Upenyu Huviri—Ndiani Anofanira Kuzviziva?
CHITSAUKO 16
Upenyu Huviri—Ndiani Anofanira Kuzviziva?
▪ Kunwa doro
▪ Kutamba nevanhu vanonzi nevabereki vako hadzisi shamwari dzakanaka
▪ Kuteerera mimhanzi yakaipa
▪ Kuenda kumapati oupengo
▪ Kufambidzana muchivande
▪ Kuona mafirimu echisimba kana ounzenza kana kuti kutamba mitambo yevhidhiyo inoratidza chisimba
▪ Kutaura zvinonyadzisira
VaRoma 2:15) Kunyange zvakadaro, zvakaoma kuti uudze vabereki vako zvakaipa zvaunoita. Uye paunofunga kuti vabereki vako vanganetseka, pfungwa yokuti “Vabereki vangu havarwadziwi nezvavasingazivi” ingaita seine musoro. Asi wakambozvifunga here kuti ungatove uri kurarama upenyu huviri nezvauri kuita? Chii chingave chakaita kuti uite saizvozvo?
TARIRA zviri papeji yapfuura. Unomboita chimwe chezvinhu izvi vabereki vako vasingazivi here? Kana uchizviita, ungangove uchiziva kuti zvaunoita zvakaipa. Ungatonetseka nehana ine mhaka. (Kuda Kuzvimiririra
Bhaibheri rinoti pane imwe nguva “murume achasiya baba vake naamai vake.” (Genesisi 2:24) Chokwadi, izvi zvinogona kutaurwawo nezvomukadzi. Wakasikwa uchingoda kukura, kuzvifungira uye kuzvisarudzira. Asi vabereki pavanorambidza zvinhu zvavanofunga kuti hakusi kuchenjera—kana kuti zvakaipa—vamwe vechiduku vanopandukira.
Chokwadi, vamwe vabereki vanoita sevanonyanya kuomesera vana vavo. Mumwe musikana anonzi Kim anonyunyuta achiti, “Kashoma kuti tibvumidzwe kuona mafirimu.” Anowedzera kuti, “Baba vangu vakatirambidza kuteerera inenge mimhanzi yose zvayo!” Pavanoona sokunge kuti vari kunyanya kuomeserwa, vamwe vechiduku vanotanga kuyemura vezera ravo vanoita sevane rusununguko rwakawanda.
Mumwe musikana anonzi Tammy anotaura chimwe chikonzero chinoita kuti vamwe vararame upenyu huviri—kuti vagamuchirwe nevokuchikoro kwavo. Anoyeuka kuti, “Ndakatanga nokutaura zvinonyadzisira kuchikoro. Zvaiita kuti ndinzwe sokuti ndakanga ndangofanana nevamwe vana vose. Pave paya ndakaedza kusvuta. Ndainwawo doro kusvika ndadhakwa. Zvadaro ndakatanga kufambidzana nevakomana muchivande nokuti vabereki vangu vainyanya kuomesa uye vakanga vasingandibvumiri kuti ndiite zvevakomana.”
Mumwe mukomana achiri kuyaruka anonzi Pete akasanganawo neizvi: “Ndakarerwa somumwe weZvapupu zvaJehovha. Asi ndaitya chaizvo kusekwa.” Pete akaita sei nokutya kwaaiita? Anoti, “Ndakaedza kuita kuti vanhu vose vandifarire. Ndaireva nhema uye ndakanga ndisingavaudzi chokwadi kuti nei ndakanga ndisingagamuchiri zvipo pamazororo echitendero.” Pete paakatanga kuita zvikanganiso zviduku, hazvina kutora nguva asati atanga kuita zvivi zvakakomba.
Hapana Chakavanzika
Kurarama upenyu huviri hakuna kutanga nhasi. Vamwe vaIsraeri vekare vakaedza kuzviita vachifunga kuti hapana aizviona. Zvisinei, muprofita Isaya akavanyevera kuti: “Vane nhamo vaya vanovanzira Jehovha kwazvo zvavanoronga, vane mabasa akaitirwa munzvimbo ine rima, pavanenge vachiti: ‘Ndiani ari kutiona, uye ndiani ari kuziva nezvedu?’” (Isaya 29:15) VaIsraeri vakakanganwa kuti Mwari aiona zvavaiita. Panguva yakakodzera akavarangira zvivi zvavo.
Ndozvazvakaitawo nhasi. Kunyange kana ukabudirira kuvanzira vabereki vako misikanzwa yako, haugoni kuvanzira Jehovha Mwari. VaHebheru 4:13 inoti: “Hapana chisikwa chaasingaoni, asi zvinhu zvose zvakafukurwa uye zviri pachena mumaziso aiye watinozvidavirira kwaari.” Saka kuvanza kunobatsirei? Yeuka kuti haugoni kufadza Mwari nokungonyepedzera kuti unomunamata paunopinda misangano yechitendero. Jehovha anoziva vanhu ‘pavanomukudza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo iri kure naye.’—Mako 7:6.
