Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndichaitei Noupenyu Hwangu?

Ndichaitei Noupenyu Hwangu?

CHITSAUKO 38

Ndichaitei Noupenyu Hwangu?

“Pakutanga, ndakanga ndisinganetseki nezveramangwana. Asi pandakanga ndava kuda kupedza chikoro, ndakaziva kuti ndainge ndava kuzopinda munyika chaiyo, ine mabasa chaiwo. Uye ine zvinhu zvinoda kubhadharwa.”—Alex.

NGATITII uri kuronga rwendo ruchakuendesa kure nokumba. Zvichida waizotanga kutarira pamepu kuti uone nzira yakanaka yokusvikako. Zvakafanana nokuronga ramangwana rako. Mumwe mukomana anonzi Michael, iye zvino anoshanda pahofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha, anoti, “Une zvakawanda zvokusarudza.” Unosarudza sei pazvinhu zvakawanda kudai? “Inongova nyaya yezvinangwa,” anodaro Michael.

Funga nezvechinangwa sokunge kuti rwendo rwokuenda kune imwe nzvimbo. Ungangotadza kuchisvitsa kana uchingombeya-mbeya zvisina chinangwa. Zviri nani zvikuru kutarisa pamepu woronga nzira yauchatora. Kana ukaita izvi unenge uchitevera zano riri pana Zvirevo 4:26 rokuti: “Enzanisa nzira yetsoka yako.” Contemporary English Version inoshandura mashoko aya kuti: “Ziva kwauri kuenda.”

Mumakore anotevera, uchaita zvisarudzo zvakawanda zvinokosha zvine chokuita nokunamata, basa, kuroorana, mhuri, uye zvimwe zvinhu zvinokosha. Zvichava zviri nyore kusarudza nokuchenjera kana ukatanga kuziva kwauri kuenda. Uye sezvaunoronga zvaunoda kuita muupenyu, pane chimwe chinhu chausingatombofaniri kuregeredza.

“Yeuka Musiki Wako”

Kuti unyatsofara, unofanira kuteerera mashoko aMambo Soromoni akachenjera anoti: “Yeuka Musiki wako uchiri muduku.” (Muparidzi 12:1, Today’s English Version) Nemamwe mashoko, zvinhu zvaunosarudza muupenyu zvinofanira kudzorwa nechishuwo chako chokufadza Mwari.

Nei kutanga kuita izvi kuchikosha? Pana Zvakazarurwa 4:11, Bhaibheri rinoti: “Jehovha, imi Mwari wedu, makakodzera kuti mugamuchire kukudzwa nokuremekedzwa nesimba, nokuti makasika zvinhu zvose, uye nemhaka yokuda kwenyu zvakavapo uye zvakasikwa.” Zvisikwa zvose mudenga nepasi pano zvinofanira kuonga Musiki. Unoonga here kuti akakupa “upenyu nemhepo yokufema nezvinhu zvose”? (Mabasa 17:25) Haunzwi uchikurudzirwa kupa Jehovha Mwari chimwe chinhu here kuratidza kuti unoonga zvose zvaakakupa?

Zvavanoramba vachiyeuka Musiki wavo, vechiduku vakawanda vari Zvapupu zvaJehovha vakapinda muushumiri hwenguva yakazara. Chimbofunga dzimwe nzira dzokushumira nadzo dzakasiyana-siyana dzinonakidza dzakakuzarukira.

Kupayona. Mapiyona enguva dzose anopedza nguva yakawanda ari muushumiri. Kuburikidza nokudzidziswa uye kugara nebasa iri, vanovandudza unyanzvi hwavo hwokudzidzisa Bhaibheri.

Kushumira kunodiwa vamwe vaparidzi. Vamwe vanotamira kunzvimbo dzine vazivisi voUmambo vashoma. Vamwe vanodzidza mumwe mutauro uye vanopinda neungano iri pedyo yomutauro wokumwe kana kuti vanototamira kune imwe nyika. *

Basa roumishinari. Mapiyona anonyatsokwanisa ane utano hwakanaka uye akagwinya anodzidziswa kuti ashumire kune dzimwe nyika. Mamishinari anorarama upenyu hunonakidza, hunogutsa.

Basa repaBheteri. Nhengo dzemhuri yeBheteri dzinoshanda pahofisi dzemapazi eZvapupu zvaJehovha. Mune dzimwe nyika basa racho rinosanganisira kudhinda nokutumira mabhuku eBhaibheri.

Basa renyika yose. Vashumiri vomunyika yose vanoenda kune dzimwe nyika kunobatsira pakuvakwa kweDzimba dzoUmambo, Dzimba Dzemagungano uye zvivako zvemapazi.

Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri. Vakuru nevashumiri vanoshumira vasina kuroora vanonyatsokwanisa vanodzidziswa nyaya dzine chokuita nesangano uye kutaura pamberi pevanhu. Vamwe vanoenda kunoshumira kune dzimwe nyika pavanopedza kudzidza.

Kuronga Zvaunoda Kuita

Ushumiri hwenguva yakazara chinangwa chinokudzwa, uye hunounza zvikomborero zvisingaverengeki. Zvisinei, zvinoda kufanofunga nezvahwo. Somuenzaniso, zvibvunze kuti, ‘Ndezvipi zvandinogona kuita zvandichashandisa kuti ndizvitsigire?’

Kelly aiva nechinangwa chakajeka chokuva piyona, saka akaronga zvaaida kuita panyaya yebasa. Anoti, “Ndaifanira kusarudza basa raizoita kuti ndikwanise kuzvitsigira muushumiri.”

