Kufambidzana Nomumwe Munhu Muchivande—Kwakaipei?
CHITSAUKO 2
Kufambidzana Nomumwe Munhu Muchivande—Kwakaipei?
Jessica akanga ava panguva yakaoma zvikuru. Zvakatanga paakatanga kufarirwa nomukomana womukirasi make anonzi Jeremy. Anoti, “Akanga akanaka chaizvo uye shamwari dzangu dzaiti handaizowana mukomana akadzikama kupfuura iyeye. Vasikana vanoverengeka vakanga vaedza kuti vadiwewo naye, asi iye akanga asingavadi. Aingoda ini chete.”
Pasina nguva, Jeremy akamupfimba. Jessica akatsanangura kuti somumwe weZvapupu zvaJehovha, haabvumirwi kufambidzana nomukomana asiri Chapupu. Anoti, “Asi Jeremy akafunga zano. Akabvunza kuti, ‘Hazviiti here kuti tifambidzane zvisingazivikanwi nevabereki vako?’”
KANA mumwe munhu anokutora mwoyo akakuudza izvozvo, ungapindura sei? Ungashamisika kuziva kuti Jessica akabvuma zano raJeremy. Anoti, “Ndaiva nechokwadi chokuti kana ndaizofambidzana naye, ndaizomuita kuti adzidze kuda Jehovha.” Zvinhu zvakazofamba sei? Tichazozviona gare gare. Kutanga, ngationei kuti vamwe vakapinda sei mumusungo wokufambidzana nomumwe munhu muchivande.
Chavanozviitira
Nei vamwe vachifambidzana muchivande? Rimwe jaya rinonzi David rinotaura muchidimbu kuti, “Vanoziva kuti vabereki vavo
havavabvumiri, saka havavaudzi.” Jane anotaura chimwe chikonzero. Anoti, “Kufambidzana nomumwe munhu muchivande kupandukira. Kana uchifunga kuti hausi kubatwa somunhu akura ava kuziva zvaari kuita, unosarudza kuti uchaita zvaunoda uye hauudzi vabereki vako.”Ungafunga nezvezvimwe zvikonzero here nei vamwe vangapinda mumuedzo wokufambidzana nomumwe munhu muchivande? Kana zviripo, zvinyore pasi apa.
․․․․․
Chokwadi, unoziva kuti Bhaibheri rinokurayira kuti uteerere vabereki vako. (VaEfeso 6:1) Uye kana vabereki vako vachiramba kuti ufambidzane nomumwe munhu, vanenge vaine chikonzero chakanaka. Kunyange zvakadaro, usashamisika kana ukaona uchifunga kuti:
● Ndinonzwa ndasaririra nokuti munhu wose ane waari kufambidzana naye kunze kwangu.
● Ndiri kutorwa mwoyo nomumwe munhu asiri wechitendero changu.
● Ndinoda kufambidzana nomumwe muKristu kunyange zvazvo ndichiri muduku zvikuru kuti tiroorane.
Zvichida unoziva kuti vabereki vako vanotii nezviri pamusoro apa. Uye mumwoyo mako unoziva kuti vabereki vako vakarurama. Panguva imwe chete, unganzwa sezvinoita mumwe musikana anonzi Manami, uyo anoti: “Ndinonzwa ndichida chaizvo kufambidzana
nomumwe munhu zvokuti dzimwe nguva ndinonzwa ndisina chokwadi nepandimire. Vechiduku vemazuva ano vanoti hazvitomboiti kuti usafambidzana nomumwe munhu. Uyezve, hazvinakidzi kungova woga!” Vamwe vanonzwawo saizvozvo vakatanga kufambidzana nomumwe munhu vachiita kuti vabereki vavo vasazviziva. Sei?“Takaudzwa Kuti Tisambozviti Bufu”
Mashoko okuti “kufambidzana muchivande” anoratidza kaunyengeri, uye kuti unyengeri hunotodiwa kuti zvifambe. Vamwe vanoramba vachifambidzana muchivande zvikurukuru nokutaurirana pafoni kana kuti paIndaneti. Paruzhinji, vanenge vachingova shamwari, asi tsamba dzavanonyorerana pakombiyuta kana kuti pafoni, uye zvavanotaura pafoni zvinoratidza kuti vanofambidzana.
Rimwe zano rounyengeri nderokuronga kuzoita zvimwe zvinhu vari boka, vaine chinangwa chokuzofambidzana vaviri vaviri. James anoti: “Pane imwe nguva, tiri boka takakokwa kuti tinosangana pane imwe nzvimbo, ndokuzongoona kuti izvi zvakanga zvakarongwa kuti vaviri vaiva muboka iri vaizova pamwe chete. Takaudzwa kuti tisambozviti bufu.”
