Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Vakomana Vasingandidi?

Nei Vakomana Vasingandidi?

CHITSAUKO 27

Nei Vakomana Vasingandidi?

Anoziva kuti ndinodiwa nevakawanda nokuti ndakamuudza kuti vamwe vakomana vanondida. Akaseka pandakamuudza kupusa kwakaita dzimwe shamwari dzangu. Uye anoziva kuti ndakangwara nokuti ndakamururamisa pazvinhu zvishomanana zvaakataura. Handizivi kuti zvichatora nguva yakareba sei asati andipfimba.

Akanaka, asi anoita seasingafungi! Handisati ndanyatsowana mukana wokuti nditaurewo chimwe chinhu. Uye pandinotaura anondiruramisa! Pandinongomuona ndinoshaya kuti ndoendepi.

UNONETSEKA here kuti vakomana havakuoniwo? Vasikana vakawanda vanodaro, kunyange vaunofunga kuti havana zvinovanetsa! Somuenzaniso, funga nezvaJoanne. Itsvarakadenga chaiyo, akangwara uye anotaura zvinonwisa mvura. Kunyange zvakadaro, anoti: “Kazhinji ndinonzwa sokuti vakomana havandidi. Vashomanana vandaida vakangondifarira kwekanguva kadiki asi vakazorega zvachose kutaura neni!”

Majaya anofarirei pamusikana? Chii chavasingafarire? Chii chaungaita kuti ufarirwe nemukomana kwaye?

Zvekuita

Ziva pfungwa dzako nemwoyo wako. Ungangodaro wakawedzera kuda vakomana pawakatanga kuyaruka. Ungave wakanzwa kuda vakomana vanopfuura mumwe chete. Izvozvo zvinoitika. Asi dai wakaisa mwoyo wako pamukomana wokutanga aiita kuti hana yako irove, ungadai wakazviisa pangozi yekutadza kukura mupfungwa uye mune zvokunamata. Zvinotora nguva kuti uve neunhu hwakanaka, kuti ‘uchinjire pfungwa dzako’ kuzvinhu zvinokosha, uye kuti uzadzise zvimwe zvezvinangwa zvako.—VaRoma 12:2; 1 VaKorinde 7:36; VaKorose 3:9, 10.

Chokwadi, vakomana vakawanda vanoda vasikana vasati vava nechivimbo chakasimba pane zvavanoita, kana kuti vasati vava kuziva zvakawanda. Zvisinei, vakomana vakadaro vanongofarira muviri wemusikana, kwete zvaari semunhu. Chiripo ndechokuti mukomana anofunga zvakanaka achatsvaka musikana ane unhu hwakanaka hunopindirana nehwake.—Mateu 19:6.

Zvinotaurwa nevakomana: “Ndinozvifarira chaizvo kana musikana achikwanisa kuzvifungira ega, paanoita seane chivimbo nechemukati kuti munhu anozvisarudzira ega.”—James.

“Ndinofarira musikana anogona kutaura manzwiro ake nenzira yakatendeseka, ine ruremekedzo uye asingangobvumi zvose zvandinotaura. Kunyange akanaka, handinzwi zvakanaka nemusikana anongotaura zvandinoda kunzwa chete.”—Darren.

Unotii nemashoko evakomana ari pamusoro apa?

․․․․․

Iva munhu anoremekedza vamwe. Sekuda kwaunoita kudiwa, vakomana vaunoziva vanodawo zvikuru kuremekedzwa. Haasi masanga kuti Bhaibheri rinoudza murume kuti ade mudzimai wake asi roti mudzimai anofanira ‘kuremekedza kwazvo’ murume wake. (VaEfeso 5:33) Maererano neizvi, imwe ongororo yakaitwa pamazana emajaya, vanopfuura 60 muzana vakati vanokoshesa kuremekedzwa kupfuura kudiwa. Varume vakura vanopfuura 70 muzana ndizvo zvavakataurawo.

