Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndingaitei Mubereki Wangu Akaroora Kana Kuroorwazve?

Ndingaitei Mubereki Wangu Akaroora Kana Kuroorwazve?

CHITSAUKO 5

Ndingaitei Mubereki Wangu Akaroora Kana Kuroorwazve?

MUBEREKI wako angafara chaizvo musi waanoroora kana waanoroorwa zvakare. Kunyange zvakadaro, iwe ungasatombofara nazvo zvachose! Nei? Tariro yokuti vabereki vako vachadzokeranazve inoparara kana mubereki wako chaiye akaroora kana kuti akaroorwa zvakare. Ukuwo, zvingarwadza zvikuru kana mubereki wako akaroora kana kuti akaroorwa zvakare pashure chaipo pokunge mubereki wako waunoda chaizvo afa.

Wakanzwa sei mubereki wako paakaroora kana paakaroorwa zvakare? Isa ✔ padivi perondedzero chero ipi inoshanda kwauri.

Ndakanzwa . . .

□ Kufara

□ Kusachengeteka

□ Sokunge kuti ndakanga ndarambwa

□ Ndichiitira shanje mubereki wangu wokurera *

□ Ndiine mhosva yokusavimbika nokuti ndakatanga kufarira mubereki wangu wokurera

Manzwiro apedzisira kutaurwa angakonzerwa nokuvimbika kwako kumubereki wako anenge asisipo. Chero chingava chikonzero, manzwiro ataurwa papeji yapfuura angaita kuti uite zvinhu zvakaipa uchiratidza kushushikana kwaunoita mupfungwa.

Somuenzaniso, ungaramba uchiita kuti mubereki wako wokurera aomerwe noupenyu. Ungatoedza kuita kuti mubereki wako chaiye nemubereki wako wokurera vanetsane, uchitarisira kuti varambane. Zvisinei, chirevo chouchenjeri chinonyevera kuti: “Munhu anonyonganisa mhuri yake acharasikirwa nezvinhu zvose”—kureva kuti achaguma asisina chinhu. (Zvirevo 11:29, Bhaibheri Rinoera) Haufaniri hako kupinda mudambudziko rakadaro. Unogona kutsungirira kushushikana mupfungwa nokuita zvinhu zvakanaka. Funga nezvemimwe mienzaniso mishomanana.

Dambudziko 1: Kuzviisa Pasi Pomubereki Wokurera

Hazvisi nyore kuzviisa pasi pomubereki mutsva. Kana ukanzi uite chimwe chinhu, ungangobvotomoka uchiti, ‘Hamusi amai vangu/baba vangu imi!’ Kutaura kwakadaro kungaita kuti uti gutsikanei kuti wataura manzwiro ako chaiwo, asi kunoratidza kuti uchine pfungwa dzechiduku.

Ukuwo, kana ukazviisa pasi pomubereki wako wokurera unenge uchiratidza kuti uri kuteerera zano romuBhaibheri rokuti “uve akakura pakufunga.” (1 VaKorinde 14:20, The Holy Bible in the Language of Today, raWilliam Beck) Chokwadi, mubereki wako wokurera anoita zvinoitwa nomubereki wako chaiye uye unofanira kumuremekedza.—Zvirevo 1:8; VaEfeso 6:1-4.

Kuranga kunoitwa nomubereki wokurera kunowanzoratidza kuti anokuda uye ane hanya newe. (Zvirevo 13:24) Yvonne ane makore 18 anoti, “Baba vangu vokurera vanotiranga, uye ndizvo zvinofanira kuitwa navanababa. Ndinonzwa sokuti kana ndikaramba zano ravo, ndinenge ndiri kuita sokuti handina basa nezvavagara vachitipa kwemakore akawanda mune zvokurarama nazvo uye mune zvokunamata. Ikoko kungava kusatenda.”

Kunyange zvakadaro, ungangova nezvikonzero zvakanaka zvokuti unyunyute. Kana zvikavapo, ratidza kuti ‘wakura’ nokuita zvinokurudzirwa pana VaKorose 3:13 kuti: “Rambai muchishivirirana nokukanganwirana nomwoyo wose kana paine munhu ane chikonzero chokunyunyutira mumwe.”