Sezvataurwa naJames, kufambidzana muchivande kunowanzoitwa shamwari dzichitobatsirawo. Carol anoti, “Kazhinji mumwe chete anenge achiziva zviri kuitika asi haazvitauri nokuti anenge achityira kugumbura shamwari yake.” Dzimwe nguva, izvi zvinosanganisira kusatendeseka kunoitwa nemaune. Beth ane makore 17 anoti, “Vakawanda vanovanza kufambidzana kwavanoita nomumwe munhu nokusaudza vabereki vavo chokwadi nezvekwavanenge vachienda.” Misaki ane makore 19 akaita izvozvo chaizvo. Anoti, “Ndaifanira kunyatsotsvaka nyaya yokunyepa. Ndaingwarira kuti ndisataure dzimwe nhema kunze kwedziya dzaiva nechokuita nokufambidzana
kwangu nomumwe munhu kuitira kuti vabereki vangu varambe vachindivimba.”Ngozi Dzokufambidzana Nomumwe Munhu Muchivande
Kana ukasangana nomuedzo wokufambidzana nomumwe munhu muchivande—kana kuti kana uri kutozviita—unofanira kuzvibvunza mibvunzo miviri inotevera:
Zvandiri kuita zvichandisvitsa kupi? Uri kuronga kuroorana nomunhu wacho pasina kurebesa nguva here? Evan ane makore 20 anoti, “Kufambidzana nomumwe munhu usina chinangwa chokuroorana naye kwakafanana nokushambadzira chimwe chinhu chaunenge usiri kutengesa.” Zvingaguma nei? Zvirevo 13:12 inoti: “Kana chinhu chinotarisirwa chikanonoka, chinoita kuti mwoyo urware.” Chokwadi unoda kuti mwoyo womumwe munhu wauine hanya naye urware here? Imwe nyevero ndeyokuti: Kudanana muchivande kuchaita kuti vabereki vako uye vamwe vanhu vakura vane hanya vatadze kukubatsira. Pamusana peizvi, ungangova mungozi yokuita unzenza.—VaGaratiya 6:7.
Jehovha Mwari anonzwa sei pamusoro pezvandiri kuita? Bhaibheri rinoti: “Zvinhu zvose zvakafukurwa uye zviri pachena mumaziso aiye watinozvidavirira kwaari.” (VaHebheru 4:13) Saka kana uri kuvanza kufambidzana kwauri kuita nomumwe munhu, kana kuti kuri kuitwa neshamwari yako, Jehovha anotozviziva. Uye kana paine unyengeri, une chikonzero chakanaka chokuti ufunge nezvazvo. Jehovha Mwari anovenga zvikuru kureva nhema. Kutaura zvazviri, “rurimi runoreva nhema” runotaurwa zvakananga pakati pezvinhu zvaanovenga zvakanyorwa muBhaibheri!—Zvirevo 6:16-19.
Kugumisa Kufambidzana Muchivande
Zvechokwadi, ungabatsirwa kana ukaudza vabereki vako kana kuti muKristu akura akasimba pakunamata nezvokufambidzana 1 Timoti 5:22) Chokwadi, waizonzwa sei kana kufambidzana kwacho kwaizova nemigumisiro yakaipa? Waisazonzwawo uine mhosva here?
nomumwe munhu kwauri kuita muchivande. Uye kana shamwari yako iri kudanana nomumwe munhu muchivande, usadziya moto wembavha nokuibatsira kuti zvisazivikanwa. (Kuenzanisira: Ngatitii shamwari yako ine chirwere cheshuga uye iri kudya zvayo zvinhu zvinotapira muchivande? Tomboti wazviziva, asi shamwari yako yokuteterera kuti usambozviti bufu kune mumwe munhu? Chii chaunganyanya kuva nehanya nacho—kuvanza zviri kuitwa neshamwari yako here kana kuti kuita chimwe chinhu chingangoita kuti achengetedze upenyu hwake?
Unotarisana nemamiriro ezvinhu akafanana kana ukaziva kuti shamwari yako iri kufambidzana nomumwe munhu muchivande. Usanetseka nezvokuti ushamwari hwenyu hungaparara zvachose. Nokufamba kwenguva, shamwari yechokwadi ichaziva kuti wakanga uchiita zvakainakira.—Pisarema 141:5.
Muchivande Here Kana Kuti Kusangoda Kuti Zvikurumidze Kuzivikanwa?
Chokwadi, hakusi kufambidzana kwose kunoitwa muchivande kune unyengeri. Somuenzaniso, ngatitii rimwe jaya nemhandara vangada kuzivana zviri nani, asi kwenguva yakati vangasada kuti zvizivikanwe nevanhu vakawanda. Zvichida, sezvinotaurwa nerimwe jaya rinonzi Thomas, “havadi kuramba vachinayiwa nemibvunzo yakadai sokuti, ‘Saka mucharoorana rini?’”