Kuremekedza hazvirevi kukanda mapfumo pasi zvokuti unenge wakangoti zii pazvose zvose usingambotauriwo mafungiro ako. (Genesisi 21:10-12) Asi matauriro aunoita zvaunofunga ndiwo achaita kuti mukomana akude kana kuti atambire kure newe. Kana uchingogara uchipikisa kana kuti kungoruramisa zvaanotaura anganzwa sokuti haunyatsomuremekedzi. Asi kana ukabvuma maonero ake wotaura zvaunoona kuti zvakanaka, kazhinji achabvuma uye achakoshesa mafungiro ako. Kutaura zvazviri, mukomana anonzwisisa achacherechedza kana uchiremekedza vamwe uye vemumhuri menyu.

Zvinotaurwa nevakomana: “Ndinofunga kuti kuremekedzana ndicho chinhu chinokosha kupfuura zvose vanhu pavanotanga kufambidzana vose. Rudo rungazotanga kuvapo pave paya.”—Adrian.

“Kana musikana achigona kundiremekedza, ndinofunga kuti anokwanisa kundida zvechokwadi.”—Mark.

Unotii nemashoko evakomana ari pamusoro apa?

․․․․․

Pfeka zvine mwero uye ramba uine utsanana. Mapfekero ako uye kushambidzika zvakafanana nemasipika anobudisa mafungiro ako neunhu hwako. Usati watombotanga kutaura nemukomana, zvaunenge wakapfeka zvinenge zvatomuudza zvakawanda nezvako. Kana mbatya dzako dzakagadzirwa zvakanaka, dziine mwero, dzichapa mashoko akanaka chaizvo. (1 Timoti 2:9) Kana dzichimutsa zvishuvo zvepabonde kana kuti dziri dzeuyanga, mashoko acho achava akajeka uye akaipa!

Zvinotaurwa nevakomana: “Mapfekero anoita musikana anotaura zvakawanda nezvemaonero aanoita upenyu. Kana zvipfeko zvake zvichisiya muviri pachena kana kuti zviri zveuyanga, zvinondiudza kuti anonyanya kuda kuonekwa.”—Adrian.

“Ndinofarira musikana anobata bvudzi rake zvakanaka, anonhuwirira, uye ane inzwi rakanyorovera. Ukuwo, kunyange zvazvo ndakambofarira musikana akanaka, uchapa hwake hwakaita kuti zvipere.”—Ryan.

“Kana mapfekero emusikana achimutsa zvishuwo zvepabonde, ichokwadi kuti pakutanga achakwezva vakomana. Asi haasi musikana wandingada kutanga kufambidzana naye.”—Nicholas.

Unotii nemashoko evakomana ari pamusoro apa?

․․․․․

Zvausingafaniri Kuita

Usatamba nerudo. Vakadzi vane simba rokukwezva varume. Simba iroro rinogona kushandisirwa zvakanaka kana zvakaipa. (Genesisi 29:17, 18; Zvirevo 7:6-23) Kana ukashandisa simba iroro rauinaro pamukomana wose waunosangana naye, uchava munhu ane mukurumbira wokutamba nerudo.

Zvinotaurwa nevakomana: “Kungogara padivi pemusikana anoyevedza makagumhana mapendekete zvinonakidza . . . , saka ndinofunga kuti musikana anongogara achikubata pamunenge muchitaura ari kutamba nerudo.”—Nicholas.

“Kana musikana achigara achitsvaka mabatiro aangaita ruoko rwemukomana wose waasangana naye kana kuti kana achingoti ndee munhurume wose ari kupfuura, ndinobva ndafunga kuti anotamba nerudo, uye izvozvo zvinondisvibisa mwoyo.”—José.

Usabva waita chikwekwe. Vanhu vaviri pavanoroorana, vanobva vava “nyama imwe” sezvinotaurwa neBhaibheri. (Genesisi 2:24) Vava pachidanho ichocho, vose murume nomudzimai vanobva vasiya rusununguko rwavaiva narwo vasati varoorana; chokwadi vanobva vazvipira kune mumwe nomumwe. (1 VaKorinde 7:32-34) Zvisinei, kana uchangotanga kufambidzana nemukomana, hauna kodzero yokutarisira kuti azvipire kwauri saizvozvo, kana kuti iye atarisire izvozvo kwauri. * Chiripo ndechokuti kana ukaziva kodzero yake yokuva nedzimwe shamwari, anobva anyanya kukufarira. Uye kushandisa kwaanoita rusununguko irworwo kuchakuudza zvakawanda nezveunhu hwake.—Zvirevo 20:11.

