Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Ndichifanira Kurarama Maererano Nemirayiro yeBhaibheri?

Nei Ndichifanira Kurarama Maererano Nemirayiro yeBhaibheri?

Chitsauko 34

Nei Ndichifanira Kurarama Maererano Nemirayiro yeBhaibheri?

Uri kudya zvokudya zvemasikati kuchikoro nevasikana vaviri mumwe mukomana mutsva paanosvika.

Musikana wokutanga anoti kwauri, “Ufunge, Brett anokufarira chaizvo. Ndinoona nematarisiro aanokuita. Maziso ake haabvi pauri!”

Musikana wechipiri anokuzendamira achizevezera obva ati, “Unombozivei? Haana musikana!”

Wave uchitoziva zvose izvi. Uyewo, mumwe musi Brett akanga ambokukoka kumba kwavo kupati. Chokwadi wakaramba zvako, kunyange zvazvo waida chaizvo kuziva kuti chii chaizoitika dai wakabvuma.

Musikana wokutanga anodimburira zvauri kufunga.

“Kungoti ini ndinotova nomukomana, ndaizoda kufambidzana naBrett,” anodaro.

Anobva akutarira achiratidza kuvhiringidzika. Unobva waziva zvaachabvunza.

“Aaa, sei usina mukomana?” anobvunza kudaro.

Unotya mubvunzo iwoyo! Chokwadi ndechokuti unodawo kuva nomukomana. Asi wakaudzwa kuti zvakanaka kuti umbomira zvevakomana kusvikira wakura. Kudai kusiri kuti . . .

“Ichechi yako handitika?” musikana wechipiri anodaro.

‘Anga aona here zvandiri kufunga?’ unozvibvunza nechomumwoyo.

Anokutsvinyira achiti, “Ndimika munongoti sika-sika neBhaibheri. Unodii kumbofarawo dzimwe nguva?”

WAKAMBOSEKWA here nokuti unoedza kurarama maererano nemirayiro yeBhaibheri? Kana zvakadaro, zvichida wakanetseka kana wakanga uri kurasikirwa nechimwe chinhu. Wechiduku anonzi Deborah akanzwa saizvozvo. Anoti, “Mirayiro yeBhaibheri yaiita seinodzvinyirira. Mararamiro emadiro aiitwa neshamwari dzangu dzokuchikoro ainditora mwoyo.”

Kumhunga Hakuna Ipwa

Hapasi pose patinodzidza zvakanakisisa kubva pane zvakaitika. Kutaura zvazviri, kuchenjera uye ndizvo zvinotaurwa neBhaibheri kuti tidzidze pane zvinokanganiswa nevamwe, sezvakaitwa nomunyori wepisarema Asafi. Kwekanguva, akanzwa sokuti mirayiro yaMwari yainyanya kudzvinyirira. Asi kuongorora upenyu hwevaya vakasiya nzira dzaMwari kwakaita kuti azive kuti kumhunga hakuna ipwa. Asafi akazogumisa kuti vakanga vari “panzvimbo inotsvedza.”—Pisarema 73:18.

Uchifunga izvozvo, chimboona zvinotevera zvakataurwa nevamwe vechiduku vakambosiya mirayiro yeBhaibheri kwekanguva vakaita zvepabonde vasati varoora kana kuroorwa.

Zvawaifunga uye zvawakaita zvakakonzerwa nei?

Deborah: “Kuchikoro ndaiona munhu wose aine waaidanana naye uye vaiita sevanofara. Pandaive navo ndichivaona vachitsvodana uye vachimbundirana, ndainzwa godo uye ndaisurukirwa. Kazhinji ndaiswera ndichifunga nezvomumwe mukomana wandaida. Izvi zvaiita kuti chido changu chokuda kuva naye chiwedzere.”

Mike: “Ndaiverenga mabhuku nokuona mafirimu epaTV anorumbidza zvepabonde. Kutaura zvepabonde neshamwari dzangu kwakawedzera kuti ndide kuziva kuti zvinomboita sei. Zvino ndava ndoga nomusikana, ndaifunga kuti taigona kungobatana chete tomirira ipapo tisina kurara tose.”

Andrew: “Ndaiva netsika yokuona zvinonyadzisira paIndaneti. Ndakatanga kushapira doro. Ndaienda kumapati aiva nevechiduku vakanga vasingaremekedzi tsika dzinodzidziswa neBhaibheri.”

Tracy: “Ndaizviziva kuti zvakaipa kuita zvepabonde musati maroorana asi ndaisazvivenga. Ndakanga ndisina kuronga kurara nomunhu asati andiroora asi havi yandainzwa yakakurira zvandaida. Kwekanguva hana yangu yakanga isingachandipi mhosva.”

Mararamiro ako aikufadza here?

Deborah: “Pakutanga ndakanzwa kupombonoka uye ndakafara kuti ndakanga ndava kukwanawo muchikwata. Asi izvi hazvina kwazvakasvika. Ndakatanga kunzwa ndisisina kuchena, ndapera basa uye ndisisiri inini. Ndakazvidemba kuti ndakanga ndatambisa umhandara hwangu.”

