Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Muenzaniso Wokutevedzera​—Dhavhidhi

Muenzaniso Wokutevedzera​—Dhavhidhi

Muenzaniso Wokutevedzera​—Dhavhidhi

Dhavhidhi anofarira mimhanzi. Ane chipo chokuimba uye anogona kunyora nziyo. Anotogadzira zviridzwa zvake. (2 Makoronike 7:6) Dhavhidhi ane unyanzvi chaizvo hwokuridza zvokuti mambo waIsraeri anomukoka kuti azoridza muimba yamambo. (1 Samueri 16:15-23) Dhavhidhi anobvuma. Asi haazvitutumadzi, uyewo haaiti kuti mimhanzi ive chinhu chinonyanya kukosha muupenyu hwake. Pane kudaro, anoshandisa chipo chake kurumbidza Jehovha.

Unofarira mimhanzi here? Ungave usina unyanzvi hwokuimba, asi unogona kutevedzera muenzaniso waDhavhidhi. Sei? Nokusaita kuti mimhanzi ive chinhu chinonyanya kukosha muupenyu hwako kana kuti iite kuti ufunge uye uite zvinhu nenzira dzinoita kuti Mwari azvidzwe. Asi shandisa mimhanzi kuita kuti uwedzere kunakidzwa noupenyu hwako. Kugona kuridza mimhanzi uye kunakidzwa nayo chipo chinobva kuna Mwari. (Jakobho 1:17) Dhavhidhi akashandisa chipo ichi zvaifadza Mwari. Ndizvo zvauchaitawo here?