Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Manzwiro Ako

Manzwiro Ako

CHIKAMU 7

Manzwiro Ako

Pazvirevo zvinotevera, ndezvipi zvinonyatsorondedzera zvauri?

□ Ndinonetseka nokudzora hasha dzangu.

□ Handibatsiri chinhu—hapana chakanaka chandinogona kuita.

□ Ndinogara ndakasuruvara. Handimbofari.

□ Ndinogara ndichingofunga nezvevakomana kana vasikana.

□ Dzimwe nguva ndinonzwa ndichitorwa mwoyo nevanhurume seni kana kuti nevanhukadzi seni.

Kana wasarudza chimwe chezvirevo pane zviri pamusoro apa, usaora mwoyo! Zvitsauko 26-29 zvichakubatsira kuti udzidze kudzora manzwiro ako kuitira kuti asakudzora.

[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 216, 217]