Zvechokwadi zvinotaurwa nevamwe zvinogona kuva nengozi. (Rwiyo rwaSoromoni 2:7) Saka pavanotanga kufambidzana, vamwe vangasarudza kuita kuti vanhu vakawanda vasaziva nezvazvo. (Zvirevo 10:19) Anna ane makore 20 anoti, “Izvi zvinoita kuti vaviri vacho vave nenguva yokuona kana vasiri kuita zvokutamba. Kana vasiri kuita zvokutamba, vanobva vaita kuti vanhu vakawanda vazvizive.”
Panguva imwe chete, zvingave zvakaipa kuvanzira vaya vanofanira kuzviziva, vakadai sevabereki vako kana kuti vabereki vomunhu wauri kufambidzana naye. Chokwadi, kana usingadi kubuda pachena kuti uri kufambidzana nomumwe munhu, unofanira kuzvibvunza kuti nei. Unotoziva here kuti vabereki vako vangava nechikonzero chakanaka chokusabvumirana nazvo?
“Ndakabva Ndaziva Zvandaifanira Kuita”
Jessica, ambotaurwa kwokutanga, akachinja pfungwa dzake nezvokufambidzana naJeremy muchivande paakanzwa zvakaitika kune mumwe muKristu akanga achiitawo izvozvo. Jessica anoti, “Ndanzwa zvaakaita kuti agumise kufambidzana kwacho, ndakabva ndaziva zvandaifanira kuita.” Zvaiva nyore here kugumisa kufambidzana kwacho? Kwete! Jessica anoti, “Ndiye mukomana chete wandakanga ndanyatsofarira. Kwevhiki dzinoverengeka ndaichema zuva nezuva.”
Asi Jessica aiziva kuti aida Jehovha. Uye kunyange zvazvo akanga amboti tsaukei, ainyatsoda kuita zvakarurama. Nokufamba kwenguva, marwadzo okugumisa kufambidzana kwacho akadzikira. Jessica anoti, “Iye zvino ukama hwangu naJehovha hwava nani kupfuura kare. Ndinoonga zvikuru kuti anotipa mazano atinoda panguva yakakodzera!”
Ngatitii wagadzirira kufambidzana nomumwe munhu uye wawana mumwe munhu waunoda. Asi unoziva sei kana munhu wacho akakukodzera?
RUGWARO RUNOBUDISA PFUNGWA HURU
“Tinoda kuva vakatendeseka muzvinhu zvose.”—VaHebheru 13:18.
ZANO
Nyika yose haifaniri hayo kuziva kuti unofambidzana nomumwe munhu. Asi unofanira kuudza vaya vanofanira kuzviziva. Kazhinji, vanosanganisira vabereki vako nevabereki vomunhu wauri kufambidzana naye.
WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?
Ukama hunogara kwenguva refu hunovakirwa pakuvimbana. Kufambidzana muchivande kunoita kuti vabereki vako vasakuvimba uye kunoderedza kusimba kwedzinde roukama hwako newauri kufambidzana naye.
ZVANDINORONGA KUITA!
Kana ndiri kufambidzana nomumwe muKristu muchivande, ndicha- ․․․․․
Kana shamwari yangu iri kufambidzana nomumwe munhu muchivande, ndicha- ․․․․․
Izvi ndizvo zvandingada kubvunza vabereki vangu nezvenyaya iyi ․․․․․
UNOFUNGEI?
● Chimbodzokera kumamiriro ezvinhu matatu akanyorwa nemabhii matema-tema ari papeji 22. Pane anotsanangura manzwiro aunoita dzimwe nguva here?
● Ungaita sei nezvenyaya yacho asi usingafambidzani nomumwe munhu muchivande?
● Kudai uchiziva kuti shamwari yako iri kufambidzana nomumwe munhu muchivande, waizoita sei nazvo, uye nei waizosarudza kuita izvozvo?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 27]
Ndakarega zvokufambidzana muchivande. Chokwadi, zvaindirwadza kudzokera kuchikoro uye kuona mukomana wacho zuva nezuva. Asi Jehovha Mwari anogona kuona zvose zvinenge zvichiitika uye zvinoguma zvaitika, asi isu hatigoni. Tinotofanira kuvimba naJehovha.’’—Jessica
[Mufananidzo uri papeji 25]
Kuvanza kufambidzana muchivande kuri kuitwa neshamwari kwakafanana nokuvanza zviri kuitwa nomunhu ane chirwere cheshuga ari kudya zvinotapira muchivande