Pasi apa, nyora zvinhu zviviri kana kuti zvakawanda zvakanaka zvinoitwa nomubereki wako wokurera.

․․․․․

Kuyeuka zvinhu zvakanaka zvinoitwa nomubereki wako wokurera kungakubatsira sei kuti uwedzere kumuremekedza?

․․․․․

Dambudziko 2: Dzidza Kugovana Nevamwe uye Kuva Anonzwisisa

Aaron ane makore 24 anoti, “Baba vangu vakazoguma varoorazve kaviri. Zvakanga zvakandiomera kuti ndifarire madzimai avo nevana vavo. Pakutanga ndaingovaona sevanhuwo zvavo, asi ndakazoudzwa kuti ndaifanira kuvada. Zvaitondivhiringidza.”

Iwewo ungasangana nematambudziko akaoma. Somuenzaniso, ungatorasikirwa nechinzvimbo chako chokuva mwana mukuru pane vose kana kuti chokungova zai regondo. Kana uri mukomana, ungave wakaita nguva refu uchinzwa sokuti ndiwe samusha, icho chava chinzvimbo chababa vako vokurera. Kana kuti unganzwa sezvakaita Yvonne. Anoti, “Baba vangu chaivo vakanga vasingamboratidzi kuva nehanya naAmai vangu, saka ndakanga ndajaira kuti ndevangu ndega. Asi Amai pavakaroorwazve, baba vangu vokurera vakaratidza kuva nehanya navo zvikuru. Vaipedza nguva yakawanda vari pamwe chete vachitaura vose, uye ndakanzwa sokuti vainditorera amai vangu. Zvisinei, pakupedzisira ndakazokwanisa kugadzirisa mafungiro angu.”

Kufanana naYvonne, ungagadzirisa sei mafungiro ako? Bhaibheri rinoti: “Kunzwisisa kwenyu ngakuzivikanwe nevanhu vose.” (VaFiripi 4:5) Shoko repakutanga rakashandurwa kuti “kunzwisisa” raireva “kubvuma kuti vamwe vaite zvavanoda” uye raibudisa mafungiro omunhu asingaomereri pakodzero dzake. Ungashandisa sei zano racho? (1) Usaramba uchingofunga zvinhu zvakapfuura. (Muparidzi 7:10) (2) Iva anoda kugovana zvinhu nomubereki wako wokurera, vanakomana vake nevanasikana vake. (1 Timoti 6:18) (3) Usavabata sevatorwa.

Papfungwa dziri pamusoro apa, ndeipi yaunofanira kunyanya kushandira pairi? ․․․․․

Dambudziko 3: Kutsungirira Kusabatwa Zvakaenzana Nevamwe

Tara anoti, “Baba vangu vokurera vainyanya kuda vana vavo kupfuura kuda kwavaiita ini nomukoma wangu. Vaitenga zvokudya chero zvipi zvaifarirwa nevana vavo uye vaihaya mafirimu aida kuonekwa nevana vavo. Vaiita zvose zvavaigona kuti vavafadze.” Kuitirwa zvakadai kwakaoma kutsungirira. Chii chingabatsira? Edza kunzwisisa kuti nei mubereki wokurera angakubata zvakasiyana nezvaangaitira mwana wake chaiye. Zvimwe hahusi ukama hweropa nemwana wake chaiye hunoita kuti adaro, asi kuti vava nenguva yakareba vachigara vose uye vachisangana nezvinhu zvakafanana. Uyewo, ungangonzwa uri pedyo zvikuru nomubereki wako chaiye kupfuura zvaunoita newekurera.

Zvisinei, pane musiyano unokosha pakubatwa zvakaenzana nevamwe nokubatwa zvakanaka. Munhu mumwe nomumwe ane unhu hwake uye anoda zvinhu zvakasiyana nezvevamwe. Saka pane kunyanya kunetseka kuti mubereki wako wokurera ari kukubata zvakaenzana nevamwe here kana kuti kwete, edza kuona kana ari kuedza nepaanogona napo kukupa zvaunofanira kuva nazvo.

