Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndingataura Sei Nevabereki Vangu?

Ndingataura Sei Nevabereki Vangu?

CHITSUKO 1

Ndingataura Sei Nevabereki Vangu?

“Ndakaedza chaizvo kuudza vabereki vangu manzwiro andaiita, asi zvinhu hazvina kuita sezvandaitarisira—vakangondidimburira panzira. Ndaitofanira kutsunga chaizvo kuti nditaure, asi hapana chandakabura!”—Rosa.

PAWAIVA muduku, zvichida vabereki vako ndivo vanhu vokutanga vawaimhanyira kwavari kuti unopiwa mazano. Waivaudza chero chii zvacho, chikuru kana chiduku. Waitaura zvawaifunga uye manzwiro ako wakasununguka, uye waivimba nemazano avo.

Asi iye zvino ungafunga kuti vabereki vako havachakunzwisisi. Mumwe musikana anonzi Edie anoti: “Mamwe manheru tichidya, ndakatanga kuchema ndikataura zvose zvaiva kutsi kwemwoyo wangu. Vabereki vangu vakateerera, asi vakaita sokuti havana kunzwisisa.” Zvakaguma nei? “Ndakaenda muimba yangu yokurara ndikawedzera kuchema!”

Ukuwo, ungasarudza kurega kuudza vabereki vako. Mumwe mukomana anonzi Christopher anoti: “Ndinotaura nevabereki vangu zvinhu zvakawanda. Asi ndinofarira kuti pane dzimwe nguva havazivi zvose zvandinenge ndichifunga.”

Zvakaipa here kusataura zvimwe zvinhu zvaunenge uchifunga? Aiwa, chero usiri kungonyengera chete. (Zvirevo 3:32) Kunyange zvakadaro, hazvinei kuti vabereki vako vangave vachiita sokuti havasi kukunzwisisa kana kuti hausi kuda kuvataurira, chokwadi ndeichi: Unofanira kutaura nevabereki vako, uye vanoda kunzwa zviri kuitika kwauri.

Ramba Uchitaura!

Kukurukurirana nevabareki vako kwakada kuti fananei nokutyaira motokari. Kana ukawana pakavharwa mugwagwa, haukandi mapfumo pasi; unongotsvaka imwe nzira. Funga nezvemienzaniso miviri.

CHIPINGAMUPINYI 1 Unoda kutaura, asi vabereki vako vanoita sokuti havasi kuteerera. Mumwe musikana anonzi Leah, anoti: “Ndinozviona zvakaoma kuti ndikurukure nababa vangu. Dzimwe nguva ndinotaura navo kwekanguva vobva vazoti, ‘Ndine urombo, wanga uchitaura neni here?’”

MUBVUNZO: Kana Leah achinyatsoda kutaura dambudziko raanaro angaitei? Ane pfungwa dzinenge nhatu dzaangashandisa.

Pfungwa 1

Kukwidzira baba vake izwi. Leah anozhambatata achiti: “Imi, zvinokoshaka izvi! Teererai mhani!”

Pfungwa 2

Kurega kutaura nababa vake. Leah anongorega kuedza kutaura nezvedambudziko rake.

Pfungwa 3

Kumirira nguva yakanaka ozotaurazve nyaya yacho. Pave paya, Leah anotaura nababa vake vachionana, kana kuti anovanyorera tsamba achitaura dambudziko rake.

Unofunga kuti Leah anofanira kusarudza zvipi? ․․․․․

Ngationgororei pfungwa imwe neimwe kuti tione kwaingangogumira.

Pfungwa dzababa vaLeah dziri pane zvimwe zvinhu—nokudaro havasi kuziva kushushikana kwaari kuita. Saka kana Leah akasarudza Pfungwa 1, vangasanzwisisa chiri kuita kuti azhambatate. Zvichida izvi hazvingaiti kuti baba vaLeah vagamuchire mashoko ake, uye zvingasaratidza kuti anovaremekedza uye anovakudza. (VaEfeso 6:2) Saka, chokwadi kuzhambatata kungaita kuti zvinhu zvisamumirira zvakanaka.

