Mashoko Kuvabereki
Mashoko Kuvabereki
Kune vechiduku, kuyaruka kungafanana nokufamba patambo yakakakwa. Vangasava nechokwadi nedanho rimwe nerimwe ravanotora—vangatotya. Somubereki, dzimwe nguva ungashuva kuti dai waigona kuita kuti vana vako vasa“famba” patambo iyi. Chokwadi haungazvigone, asi unogona kuva bango rinovatsigira. Uri pachinzvimbo chiri nani chokubatsira vana vako kuti varambe vari mugwara uye kuti vapedze kuyaruka kwavo vova vanhu vakuru vanoziva zvavanoita.
Zviri nyore kuzvitaura pane kuzviita here? Ichokwadi. Zvingaita sokuti ndizuro mwanakomana wako paaiva mwana ane simba aingogara achitaura; asi iye zvino ava mukomana akanyarara asingadi zvokutaura newe. Munguva pfupi yapfuura mwanasikana wako akanga asingasiyani newe; iye zvino anoita seanonyara kufamba newe munzvimbo ine vanhu vakawanda!
Asi haufaniri kunzwa sokuti haukwanisi, paunotarisana nokuchinja uku. Unogona kuwana uchenjeri hunokutungamirira iwe nomwana wako. Uchenjeri ihwohwo hunobva muShoko raMwari Bhaibheri.
Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 2, rakagadzirirwa kuti ribatsire mwana wako kuti anyatsonzwisisa zvinotaura Magwaro. Kutarira Zviri Mukati papeji 4 ne5 kuchaita kuti uzive misoro yakasiyana-siyana inokurukurwa mubhuku racho. Asi bhuku iri richaita zvakawanda pane kungoratidza chokwadi. Chimboona zvinotevera:
(1) Bhuku rino rinoita kuti muverengi abatanidzwewo. Munzvimbo dzakawanda mwana wako achakurudzirwa kunyora zvaanofunga pamibvunzo nezvirevo zvakasiyana-siyana. Somuenzaniso, bhokisi rakanzi “Zvandingaita Kuti Ndisafurirwe” riri pamapeji 132 ne133 richabatsira mwana wako kufunga zvinetso chaizvo zvaanosangana nazvo uye nzira dzokuzvikurira nadzo. Uyezve, chikamu chimwe nechimwe pazvikamu zvipfumbamwe chinoguma nepeji yakanzi “Zvoupenyu Hwangu,” iyo mwana wako anogona kunyora pfungwa dzake nemanzwiro ake pane zvaanenge averenga muchikamu chacho.
(2) Bhuku racho rinokurudzira kukurukurirana. Somuenzaniso, pamapeji 63 ne64 pane bhokisi rakanzi “Ndingataura Sei Nababa Kana Naamai Nezvepabonde?” Uyewo, panoperera chitsauko chimwe nechimwe pane bhokisi rakanzi “Unofungei?” Pane kungorishandisa pakudzokorora, bhokisi iri ringashandiswa pamunenge muchikurukura semhuri. Uyezve, chitsauko chimwe nechimwe chine bhokisi rakanzi “Zvandinoronga Kuita!” rine chirevo chokupedzisira chinokumbira wechiduku kuti azadzise mutsetse uyu unoti: “Izvi ndizvo zvandingada kubvunza vabereki vangu nezvenyaya iyi . . . ” Chirevo chacho chichakurudzira vechiduku kuti vabvunze vabereki vavo mazano anobatsira sezvavanofamba patambo yakakakwa yokuyaruka.
Shoko renyevero: Kuti ukurudzire vana vako vachiri kuyaruka kuti vanyore mumabhuku avo vasingavanzi, usaaverenga. Pave paya vachauya vega kuzokuudza zvavanenge vanyora.
Zviwanirewo bhuku rako, uye nyatsoziva zviri mariri. Paunenge uchiriverenga edza kuyeuka zvaikunetsa, kuvhiringidzika uye kuzvidya mwoyo kwawaiita uchiri kuyaruka. Kana zvakakodzera, udza mwanakomana kana mwanasikana wako zvakaitika kwauri. Izvozvo zvichakurudzira vana vako kuti vakuudzewo zvavo. Teerera pavanotaura! Kana kukurukurirana kuchiita sokusingabudiriri, usakanda mapfumo pasi. Pasinei nokuti vangaita sokuti havafariri mazano ako, vana vanowanzokoshesa mazano evabereki vavo kupfuura evezera avo.
Mufaro wedu kuita kuti iwe nevana vako muwane bhuku iri rinotsanangura Bhaibheri, uye tinonyengeterera kuti richava chikomborero kumhuri yako.
Vabudisi