Mubereki wako wokurera ari kuita kuti uwane zvinhu zvipi zvaunofanira kuva nazvo?

․․․․․

Zvinhu zvipi zvaunofanira kuva nazvo zvaunofunga kuti hausi kuwana?

․․․․․

Kana uchifunga kuti hausi kuwana zvimwe zvinhu zvaunofanira kuva nazvo, wadii kukurukura nyaya yacho zvine ruremekedzo nomubereki wako wokurera?

Kushivirira Kune Mubayiro!

Kazhinji, zvinotora makore akawanda kuti vanhu vomumhuri dzine vabereki vokurera vavimbane zvokuti vanonzwa vakasununguka kune mumwe nomumwe. Zvinotora nguva kuti vanhu vomumhuri yacho ine vanhu vane tsika dzakasiyana-siyana vasvike pakugarisana zvakanaka. Saka shivirira! Usatarisira kuti uchabva wangodiwa ipapo kana kuti mhuri yenyu ichabva yangobatana.

Amai vake pavakaroorwazve, Thomas akanetseka zvikuru. Amai vake vaiva nevana vana, uye murume akavaroora aiva nevatatu. Thomas akanyora kuti, “Tairwa, taiitisana nharo, taivhiringidzana, zvinova zvinhu zvinoshungurudza mupfungwa.” Chii chakazoita kuti vawirirane? “Zvinhu zvakazogadziriswa nokushandisa zvinotaurwa neBhaibheri.”

MUCHITSAUKO CHEDU CHINOTEVERA

Ko kana vana vose vomumba menyu vari buda ndibudewo asi vachikugumbura zvikuru?

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 9 Munyaya ino ari kunzi mubereki wokurera murume kana mukadzi akaroorana nemumwe munhu anotova nevana vake. Mubereki wokurera uyu angatova nevana vakewo nechekare kana kuti anogona kunge asina.

RUGWARO RUNOKOSHA

“Kuguma kwenyaya kuri nani kupfuura kutanga kwayo. Anoshivirira ari nani kupfuura anozvikudza.”—Muparidzi 7:8.

ZANO

Kugara nevana vomubereki wokurera vechisikana iwe uri mukomana kana kuti vechikomana iwe uri musikana kungaunza muedzo wokuita zvepabonde. Saka edza kusatombofunga nezvepabonde, uye iva nechokwadi chokuti zvaunopfeka uye zvaunoita hazvimutsi chishuwo chokuita zvepabonde.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Vanakomana kana kuti vanasikana vomubereki wako wokurera vangave vachiomerwawo kuti vajaire kugara mumhuri ine mubereki wokurera.

ZVANDINORONGA KUITA!

Ndichawedzera kuremekedza kwandinoita mubereki wangu wokurera nokuyeuka zvinhu zvakanaka zvinotevera zvaakaitira mhuri (nyora zvinhu zviviri zvakanaka): ․․․․․

Kana vana vomubereki wangu wokurera vakaratidza kusava nehanya neni, ndinogona kushandisa zvinotaurwa pana VaRoma 12:21 nokuita zvinotevera: ․․․․․

Izvi ndizvo zvandinoda kubvunza mubereki wangu chaiye kana kuti ari kundirera nezvenyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

● Mubereki wako wokurera kana kuti vana vake vangatyei pakugara nemhuri yenyu?

● Nei zvichikosha kuti utarise zviri kumberi pamaonero aunoita kugarisana kwamunoita mumhuri yenyu itsva?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 38]

Amai vangu vakazorambana nemurume akanga avaroora kechipiri. Asi nanhasi ndichiri kuwirirana zvikuru nevana vomurume wacho. Kuwirirana kwatakaita ndicho chinhu chikuru pane zvose zvakaitika kwandiri.’’—Tara

[Mufananidzo uri papeji 39]

Kubatanidza mhuri mbiri pamwe chete kwakafanana nokukanya mvura nesemende—zvinoda nguva uye kushanda nesimba, asi panogona kubuda chinhu chakasimba chinogara kwenguva refu