Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuchinja Kunoitika Muupenyu

Kuchinja Kunoitika Muupenyu

CHIKAMU 2

Kuchinja Kunoitika Muupenyu

Hausi kufara nokuchinja kuri kuita muviri wako here?

□ Hungu □ Kwete

Kuchinja kuri kuitika pakuyaruka kuri kuita kuti usurukirwe, uvhiringidzike kana kuti utye here?

□ Hungu □ Kwete

Unongoswera uchifunga nezvevakomana kana vasikana here?

□ Hungu □ Kwete

Kana wamaka kuti “hungu” pakupindura chero mubvunzo upi pane iri pamusoro apa, usanetseka—hazvirevi kuti pane chakaipa pauri! Kutaura zvazviri, kuchinja kunoita muviri uye manzwiro pakuyaruka kunogona kukusiya uchinzwa manyukunyuku, waora mwoyo uye uchinzwa zvimwewo. Chokwadi waigara uchida kuva munhu mukuru asi iye zvino kuchinja kwacho zvakwatanga, kunogona kukutyisa! Zvitsauko 6-8 zvichakubatsira kurarama nokuchinja kunoitika muupenyu.

[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 56, 57]