Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Shamwari Yangu Yakandirwadzisa?

Nei Shamwari Yangu Yakandirwadzisa?

CHITSAUKO 10

Nei Shamwari Yangu Yakandirwadzisa?

“Kerry aiva shamwari yangu chaiyo. Zuva nezuva ndaimutakura tapedza basa sezvo akanga asina motokari. Zvisinei, pasina nguva ndakatanga kuona kuti akanga achindishandisa.

“Aipinda mumotokari achitotaura zvake pafoni kana kunyora tsamba paserura yake. Aisambonditenda uye akarega kubhadharawo mari yepeturu. Uye aingotaura zvokutsoropodza vamwe. Ndakagumbuka chaizvo kuti nei ndakamushivirira kwenguva yakareba kudaro!

“Rimwe zuva ndakatsanangurira Kerry zvakanaka kuti ndakanga ndisingachakwanisizve kumutakura tapedza basa. Kubvira ipapo, haana kuzomboda kushamwaridzana neni, izvo zvakabva zvangondiratidza kuti aingoda kushamwaridzana neni kuti zvimunakire. Uye zvinondirwadza kwazvo!”—Nicole.

IZVI zvinogona kuitika kune shamwari dzepamwoyo. Rimwe zuva vaviri vacho vanenge vari tsika nditsikewo, mangwana acho zvatosvorana. Nei gonzo nachin’ayi zvichizokurumidza kutosvorana kudaro?

● Kuna Jeremy, zvinhu zvose zvakaita sezvachinja shamwari yake payakatamira kure nemakiromita anenge 1 600. Jeremy anoti, “Atama, haana kumbofona, uye izvozvo zvinondirwadza chaizvo.”

● Kerrin akatanga kuona kuchinja kwounhu hweshamwari yake yaakanga ashamwaridzana nayo kwemakore mashanu. Kerrin anoti, “Ndainetseka chaizvo nemaitiro uye matauriro ake. Akatanga kutsoropodza zvinhu zvandaikoshesa. Patakaedza kutaurirana nyaya yacho, akanditi ndaizviona sokunge ndakarurama uye ndakanga ndisina kuvimbika achibva ati zvakanga zvisingabatsiri kuti tishamwaridzane!”

● Kuna Gloria, ushamwari hwapedyo hwakangoerekana hwapera pasina tsananguro. Gloria anoti, “Pakutanga, taiva tsika nditsikewo, uye akandiudza kuti ndaiita kunge sisi vake. Asi pasina nguva, akarega kuita zvinhu neni, uye akanga asina chikonzero chaicho chokuti aizviitirei.

● Laura naDaria vakatanga kunetsana Daria paakatorera Laura mukomana wake. Laura anoti, “Aitaura nomukomana wangu pafoni kwenguva yakareba, kunyange zvazvo ini ndakanga ndichifambidzana naye. Ndakarasiswa neshamwari yangu yepamwoyo panguva imwe chete ndokurasikirwa nomukomana wandingadai ndakazoroorana naye!”

Chii Chakakanganisika?

Munhu wose anokanganisa. Saka zvakanaka kutarisira kuti shamwari inogona kuzoita kana kuzotaura chimwe chinhu chinokurwadza. Kutaura chokwadi, kashoma kaungayeuka kurwadzisa kwawakaita vamwe. (Muparidzi 7:22) Mumwe musikana anonzi Lisa anoti, “Tose hatina kukwana, uye apo neapo tinombogumburana.” Kazhinji kusawirirana kunokonzerwa nokusanzwisisana kunogona kupedzwa nokutaurirana kwekanguva.

Zvisinei, mune zvimwe zviitiko, kupera kwoushamwari hakungokonzerwi nechiitiko chimwe chete asi kunokonzerwa nokuziva zvishoma nezvishoma kuti imi vaviri hamuna kufanana sezvamaimbofunga. Yeuka kuti sezvaunokura, zvaunofarira zvinochinja, uye ndizvo zvinoitawo zveshamwari yako. Ungaitei kana ukaziva kuti iwe neshamwari yako hamuchawirirani sezvamaimboita?

Kugadzirisa Kwamungaita Ushamwari

Hembe yako yaunoda chaizvo yakambobvaruka here? Wakaita sei? Wakairasa here? kana kuti wakaisona? Hapana mubvunzo kuti zvawakaita zvinoenderana nokuti hembe yacho yakanga yabvaruka zvakadini uye kuti waiida sei. Kana waiida chaizvo, ungangove wakatsvaka nzira dzokuigadzirisa. Kakawanda, izvozvo zvinogonawo kuitwa kuushamwari hunenge hwakanganisika. Zvakawanda zvinoenderana nokuti chii chinenge chaitika uye kuti munowirirana zvakadini. *

Somuenzaniso, kana wakambotaurirwa mashoko anorwadza kana kuti wakaitirwa zvinorwadza, ungakwanisa kuvhara dambudziko racho nokutevera zano riri pana Pisarema 4:4 rinoti: “Taurai mumwoyo menyu, muri pamibhedha yenyu, murambe makanyarara.” Saka nyatsofunga usati wagumisa ushamwari. Akazviita nemaune here? Kana usina chokwadi, wadii kungozvitora sokuti shamwari yako yakanga isina vavariro dzakaipa. Muzviitiko zvakawanda unogona kuita kuti ‘rudo rufukidze zvivi zvizhinji.’—1 Petro 4:8.

