Ndingadzora Sei Manzwiro Angu?
CHITSAUKO 26
Ndingadzora Sei Manzwiro Angu?
UNOFUNGEI—moto wakanaka here kana kuti wakaipa? Zvichida ungati mhinduro yacho inoenderana nokuti zvinhu zvakamira sei. Pausiku hunenge huchitonhora munguva yechando, matanda anenge achibvira muchoto angaita kuti mumba mudziye. Izvozvo zvakanaka. Zvisinei, marimi emoto asingadzorwi angakurumidza kupararira opisa imba yose. Izvozvo zvakaipa.
Zvakafananawo nezvinoita manzwiro ako. Kana akadzorwa, anobatsira, oita kuti utange ushamwari hwakanaka. Kana manzwiro ako akasadzorwa anogona kuparadza, kwete iwe chete asiwo vamwe vanhu.
Sezvo uchiri kuyaruka, dzimwe nguva ungafufutirwa nehasha kana kuti kusuruvara zvikuru. Ungadzora sei manzwiro iwayo? Ngatikurukurei nezvawo chimwe panguva.
Kudzora Hasha
Hazvisi nyore kudzora kurwadziwa uye marwadzo aunova nawo kana uri kubatwa zvisina kunaka. Vamwe vari mumariro ezvinhu akadai havazvidzori. Kutaura zvazviri, Bhaibheri rinotaura nezvevanhu ‘vasingatani kutsamwa’ uye ‘vanoda hasha.’ (Zvirevo 22:24; 29:22) Iyi inyaya inokosha. Hasha dzisingadzorwi dzingaita kuti uite chimwe chinhu chaunozodemba. Saka ungadzora sei manzwiro ako kana wabatwa zvisina kunaka?
Kutanga, nyatsoongorora mamiriro acho ezvinhu woona kana ungagadzirisa nyaya yacho mumwoyo mako. * (Pisarema 4:4) Yeuka kuti kutsiva “zvinokuvadza nezvinokuvadza” kuchangoita kuti zvinhu zviwedzere kuipa. (1 VaTesaronika 5:15) Pashure pokunge wanyatsoongorora nyaya yacho uye wanyengetera nezvayo, ungaona kuti unokwanisa kubvisa hasha. Paunenge wangoita izvozvo, hadzizonyanyi kukudzora.—Pisarema 37:8.
Asi zvakadini kana ukaramba uchirwadziwa nezvakaitika? Bhaibheri rinoti pane “nguva yokunyarara nenguva yokutaura.” (Muparidzi 3:7) Ungataura nomunhu wacho akakurwadzisa here? Kana izvozvo zvisingaiti, ungabatsirwa nokutaurira vabereki vako kana kuti shamwari yakura manzwiro ako. Kana mumwe munhu akaedza kukutambudza achiziva zvake, edza zvose zvaunogona kuitira munhu wacho mutsa. Chati iri papeji 221 inogona kukubatsira kufunga zvimwe zvaungaita nemamiriro ezvinhu angave achiri kuita kuti unzwe hasha.
Nepose paunogona, nyengetera kuna Jehovha uye mukumbire kuti akubatsire kuti usaramba wakatsamwira munhu akakurwadzisa. Yeuka izvi: Kunyange zvazvo usingagoni kuchinja zvakaitika, unogona kuchinja manzwiro aunoita pane zvakaitika zvacho. Kana ukarega hasha dzichikuputira, unozoshaya zvokuita sehove iri pachirauro. Unobvumira mumwe munhu kuti adzore mafungiro ako uye manzwiro ako. Haufaniri kunge uri iwe here uri kuzvidzora?—VaRoma 12:19.
Kutsungirira Kusuruvara
Laura ane makore 16 anoti, “Nguva ichangopfuura ndave ndiine zvinyamusi uye ndichinyanya kuzvitsoropodza. Handimbofari muupenyu. Ndinochema kusvika ndabatwa nehope.” Kufanana naLaura, vechiduku vakawanda vanonzwa vamomoterwa nezvinetso zvoupenyu. Ko iwe? Zvinorayirwa nevabereki vako, shamwari, uye vadzidzisi; kuchinja kunoitika mumuviri uye mumanzwiro panguva yokuyaruka; kana kuti kunzwa kuti haubatsiri pamusana pezvinhu zviduku zvaunokanganisa, izvi zvingaita kuti usafara.
Vamwe vechiduku vanotozvikuvadza kuti vasanyanya kusuruvara. * Kana wava netsika yokuzvikuvadza, edza kunzwisisa chikonzero chacho. Somuenzaniso, kazhinji kuzvikuvadza inzira yokuedza kuderedza kushungurudzika. Pane zviri kuitika here—zvichida zvine chokuita nemhuri yenyu kana shamwari dzako—zviri kukudya mwoyo?
Imwe yenzira dzakanakisisa yokuita kuti manzwiro asina kunaka ave nani ndeyokutaura nomubereki kana kuti nomuKristu akura anogona kuratidza kuti “ihama inoberekerwa kubatsira pakunenge kuine kutambudzika.” (Zvirevo 17:17) Liliana ane makore 16 akaudza dzimwe hanzvadzi dzakura dzechiKristu. Anoti, “Sezvo vari vakuru kwandiri, mazano avo anobatsira. Vava shamwari dzangu.” * Dana ane makore 15 anoti akanzwa azorodzwa nokuwedzera ushumiri hwake hwechiKristu. Anoti, “Ndicho chinhu chakanakisisa chandaigona kuita. Chokwadi, yaiva nguva yaifadza zvikuru muupenyu hwangu!”
