Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vabereki Vako

Vabereki Vako

CHIKAMU 6

Vabereki Vako

Vabereki vari pari nani nokuti vanoziva zvakawanda nezvoupenyu. Vakatopfuura nomunguva inovhiringidza yokuchinja mumuviri nomupfungwa kunoitika pakuyaruka. Vanofanira kunge vari vanhu vanonyatsogona kukutungamirira munguva iyi yokuyaruka. Zvisinei, dzimwe nguva vabereki vangatoita sokuti vari kuwedzerawo chinetso pane kuti vachigadzirise. Somuenzaniso, ungasangana nerimwe rematambudziko anotevera:

Vabereki vangu vanongoramba vachinditsoropodza.

Baba kana kuti amai vangu vakapindwa muropa nezvinodhaka kana kuti nedoro.

Vabereki vangu vanogara vachingopopotedzana.

Vabereki vangu vakaparadzana.

Zvitsauko 21-25 zvichakubatsira kukurira izvi uye zvimwe zvinetso.

[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 172, 173]