Andrew: “Zvakaramba zvichiva nyore kuti ndiite zvakaipa. Asi panguva imwe chete hana yangu yaindinetsa uye ndakanga ndisingafari.”

Tracy: “Unzenza hwakakanganisa uduku hwangu. Ndaifunga kuti ini nomukomana wangu taizofara chaizvo. Izvozvo hazvina kuitika. Takapedzisira tava kurwadzisana, kuita shayisano, uye kutemesana musoro. Usiku hwoga hwoga ndaichema ndiri mumagumbeze, ndichingokungura kuti dai ndakaita zvinodiwa naJehovha.”

Mike: “Ndakatanga kunzwa kuti zvinhu zvaive zvisina kumira zvakanaka. Maitiro angu aikanganisa vamwe uye ndakaedza kusava nebasa nazvo asi zvakaramba. Zvakandirwadza kuziva kuti ndaikuvadza vamwe pandaiedza kuzvifadza.”

Mazano api aungapa vechiduku vanofunga kuti tsika dzinodzidziswa neBhaibheri dzinonyanya kudzvinyirira?

Tracy: “Teerera mirayiro yaJehovha uye shamwaridzana nevanhu vanodaro. Ukadaro uchafara.”

Deborah: “Zvaunoita hazvingobatanidzi iwe uye zvaunoda chete. Zvine zvazvinoita pane vamwe. Uye kana ukasateerera zano raMwari, uchazvikuvadza.”

Andrew: “Kana usina zvakawanda zvaunoziva, unofunga kuti vezera rako vari kunakirwa noupenyu. Uchatevedzerawo zvavanoita. Saka sarudza shamwari dzako nokuchenjera. Vimba naJehovha uye hauzomboti dai ndakaziva.”

Mike: “Pazvinhu zvinokosha zvaunopiwa naJehovha pane chiremera chako uye umhandara hwako. Unenge wazvitambisa kana ukarasa zvipo izvi nokuti watadza kuzvidzora. Udza vabereki vako uye vamwe vanhu vakura nezvematambudziko ako. Kana wakanganisa, kurumidza kutaura uye wogadzirisa nyaya yacho. Kana ukaita zvinhu sezvinodiwa naJehovha, uchararama uine rugare rwomupfungwa.”

Mirayiro yeBhaibheri—Inodzvinyirira Here Kana Kuti Inodzivirira?

Jehovha ndi“Mwari anofara,” uye anoda kuti iwe ufarewo. (1 Timoti 1:11; Muparidzi 11:9) Mirayiro yakanyorwa muBhaibheri iripo kuti ikubatsire. Kutaura chokwadi, ungaiona seinodzvinyirira ichikutadzisa kusununguka. Zvisinei, kutaura zvazviri, bumbiro retsika dzeBhaibheri rakangofanana nebhande raunosunga mumotokari kuti rikudzivirire pakukuvara panoitika tsaona.

Chokwadi, unogona kuvimba neBhaibheri. Kana ukasarudza kurarama maererano nemirayiro yaro, haungofadzi Jehovha chete asi iwe uchabatsirwawo.—Isaya 48:17.

ZVIRI MUCHITSAUKO CHINOTEVERA

Unogona kuva shamwari yaMwari. Ona kuti ungazviita sei.

RUGWARO RUNOBUDISA PFUNGWA HURU

Ini, Jehovha, ndini Mwari wako, Iye anokudzidzisa kuti ubatsirwe.Isaya 48:17.

ZANO

Chimbofunga kuti waizodzivirira sei uchenjeri hwemirayiro yeBhaibheri kana mwana waamai vako achiitsoropodza. Kutaura zvaunotenda ndiyo nzira ine simba yokuti zvigare mumwoyo mako.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Zvinongotora nguva shomanana kuti ukanganise ukama hwako naJehovha, asi kuhugadzirisa kunogona kutora makore.

ZVANDINORONGA KUITA!

Kuti ndibatsirwe kunzwisisa uchenjeri hwemirayiro yeBhaibheri, ndicha- ․․․․․

Kana ndikatanga kuchiva vaya vanorarama maererano nezvinodiwa nenyika, ndicha- ․․․․․

Izvi ndizvo zvandingada kubvunza vabereki vangu nezve- nyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

● Nezvemigumisiro yokusateerera mitemo yaMwari, nei pasiri pose patinodzidza zvakanakisisa kubva pane zvakaitika kwatiri?

● Unodzidzei pane zvakataurwa naDeborah, Mike, Andrew, naTracy?

● Nei vamwe vanhu vangaona mirayiro yeBhaibheri seinonyanya kudzvinyirira, asi nei maonero akadaro ari okusachenjera?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 285]

“Kuora mwoyo kunovapo pamusana pokurangirwa zvakaipa hakuna kuipa semarwadzo okuedza kuvanza zvakaipa zvacho.’’—Donna

[Mifananidzo iri papeji 288]

Mirayiro yeBhaibheri haikutadzisi kufara; inokuchengetedza