Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndingaramba Sei Kufurirwa Nevezera Rangu?

Ndingaramba Sei Kufurirwa Nevezera Rangu?

CHITSAUKO 15

Ndingaramba Sei Kufurirwa Nevezera Rangu?

“Unosangana nemiedzo yakawanda kwazvo kuchikoro—kusvuta, kushandisa zvinodhaka, kuita zvepabonde. Unoziva kuti vamwe vana zvavanoda kuti uite hazvina musoro. Asi unosvika pakufunga kuti haungaratidzi kuti uri gwara.”—Eve.

ZVIRI muropa kuti unzwe uchida kugamuchirwa nevamwe. Ndizvo zvinoita kuti ude kufanana nevezera rako. Somuenzaniso, kana uri kurerwa muchiKristu, unoziva kuti zvinhu zvakadai sokuita zvepabonde musati maroorana uye kudhakwa nedoro zvakaipa. (VaGaratiya 5:19-21) Zvisinei, vezera rako vakawanda vanokukurudzira kuti uitewo zvinhu izvi navo. Vakambofunga here nezvazvo vachibva vazvisarudzira kuita izvi? Zvingasava zvakadaro. Kazhinji, vakabvuma kufurirwa nevamwe. Vanoda kugamuchirwa, saka vanobvumira vamwe kuti vavasarudzire zvinonzi ndizvo zvakanaka. Ndizvo zvaunodawo here? Kana kuti une ushingi hwokudzivirira zvaunotenda here?

Pane imwe nguva, Aroni mukoma waMosesi akabvuma kufurirwa. VaIsraeri pavakamuunganira ndokumukurudzira kuti avaitire mwari, akaita chaizvo zvavakanga vamuudza! (Eksodho 32:1-4) Pafunge—uyu ndiye murume akanga ataura naFarao, achimuudza shoko raMwari noushingi. (Eksodho 7:1, 2, 16) Asi vaIsraeri pavakamuti avaitire mwari, Aroni akabvuma. Zviri pachena kuti zvaiva nyore kuti ataure noushingi namambo weIjipiti pane kutaura noushingi nevamwe vake!

Ko iwe? Unoomerwa nokutsigira zvaunoziva kuti zvakarurama here? Unogona kuramba kufurirwa nevezera rako here usingaratidzi kuti hauna kusununguka uye kuti uri kutya? Unogona! Chinhu chinokosha ndechokufanoona kufurirwa kwacho wofanosarudza kuti uchaita sei? Matanho mana ari pasi apa achakubatsira kuita izvi.

1. Fanoona. (Zvirevo 22:3) Kazhinji, unogona kufanoona dambudziko. Somuenzaniso, unoona boka revokuchikoro kwako riri mberi kwako richisvuta. Pane mukana wakadini wokuti vangangokutambidza mudzanga? Kana ukafanoona dambudziko racho, uchange wakagadzirira kuridzivisa kana kuti kutarisana naro.

2. Funga. (VaHebheru 5:14) Ungazvibvunza kuti, ‘Kana ndikaita zvinoitwa nevoruzhinji ndichazonzwa sei nokufamba kwenguva?’ Chokwadi, vezera rako vangambokufarira kwekanguva. Asi pave paya uchanzwa sei paunenge wava nevabereki vako kana kuti vaKristu vaunonamata navo? Unonzwa uchida kurasikirwa noukama hwakanaka naMwari pamusana pokungoda kufadza vaunodzidza navo here?

3. Sarudza. (Dheuteronomio 30:19) Vashumiri vaMwari vose vachafanira kusarudza kuva vakatendeka vokomborerwa kana kuti kusava vakatendeka vosangana nazvo. Varume vakaita saJosefa, Jobho naJesu vakasarudza zvakanaka, asi Kaini, Isau naJudhasi havana kusarudza zvakanaka. Iye zvino chava chijana chako chokuti usarudze. Uchaitei?