Kunyange zvazvo Pfungwa 2 ingava chinhu chiri nyore zvikuru kuti uite, hairatidzi kuchenjera. Nei? Nokuti “pasina kurangana, zvirongwa hazvibudiriri, asi pane vanhu vazhinji vanopa mazano pane zvinobudirira.” (Zvirevo 15:22) Kuti abudirire kukunda matambudziko ake, Leah anofanira kutaura nababa vake—uye kana vachizomubatsira, vanofanira kuziva zviri kuitika muupenyu hwake. Kurega kutaura hakunawo zvakunobatsira.

Zvisinei, kana Leah akashandisa Pfungwa 3, haazoregi chipingamupinyi chakafanana nemugwagwa wakavharwa chichiva panofira sarungano. Pane kudaro, anoedza kukurukura nyaya yacho pane imwe nguva. Uye kana akasarudza kuita zvokunyorera baba vake tsamba, Leah anganzwa zviri nani ipapo chaipo. Kunyora tsamba kungamubatsirawo kunyatsoronga zvaanenge achida kutaura. Pavanoverenga tsamba yacho, baba vaLeah vachaziva zvaari kuedza kuvaudza, izvo zvingavabatsira kunyatsonzwisisa dambudziko rake. Saka Pfungwa 3 inobatsira vose, Leah nababa vake.

Ndedzipi dzimwe pfungwa dzingashandiswa naLeah? Ona kana ungafunga imwe chete, woinyora pasi apa. Wadaro, nyora zvingangoguma zvaitika nokushandisa pfungwa iyoyo.

․․․․․

CHIPINGAMUPINYI 2 Vabereki vako vari kuda zvekutaura, asi iwe haudi. Mumwe musikana anonzi Sarah anoti: “Hapana chinhu chakaipa kupfuura kunayiwa nemibvunzo pashure pokunge waswera wakaomerwa nezvinhu kuchikoro. Ndinenge ndichida kukanganwa nezvechikoro, asi vabereki vangu vanobva vatanga kubvunza kuti: ‘Waswera sei? Pane matambudziko awasangana nawo here?’” Hapana mubvunzo kuti vabereki vaSarah vanobvunza mibvunzo yakadaro vaine vavariro dzakanaka. Kunyange zvakadaro, iye anochema-chema achiti, “Zvakaoma kutaura nezvechikoro pandinenge ndakaneta uye ndichinetseka.”

MUBVUNZO: Sarah angaitei mumamiriro aya ezvinhu? Kufanana nemuenzaniso wambotaurwa, ane pfungwa dzinenge nhatu dzaangashandisa.

Pfungwa 1

Kuramba kutaura. Sara anoti: “Ndapota, imbosiyanai neni. Pari zvino handisi kuda zvokutaura!”

Pfungwa 2

Kutaura navo. Pasinei nokuti ari kunetseka, Sarah angapindura mibvunzo yevabereki vake achiita zvokumanikidzira.

Pfungwa 3

Kumborega kutaura “zvechikoro” asi oenderera mberi achitaura nezvezvimwe zvinhu. Sarah anotaura kuti vozokurukura zvechikoro pane imwe nguva, paanoziva kuti anenge agadzikana mupfungwa. Achiratidza kunyatsoda kuziva anobva ati: “Ko imi maswera sei? Zvinhu zvakufambirai sei?”

Unofunga kuti Sarah anofanira kuita chisarudzo chipi? ․․․․․

Zvakare, ngationgororei pfungwa imwe neimwe kuti tione zvingangoguma zvaitika.

Sarah anonzwa achinetseka uye haadi zvekutaura. Kana akasarudza Pfungwa 1, acharamba achinetseka asi achanzwawo aine mhosva yekupopotera vabereki vake.—Zvirevo 29:11.

Panguva iyi, vabereki vaSarah vangagumburwa nokupopota kwake—kana kuti nokusataudzana kunozovapo. Vangafungira kuti Sarah ane zvaari kuvanza. Vangatoedza chaizvo kuita kuti ataure, izvo zvichaita kuti iye anyanye kunetseka. Pakupedzisira, kushandisa pfungwa iyi kungaguma nokuita kuti zvinhu zvisamumirira zvakanaka.