Zvinotaurwa nevakomana: “Ndinofunga kuti musikana anenge ava kuita chikwekwe kana achida kuziva zvose zvandinoita uye achiita sokuti haagoni kushamwaridzana nevamwe kana kufarirawo zvimwe zvinhu kunze kwangu.”—Darren.

“Kana musikana wandichangobva kuonana naye achingogara achinditumira mameseji pafoni uye achida kuziva kuti ndiani wandiinaye, zvikurukuru mazita evasikana vanenge vari muboka racho, ndinobva ndaona izvozvo senyevero.”—Ryan.

“Musikana asingakubvumiri kuti uve neshamwari dzako dzechirume uye anotsamwa kana ukasamukoka kuti ave newe anenge ari chikwekwe chinosvota.”—Adrian.

Unotii nemashoko evakomana ari muchikamu chino?

․․․․․

Zvione Semunhu Anokosha

Ungadaro uchiziva vasikana vanoita chero chinhu kungoitira kuti vaonekwe kana kuti vafarirwe nemukomana. Vamwe vangaderedza tsika dzavo kungoitira kuti vave nemukomana—kana kuti kunyange kuva nemurume. Kunyange zvakadaro, pfungwa yokuti ‘unokohwa chaunodyara’ inoshanda panyaya iyi. (VaGaratiya 6:7-9) Kana usingakoshesi zvauri uye tsika dzaunoedza kutevedzera, ungangokwezva vakomana vasingakoshesi zvauri kana tsika dzako.

Chiripo ndechokuti havasi vakomana vose vachakufarira—uye izvozvo zvakanaka! Asi kana uine hanya nerunako rwako rwekunze uye rwemukati, ‘uchakosha kwazvo pamberi paMwari’—uye uchakwezva jaya rakanyatsokukodzera.—1 Petro 3:4.

MUCHITSAUKO CHEDU CHINOTEVERA

Ko kana uri mukomana uye uchinetseka kuti, ‘Nei vasikana vasingandidi?’

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 30 Ichokwadi kuti vaviri pavanovimbisana kuroorana, vanenge vava nekodzero yokuziva zvinenge zvichiitwa nemumwe nemumwe.

RUGWARO RUNOKOSHA

“Chimiro chinganyengera, uye kunaka kungasabatsira; asi mukadzi anotya Jehovha ndiye anorumbidzwa.”—Zvirevo 31:30.

ZANO

Usanyanyisa pakupoda-poda! Kunyanyisa kungaita kuti uonekwe zvisiri izvo zvoita sokuti unodada kana kuti uri kuti ndioneiwo.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Kana ukangoramba uchida kuti mukomana apedze nguva yake yose newe, ungangokanganisa ushamwari hwako naye.

ZVANDINORONGA KUITA!

Unhu hwandinoda kuona kuti ndanatsiridza ndeuhwu ․․․․․

Izvi ndizvo zvandinoda kubvunza vabereki vangu nezvenyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

● Ungaratidza sei kuti unoremekedza mafungiro uye manzwiro omukomana?

● Ungaratidza sei kuti unokoshesa zvauri?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 190]

Ndinobvuma kuti kazhinji ndinokwezvwa nevasikana vakanaka. Asi izvozvo zvingakurumidza kuchinja kana musikana wacho asina zvinangwa chaizvo zvine pundutso. Ukuwo, kana achiziva zvaanoda kuita neupenyu hwake—zvikurukuru kana atozadzisa zvimwe zvinangwa zvake—izvozvo zvinoita kuti ave munhu anokwezva zvikuru.’’—Damien

[Mufananidzo uri papeji 191]

Rudo neruremekedzo zvakafanana nemavhiri maviri ebhasikoro—ose anokosha