Waona here kuti vaya vanorarama upenyu huviri vanorwadzisa Jehovha? Izvozvo zvinoitika zvechokwadi here? Chokwadi zvinoitika! Vanhu veIsraeri yekare pavakasiya Mutemo waMwari, “vakarwadzisa Mutsvene waIsraeri.” (Pisarema 78:41) Anofanira kunge achirwadziwa chaizvo kana vechiduku vanorerwa “mukuranga nokutungamirira pfungwa kunoitwa naJehovha” vakaita zvakaipa muchivande!—VaEfeso 6:4.
Ruramisa Zvinhu
Chokwadi, unofanira kureurura kuna Mwari uye kuvabereki vako zvawave uchiita muchivande. Kutaura zvazviri, izvi zvingaita kuti unyare uye zvimwe kuva nemigumisiro isingafadzi. (VaHebheru 12:11) Somuenzaniso, kana wave uine tsika yokureva nhema uye yokunyengera, unenge waita kuti vabereki vako vasanyanya kukuvimba. Saka usashamisika kana vakambokuomesera kupfuura zvavaimboita. Kunyange zvakadaro, kureurura zvivi zvako ndiko kwakanaka zvikuru. Nei?
Chimbofunga muenzaniso uyu: Ngatitii iwe nevomumhuri yenyu muri kungofamba
zvenyu. Vabereki vako vasingazvioni, unorega kuteerera murayiro wavo wokuti urambe uri pedyo navo uye unosiya nzira wobva warasika. Unoerekana wava kunyura mujecha. Waizonyara here kushevedzera kuti ubatsirwe? Waizotyira kuti vabereki vako vachakuranga nokuti hauna kuteerera nyevero yavo here? Aiwa! Waizopangura mhere.Saizvozvowo, kana uri kurarama upenyu huviri, unofanira kukurumidza kubatsirwa. Yeuka kuti yadeuka yadeuka mvura yeguchu haidyorerwi. Asi unogona kuchinja remangwana. Pasinei nokuti zvichave zvichikurwadza uye zvakakuomera sei, zvine musoro kuti ukumbire kubatsirwa usati wanyanya kuzvikuvadza iwe kana mhuri yako. Kana uchizvidemba Isaya 1:18; Ruka 6:36.
zvechokwadi pane zvawakaita, Jehovha achakunzwira ngoni.—Naizvozvo, udza vabereki vako chokwadi. Ziva kuti vanorwadziwa. Bvuma chirango chavo. Kana ukadaro, uchafadza vabereki vako uye Jehovha Mwari. Uchanzwawo wazorodzwa nokuvazve nehana yakachena.—Zvirevo 27:11; 2 VaKorinde 4:2.
Pane zvakawanda zvaunowirirana nevaunodzidza navo. Asi unofanira kuzivei nezvoushamwari hwokuchikoro?
RUGWARO RUNOBUDISA PFUNGWA HURU
“Munhu anofukidza kudarika kwake haazobudiriri, asi anoreurura nokuzvisiya achanzwirwa ngoni.”—Zvirevo 28:13.
ZANO
Usarerutsa zvikanganiso zvako, asi usabatwa nomusungo wokusava netariro. Yeuka kuti Jehovha akagadzirira kukanganwira.—Pisarema 86:5.
WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?
Kunzwa uine mhaka kunogona kubatsira; kunogona kuita kuti munhu agadzirise maitiro akaipa. Asi munhu anoramba achiita chivi anokuvadza hana yake. Inotindivara kufanana neganda rinenge ratsva rozoita mavanga.—1 Timoti 4:2.
ZVANDINORONGA KUITA!
Kana ndave ndichirarama upenyu huviri, ndichaudza ․․․․․
Kana ndikapiwa chirango chero chipi zvacho, ndinogona ku- ․․․․․
Izvi ndizvo zvandingada kubvunza vabereki vangu nezvenya- ya iyi ․․․․․
UNOFUNGEI?
● Chii chinoitisa kuti vamwe vechiduku vararame upenyu huviri?
● Ndeipi mimwe migumisiro yokurarama upenyu huviri?
● Kusiya mararamiro akadaro kunobatsirei?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 140]
Ndinofunga kuti vechiduku vanofanira kuzivikanwa sevaKristu vane tsika dzakanaka. Vanofanira kuita izvi nokukurumidza sezvavangagona. Kana vakanonoka, zvinozoti omei.’’—Linda
[Mufananidzo uri papeji 141]
Kana uri kunyura mujecha rokurarama upenyu huviri, unofanira kushevedzera kuti ubatsirwe