Zviri pachena kuti Pfungwa 2 iri nani pane pfungwa 1. Iri nani pakuti Sarah nevabereki vake vanenge vachitombokurukura. Asi sezvo vanenge vachikurukurirana zvisingabvi pamwoyo, Sarah nevabereki vake vangasawana zvavanoda—kukurukurirana vakadekara, vachibudirana pachena.

Asi kana Sarah akashandisa Pfungwa 3, anganzwa zviri nani nokuti nyaya ye“chikoro” inenge yambosendekwa. Vabereki vake vangaonga kuvavarira kwaari kuita kutaura navo, saka naivowo vangafara. Kushandisa pfungwa iyi kungava nemikana yakanaka zvikuru yokubudirira nokuti iye nevabereki vake vanenge vachishandisa zvinotaurwa pana VaFiripi 2:4, panoti: “Iva nehanya nezvinofarirwa nemumwe, kwete zvako chete.”—Today’s English Version.

Usaita Kuti Vafunge Zvisiri Izvo

Yeuka kuti dzimwe nguva mashoko aunotaura angasiyana nezvinofungwa nevabereki vako kuti ndizvo zvauri kureva. Somuenzaniso, vabereki vako vangabvunza kuti nei uchiita seusiri kufara. Unoti, “Handidi kutaura nezvazvo.” Asi vabereki vako vanganzwa sokuti wati: “Handivimbi nemi zvokutokuudzai zviri kutsi kwemwoyo wangu. Ndichataura neshamwari dzangu nezvedambudziko racho kwete nemi.” Edza kuita zvinotevera uchinyora mhinduro dzako. Ngatitii une dambudziko rakakura uye mubereki wako anoti anoda kukubatsira.

Kana ukati: “Musanetseke henyu. Ndichazvigadzirisa ndega.”

Vabereki vako vanganzwa sokuti wati: ․․․․․

Mhinduro yakanaka yaungapa ingava yokuti: ․․․․․

Zvii zvaunofanira kuyeuka? Nyatsosarudza mashoko ako. Ataure nezwi rine ruremekedzo. (VaKorose 4:6) Ona vabereki vako seshamwari dzako kwete semhandu dzako. Unoziva kuti zvinotevera ndezvechokwadi: Unoda rubatsiro rwose rwaungawana kuti ubudirire mumamiriro ezvinhu akaoma auchasangana nawo.

MUCHITSAUKO CHEDU CHINOTEVERA

Ko kana dambudziko risiri pakutaura nevabereki vako, asi riri pakuti pose pamunotaura munoitisana nharo?

RUGWARO RUNOKOSHA

“Ndinotaura zvinobva mumwoyo mangu uye ndinotaura chokwadi.”—Jobho 33:3, The Holy Bible in the Language of Today, rakanyorwa naWilliam Beck.

ZANO

Kana ukaona kuti zvakakuomera kumbogara pasi wotaura nevabereki vako nezvedambudziko, kurukurai nyaya yacho pamunenge muchifamba netsoka, nemotokari kana kuti pamunoenda kunotenga mose.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Sekuoma kwazvakaita kwauri kuti utaure nyaya dzakakomba nevabereki vako, vanganzwa vasina kusununguka uye vasingakwanisi pavanoedza kutaura newe nyaya dzakadaro.

ZVANDINORONGA KUITA!

Nguva inotevera pandinenge ndichinzwa ndisingadi kutaura nevabereki vangu, ndicha- ․․․․․

Kana mubereki wangu akandimanikidza kuti nditaure nyaya yandisiri kunzwa ndichida kuti titaure, ndichati ․․․․․

Izvi ndizvo zvandinoda kubvunza vabereki vangu nezvenyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

● Kuziva nguva yakanaka yokutaura chimwe chinhu kunokosha zvakadini pakukurukurirana kwakanaka?—Zvirevo 25:11.

● Nei kutaura nevabereki vako kuchikosha?—Jobho 12:12.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 10]

Kukurukura nevabereki vako hakusi nyore nguva dzose, asi paunovaudza zviri mumwoyo, unonzwa sokuti mutoro wakakura wabva mupfungwa dzako.’’—Devenye

[Mufananidzo uri papeji 8]

Chipingamupinyi zvachisingafaniri kuva ipo panofira sarungano, unogona kuwana imwe nzira yokuti ukurukure nevabereki vako!