Zvinotonyanya kukosha ndezvokuti kana wakasuruvara uye wakaora mwoyo, usarega kunyengetera. Munyori wepisarema Dhavhidhi, akanga asiri mutsva pakutarisana nenhamo akanyora kuti: “Kanda mutoro wako pana Jehovha, iye achakutsigira.” (Pisarema 55:22) Jehovha anoziva kutambura kwako. Zvinotopfuura ipapo, ‘ane hanya newe.’ (1 Petro 5:7) Kana mwoyo wako uchikutambudza, yeuka kuti ‘Mwari mukuru kune mwoyo wako uye anoziva zvinhu zvose.’ (1 Johani 3:20) Anotonzwisisa kukupfuura kuti nei wakaora mwoyo uye anogona kubvisa zviri kukuremera mupfungwa.
Kana ukaramba wakasuruvara, kungava kuti une * Kana zvakadaro, zvingava zvakanaka kuti uende kuchipatara kunoongororwa. Kusava nehanya nazvo kungafanana nokuwedzera vhorumu yeredhiyo yomumotokari kuitira kuti uvhare ruzha ruri kubva muinjini. Zviri nani chaizvo kuti uedze kugadzirisa chinetso chacho. Chokwadi, haufaniri hako kunzwa uchinyara nezvauri. Vechiduku vakawanda vanotambudzika nokuora mwoyo uye nezvimwe zvinetso zvakada kudaro vari kubatsirwa nokurapwa.
dambudziko routano, rakadai sokuora mwoyo.Yeuka kuti manzwiro ako akafanana nemoto. Kana akadzorwa, anobatsira; kana akasadzorwa anogona kuparadza. Ita zvose zvaunogona kuti uadzore. Chokwadi, pano neapo ungangotaura kana kuti kuita zvinhu zvaunozodemba. Asi shivirira. Nokufamba kwenguva, uchadzidza kudzora manzwiro ako kuitira kuti asakudzora.
Uri munhu anongoda kuita zvinhu asingakanganisi here? Kana zvakadaro, ungadzidza sei kurarama nezvaunokanganisa?
[Mashoko Omuzasi]
^ ndima 8 Kana kubatwa zvisina kunaka kwacho kuchisanganisira kutyisidzirwa, ona Chitsauko 14 chebhuku rino nokuda kwemazano okukurira chinetso chacho. Ukuwo, kana shamwari yakugumbura, ungaona kuti mashoko ari muChitsauko 10 achakubatsira.
^ ndima 13 Vanhu vanozvikuvadza nemaune nenzira dzakasiyana-siyana, dzakadai sokuzvicheka, kuzvipisa, kuzvisvuura kana kuti kuzvimara ganda.
^ ndima 14 Kana usingagoni kutaura wakatarisana nomunhu wacho, edza kumunyorera tsamba kana kutaura naye pafoni. Kuvimba nomumwe munhu kazhinji ndiro danho rokutanga kuti upore mumanzwiro ako.
^ ndima 16 Kuti uwane mamwe mashoko nezvokuora mwoyo, ona Bhuku 1, chitsauko 13.
RUGWARO RUNOBUDISA PFUNGWA HURU
“Usazvirega uchikundwa nezvakaipa, asi ramba uchikunda zvakaipa nezvakanaka.”—VaRoma 12:21.
ZANO
Zuva roga roga, udza vabereki vako chimwe chinhu chakanaka chinenge chaitika kwauri—kunyange kana chiri chiduku. Zvadaro kana chinetso chakakomba chikamuka, uchaona zviri nyore kuvaudza. Uye vachada zvikuru kukuteerera.
WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?
Kana muviri wako usingawani zororo rakakwana uye zvokudya zvakakwana, ungangonetseka kudzora manzwiro ako.
ZVANDINORONGA KUITA!
Manzwiro akaipa akanyanya kundiomera kudzora ndeaya ․․․․․
Izvi ndizvo zvandichaita nemanzwiro aya akaipa ․․․․․
Izvi ndizvo zvandingada kubvunza vabereki vangu nezve- nyaya iyi ․․․․․
UNOFUNGEI?
● Nei hasha dzisingadzorwi dzichigumbura Mwari?
● Kutadza kudzora hasha dzako kungakukuvadza munzira dzipi?
● Ndedzipi dzimwe nzira dzaungatsungirira nadzo kusuruvara?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 223]
“Chinhu chainyanya kukosha kwaiva kuziva kuti mumwe munhu ane hanya neni zvechokwadi, kuti paiva nomumwe munhu wokutaura naye kana ndakaora mwoyo.’’—Jennifer
[Chati/Mifananidzo iri papeji 221]
Pepa Rokushandira
Dzora Hasha Dzako Zadzisa chati iyi
Chiitiko Zvandinoerekana Zvakanaka
ndaita zvandingaita
Wandinodzidza → Ndinomutuka → Handimupinduri, uye
naye anondiseka ndinomuratidza
kuti haagoni
kunditsamwisa
Sisi vangu → Ndinodzorera → ․․․․․
“vakakwereta” bhutsu “nokukwereta” chimwe
dzangu dzandinoda chinhu chavo
chaizvo vasina
kumbondiudza
Vabereki vangu → ․․․․․ → ․․․․․
vane zvavanondirambidza
[Mufananidzo uri papeji 220]
Munhu anoramba akatsamwa akafanana nehove iri pachirauro—zvose zvinodzorwa nomumwe munhu