvinoita sei. Lisa ane makore 26 anoti: “Kana mumafirimu kana muTV uye mumimhanzi mukabuda zvinhu zvinoratidza vasikana vachikisana, vachiri kuyaruka vanova pamuedzo wokuda kuzviita, kunyanya kana vachizviona sezvisina kuipa.”

Vamwe vanoita sevanokwezvwa zvechokwadi. Vicky ane makore 13 anoti, “Pane imwe pati ndakasangana nevasikana vaviri vanoda zvose, vakomana nevasikana, uye ndakazoudzwa neshamwari yangu kuti vaindida. Ndakapedzisira ndava kutumira mumwe wacho mameseji uye ndakatanga kunzwa kumuda.”

Wakambonzwa semanzwiro anoita Vicky here? Vakawanda vangakukurudzira kungobvuma manzwiro aunoita pane zvepabonde wobuda pachena kuti unokwezvwa nevanhurume uye nevanhukadzi. Zvisinei, unofanira kuziva kuti kukwezvwa nevanhu vane nhengo dzokubereka nadzo dzakafanana nedzako kazhinji idanho rinopfuura. Izvozvo ndizvo zvakaonekwa naVicky. Uye ndizvo zvakaonekwawo naLisette ane makore 16. Anoti: “Kuudza vabereki vangu nezvemanzwiro angu zvinoita kuti ndinzwe zviri nani. Uyewo, pazvidzidzo zvebiology zvandakaita kuchikoro, ndakadzidza kuti mumakore okuyaruka, mahomoni anochinja-chinja zvikuru. Zvechokwadi ndinofunga kuti kana vechiduku vakaziva zvakawanda nezvemiviri yavo, vanganzwisisa kuti kukwezvwa nemunhu ane nhengo dzokubereka nadzo dzakafanana nedzako ndekwenguva duku, uye havazombonzwi vachida kuita zvoungochani.”

Kunyange zvazvo manzwiro aunoita achiita seakanyanya kudzika midzi kupfuura marwadzo anogara kwenguva pfupi, yeuka kuti Bhaibheri rinokuratidza chinangwa chaunogona kuzadzisa: Unogona kusarudza kusatevedzera zvishuvo zvakaipa, pasinei nokuti zvakaita sei.

[Mufananidzo uri papeji 169]

Panyaya yezvinofarirwa nevakawanda, vaKristu vane ushingi hwokusatevedzera zvinoitwa noruzhinji