Ungaongorora kana uine chawakaitawo kuti pave nedambudziko racho. Somuenzaniso, kana shamwari ikafumura zvakavanzika, kungava kuti kwaiva kusachenjera kwako here kuti wakaremedza shamwari yako nemashoko acho? Chimwe chokufunga nezvacho ndechokuona kana iwe uri kuita kuti usekwe, zvichida nokutaurisa kana kuti kutaura zvoupenzi. (Zvirevo 15:2) Kana zvakadaro, zvibvunze kuti, ‘Ndinofanira kuchinja here kuitira kuti shamwari yangu indiremekedze zvikuru?’

“Tingambokurukura Zvakaitika Here?”

Zvisinei, zvakadini kana uchifunga kuti haukwanisi kungokanganwa nyaya yacho? Kana zvakadaro zvingava zvakanaka kuti utaure neshamwari yako. Asi ngwarira kuti usaita izvozvo paunenge wakatsamwa. Bhaibheri rinoti: “Murume akatsamwa anomutsa kukakavara, asi anononoka kutsamwa anonyaradza kupopota.” (Zvirevo 15:18) Saka mirira kusvikira hasha dzaserera usati waedza kugadzirisa nyaya yacho.

Paunoenda kunotaura neshamwari yako, yeuka kuti chinangwa chako hachisi choku“dzorera chakaipa nechakaipa.” (VaRoma 12:17) Asi chinangwa chako ndechokugadzirisa zvinhu uye kuita kuti mutangezve kushamwaridzana. (Pisarema 34:14) Saka taura zvinobva pamwoyo. Ungati, “Tave tichishamwaridzana kwenguva yakati. Tingambokurukura zvakaitika here?” Wangoziva chete zvakakonzera dambudziko racho, zvingava nyore kuti mugadzirise ushamwari hwacho. Kunyange kana shamwari yako isingadi kutaura, unogona kunyaradzwa nokuziva kuti iwe waedza kuita kuti muve norugare.

Pakupedzisira, iva nechokwadi chokuti kunyange zvazvo ‘kuine shamwari dzinongoda zvokuputsana,’ kunewo “shamwari inonamatira kupfuura mukoma.” (Zvirevo 18:24) Chokwadi, kunyange shamwari chaidzo dzinombokanganisirana. Kana izvozvo zvikaitika, ita zvose zvaunogona kuti ugadzirise ushamwari hwacho. Zvechokwadi, kuda kugadzirisa kusawirirana kunoratidza kuti uri kuva munhu mukuru.

VERENGA ZVAKAWANDA NEZVENYAYA IYI MUBHUKU 1, CHITSAUKO 8

ZVIRI MUCHITSAUKO CHINOTEVERA

Vamwe vezera rako vangapedza nguva yakawanda vari paIndaneti. Vanotorwa mwoyo nei?

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 15 Vamwe vanhu vangasakodzera kuti varambe vari shamwari dzepedyo. Izvi zvingava zvechokwadi kana vava kuita zvisingakodzeri muKristu.—1 VaKorinde 5:11; 15:33.

RUGWARO RUNOBUDISA PFUNGWA HURU

“Kana zvichibvira, nepamunogona napo, ivai norugare nevanhu vose.”—VaRoma 12:18.

ZANO

Usati wamhanyira kumhedziso, inzwa kuti shamwari yako inoti chii.—Zvirevo 18:13.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Vanhu vane ushamwari hwakanaka vanopanana nguva yokuti mumwe nomumwe aitewo zvinhu zvake oga. (Zvirevo 25:17) Kusiyana neizvi, kunyanya kuda kuti shamwari yako ipedze nguva iinewe kungaita kuti ushamwari hwenyu hupere.

ZVANDINORONGA KUITA!

Kana ndichida kuudza shamwari yangu nezvokundirwa- dzisa kwayakaita, ndinotanga nokuti ․․․․․

Kunyange kana ndagumburwa nezvinenge zvaitwa neshamwari yangu, ndichaedza kuita kuti tirambe tiine rugare noku- ․․․․․

Izvi ndizvo zvandingada kubvunza vabereki vangu nezve- nyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

Nei dzimwe nguva ushamwari huchipera zvishoma nezvishoma?

Zvigumbu zvipi zvaungagona kugadzirisa mumwoyo mako, uye ndezvipi zvaunofanira kukurukura neshamwari yako yakakurwadzisa?

Zvidzidzoi zvinobatsira zvaungadzidza paunenge warwadziswa neshamwari yako?

Zvii zvaungaita kuti uderedze mikana yokurwadziswa neshamwari yako?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 95]

“Kudai taizoshamwaridzana zvekare, ndaisazotarisira kuti ushamwari hwedu hunge hwakakwana. Ndingadai ndakamuteerera zvikuru, ndakamutsigira uye ndisina kukudziridza zvikanganiso zvake. Iye zvino ndinonzwisisa kuti chinoita kuti ushamwari hubudirire kutsungirira miedzo nezvinetso.’’—Keenon

[Mufananidzo uri papeji 94]

Kukanganisika kwoushamwari kwakafanana nokubvaruka kwehembe, asi zvose zvinogona kugadziriswa