Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Muenzaniso Wokutevedzera​—Hezekiya

Muenzaniso Wokutevedzera​—Hezekiya

Muenzaniso Wokutevedzera​—Hezekiya

Hezekiya ari panguva yokuchinja muupenyu hwake. Achingova nemakore 25, anova mambo waJudha. Achava mambo akaita sei? Achatevedzera muenzaniso wakaipa wababa vake, Mambo Ahazi here? Kusvikira paakafa, Ahazi akanga ari munhu akaramba kutenda asingapfidzi. Aitsigira kunamata kwechihedheni uye akatopisa mumwe wevanakomana vake paatari yechihedheni. (2 Makoronike 28:1-4) Zvisinei, Hezekiya haabvumiri unyengeri hwababa vake kuti huite kuti asafadzwa nokunamata Jehovha, uyewo haanzwi achida kudzokorora zvikanganiso zvababa vake. Asi Hezekiya anoramba “akanamatira kuna Jehovha.”2 Madzimambo 18:6.

Mumwe wevabereki vako anozvidza kunamata Jehovha here? Anokubata zvisina kunaka kana kuti muranda wetsika dzisina kunaka here? Kana zvakadaro, haufaniri kudzokorora zvikanganiso zvomubereki wako! Hezekiya haana kubvumira mamiriro ezvinhu anosiririsa ababa vake kuti akanganise upenyu hwake. Chokwadi, akava mambo akanaka zvokuti “hakuna kana nomumwe akamutevera akaita saiye pamadzimambo ose aJudha.” (2 Madzimambo 18:5) Kufanana naHezekiya, unogona kubudirira muupenyu pasinei nematambudziko emhuri. Sei? Ramba ‘wakanamatira kuna Jehovha.’