4. Ratidza zvauri. Ungafunga kuti izvi ndizvo zvakaoma kupfuura zvose. Handizvo! Kana wakatofunga nezvemigumisiro yacho uye wakasarudza zvaunoda, ungatoshamiswa kuti kutaura paumire kungava nyore uye kungava nomubayiro. (Zvirevo 15:23) Usanetseke—haufaniri hako kupa vezera rako mharidzo yomuBhaibheri. Kungoti aiwa zvakasimba kungava kwakakwana. Kana kuti, kuti ujekese paumire chaipoipo, ungasarudza kutaura kuti:

“Siyanai neni!”

“Handiiti zvakadaro!”

“Aaa, inga munondiziva wani!”

Zvinokosha ndiko kukurumidza kupindura uine chivimbo. Kana ukaita izvozvo, ungashamisika kuti vezera rako vanokurumidza sei kusiyana newe! Zvisinei, ko kana vakakuseka? Ko kana vakati, “Zvaita sei—unotya here?” Yeuka kuti chinangwa chokutsvinya uku ndechokuti ufanane navo. Ungaita sei? Pane zvinhu zvinokwana zvitatu zvaungasarudza.

Unogona kubvuma kutsvinyirwa kwacho. (“Ndizvozvo, ndinotya!” Zvadaro ibva wataura muchidimbu chikonzero chako.)

Unogona kuramba, uchitaura paumire asi usingaiti nharo.

Unogona kudzorerawo. Taura chikonzero chaunorambira uye zvadaro taura zvinhu zvinoita kuti vezera rako vafunge. (“Ndaifunga kuti makangwara zvokuti hamungambosvuti!”)

Kana vezera rako vakaramba vachikutsvinyira, ibvapo! Kana ukaramba uripo, vacharamba vachikunetsa. Kunyange kana ukabvapo, yeuka kuti: Ndiwe wadzikamisa zvinhu. Hauna kubvumira vezera rako kuti vakumbandidzire muforoma yavo!

Vamwe vezera rako vangakutsvinyira votaura kuti hadzisi pfungwa dzako. Asi ndedzako! Chokwadi, Jehovha anoda kuti uratidze kuti kuita zvaanoda kwakanaka zvikuru. (VaRoma 12:2) Saka nei uchirega vezera rako vachikuita chidzoyi chavo? (VaRoma 6:16) Tsigira zvaunoziva kuti zvakarurama!

Kutaura zvazviri, haugoni kunzvenga kufurirwa nevezera rako. Asi unogona kuziva zvaunoda, kutaura paumire, uye kudzora mamiriro acho ezvinhu. Pakupedzisira, ndiwe unofanira kusarudza!—Joshua 24:15.

VERENGA ZVAKAWANDA NEZVENYAYA IYI MUBHUKU 1, CHITSAUKO 9

ZVIRI MUCHITSAUKO CHINOTEVERA

Uri kurarama upenyu huviri here? Pane chakanaka chingabuda here kana vabereki vako vakazviziva?

RUGWARO RUNOBUDISA PFUNGWA HURU

Munhu anofamba nevanhu vakachenjera achava akachenjera, asi iye anofambidzana nemapenzi zvichamuipira.Zvirevo 13:20.

ZANO

Kuti uwedzere kushinga, verenga zvakaitika zvevashumiri vaJehovha vemazuva ano vakabudirira kutsigira zvakarurama.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Havasi vakawanda vaunodzidza navo vanogona kuzotaura newe pashure pegore wapedza chikoro. Vakawanda vangatokanganwa zita rako. Asi vemhuri yako uye zvikurukuru Jehovha Mwari, vachagara vachifarira kugara kwako zvakanaka.Pisarema 37:23-25.

ZVANDINORONGA KUITA!

Ndinogona kugadzirira kuti ndisafurirwa nevezera rangu noku- ․․․․․

Kana vezera rangu vakaedza kundifurira kuti ndiite zvakai- pa, ndicha- ․․․․․

Izvi ndizvo zvandingada kubvunza vabereki vangu nezve- nyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

● Matanho mana ataurwa muchitsauko chino angakubatsira papi?