Ava kusekondari, Kelly akadzidza basa remaoko. Izvi zvakamubatsira kuti azadzise chinangwa chake chikuru. Kelly anoti, “Ndaida kuita ushumiri hwenguva yakazara. Zvimwe zvose zvaiva panzvimbo yechipiri.” Kelly anofara nezvaakasarudza. Anoti, “Ndinofunga kuti zvandakasarudza ndizvo zvakanakisisa zvandaigona kuita.”

Bvunza Nzira

Kudai wanga uri kufamba munzvimbo yausina kujaira, wasvika pane imwe nzvimbo ungangobvunza nzira. Unogona kuita zvakafanana paunenge uchironga ramangwana rako. Inzwa mazano evamwe. Zvirevo 20:18 inoti: “Zvirongwa zvinosimbiswa kwazvo nokupanana mazano.”

Vabereki vako ndivo vamwe vane mazano anobatsira. Asi unogonawo kutsvaka mazano kune vamwe vaKristu vakura vanoratidza kuti vakachenjera nokushandisa zano reBhaibheri. Roberto, ane makore okuma20 anoshanda paBheteri anoti, “Tarira vanhu vakura vari muungano mako kana kuti vari pedyo nekwaunogara vane muenzaniso wakanaka.”

Kupfuura vose, Jehovha Mwari anoda kukubatsira kuti usarudze zvinhu zvichaita kuti ufare zvikuru muupenyu. Saka mukumbire kuti akubatsire ‘kuramba uchinzwisisa kuti zvinodiwa naye ndezvipi.’ (VaEfeso 5:17) Muupenyu hwako, tevera zano riri pana Zvirevo 3:5, 6 rinoti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kuvimba nokunzwisisa kwako. Funga nezvake munzira dzako dzose, uye iye acharuramisa makwara ako.”

Kuti uwane mashoko akawanda, ona DVD inonzi “Young People Ask—What Will I Do With My Life?” Inowanikwa mumitauro inopfuura 30

[Mashoko Omuzasi]

RUGWARO RUNOBUDISA PFUNGWA HURU

‘Ndiedzei . . . ,’ Jehovha wemauto adaro, ‘muone kana ndisingazokuzaruririi magedhi emvura okumatenga, ndikakudururirai chikomborero kusvikira musisina chamunoshayiwa.’Maraki 3:10.

ZANO

Taura nevamwe vave vari muushumiri hwenguva yakazara kwemakore akawanda. Vabvunze kuti nei vakasarudza basa rakadaro uye kuti vanofunga kuti vakakomborerwa sei.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Magetsi anogona kuita kuti mudziyo ushande. Saizvozvowo, mudzimu mutsvene waMwari unogona kukuita kuti upedze zvakawanda mubasa rake.—Mabasa 1:8.

ZVANDINORONGA KUITA!

Kuti ndibatsirwe kuwedzera mufaro muushumiri, ndichataura na- ․․․․․

Izvi ndizvo zvandingada kubvunza vabereki vangu nezve- nyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

● Une unyanzvi hwokuita chii?

● Ungashandisa sei unyanzvi hwako kurumbidza Jehovha?

● Pamabasa oushumiri hwenguva yakazara ataurwa muchitsauko chino, nderipi raunonyanya kufarira?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 313]

“Ndinoremekedza vabereki vangu zvikuru. Kuramba vachishingaira muushumiri kwavanoita, kutsungirira kwavave vachiita nhamo yemari, uye kundikurudzira kwavakaita kuti ndiite ushumiri hwenguva yakazara, zvose zvakandibatsira kuti ndiite zvakanaka.’’—Jarrod

[Bhokisi riri papeji 314]

Pepa Rokushandira

Zvinangwa Zvangu

Maka kuti zvinangwa zvipi zvaungada kuva nazvo. Shandisa nzvimbo iripo kuti pazvinangwa zviripo unyore zvinoenderana newe kana kuti iva nezvimwe zvinangwa zvitsva.

Zvinangwa Zvoushumiri

□ Kuwedzera nguva yangu yomuushumiri kuti ive maawa ․․․․․ pamwedzi

□ Kugovera mabhuku ․․․․․ pamwedzi

□ Kushandisa Bhaibheri pandinenge ndichitaura zvandinotenda

□ Kuva nevanhu vandinodzokerazve kunoona ․․․․․

□ Kutanga chidzidzo cheBhaibheri

Zvimwe zvinangwa: ․․․․․

Zvinangwa Zvokudzidza

□ Kuverenga mapeji ․․․․․ eBhaibheri pazuva

□ Kugadzirira misangano yevhiki nevhiki

□ Kutsvakurudza misoro inotaura nezveBhaibheri inotevera: ․․․․․

Zvinangwa Zvomuungano

□ Kutsinhira kanenge kamwe chete pamusangano mumwe nomumwe

□ Kutanga kukurukurirana nomunhu akura wandingada kuziva zviri nani

□ Kushanyira munhu womuungano akwegura kana kuti anorwara-rwara

Zvimwe zvinangwa: ․․․․․

Dheti Ranhasi ․․․․․

Ongororazve zvawanyora izvi pashure pemwedzi mitanhatu, woona kuti unenge waita zvakadini pakusvitsa zvinangwa zvako. Zvichinje kana kuwedzera zvimwe pazvinenge zvichidiwa.

[Mufananidzo uri papeji 312]

Kuva nezvinangwa kuchakudzivirira kuti usapedza simba rako asi usina kwauri kuenda