● Chii chingaitika kana ukabvuma kufurirwa nevezera rako?

● Ndedzipi nzira dzaungaramba nadzo kufurirwa nevezera rako?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 131]

“Vakomana vakawanda vanoziva kuti ndiri Chapupu, uye vanondiremekedza. Kana vachizokurukura chimwe chinhu chakaipa, vanoti, ‘Mike, pane zvatinoda kumbotaura, saka kana uchida kuenda, enda zvako.’’’—Mike

[Chati iri papeji 132, 133]

Worksheet

Zvandingaita Kuti Ndisafurirwe fanoona

1 Muenzaniso

Muedzo wacho ndewei? Kusvuta midzanga.

Ndingangosangana nomuedzo uyu kupi? Muimba yokuchinjira mbatya kuchikoro.

↓ ↓

Chii chichaitika ← 2 Funga → Chii chichaitika

kana ndikabvuma? kana ndikaramba?

Ndichagumbura Ndingatsvinyirwa kana kuti

Jehovha uye vabereki kupiwa mazita. Vamwe

vangu. Hana yangu vokuchikoro kwangu vangaramba

ichanditambudza. kutamba neni. Asi ndichaita

Zvichandiomera kuti kuti Jehovha afare,

ndizoramba nguva uye ndichava munhu

inotevera. ane tsika dzakanaka.

↓ ↓

Kana ndikabvuma, pangava ← 3 Sarudza → Ndicharamba

pamusana pokuti nokuti

Handina kunyatsogadzirira Ndinoziva kuti

kutarisana nokufurirwa hazvifadzi Jehovha

nevezera rangu. uye kuti

Ndinokoshesa kufarirwa kunogona kusvuta

nevezera rangu kupfuura kukanganisa kufarirwa naJehovha. utano hwangu.

↓ ↓

← 4 Ratidza Zvauri → Ndichati

aiwa ndobva ndabvapo.

Kutsvinya Kunoita Vezera Rangu

Kana wezera rangu akati: “Svuta mudzanga uyu kani.

Uri gwara here?”

Ndinogona kupindura kufurirwa kwacho

Nokubvuma Nokuramba Nokudzorerawo

“Ndizvozvo. “Usatambisa hako “Rega zvako.

Midzanga ndinoitya. mudzanga wako Ndaifunga kuti

Handidi kuita uchindipa.” wakangwara zvokuti

kenza yemapapu.” haungambosvuti!”

ZVOKUITA: Kurumidza kubvapo kana vezera rako vakaramba vachikumanikidza. Kana ukaramba uripo, panova nemikana yakawanda yokuti uve chidzoyi chavo. Iye zvino, chinyorawo zvaunofunga papeji inotevera.

Zvandingaita Kuti Ndisafurirwe Kopa peji ino!

1 Fanoona

Muedzo wacho ndewei? ․․․․․

Ndingangosangana nomuedzo uyu kupi? ․․․․․

↓ ↓

Chii chichaitika ← 2 Funga → Chii chichaitika

kana ndikabvuma? kana ndikaramba?

․․․․․ ․․․․․

↓ ↓

Kana ndikabvuma, pangava ← 3 Sarudza → Ndicharamba

pamusana pokuti . . . nokuti . . .

․․․․․ ․․․․․

↓ ↓

← 4 Ratidza Zvauri → Ndichati  . . .

․․․․․ ․․․․․

Kutsvinya Kunoita Vezera Rangu

Kana wezera rangu akati: ․․․․․

Ndinogona kupindura

Nokubvuma Nokuramba Nokudzorerawo

․․․․․ ․․․․․ ․․․․․

Dzidzira mhinduro dzako nomubereki kana kuti neshamwari yakura.

[Mufananidzo uri papeji 135]

Kana ukabvuma kufurirwa nevezera rako, unova chidzoyi chavo