Varaidzo
CHIKAMU 8
Varaidzo
Kakawanda zvakadini kaunozvivaraidza nezvinhu zvakadai semasipotsi, mimhanzi, mafirimu, TV kana kuti mitambo yemavhidhiyo?
□ Kashoma
□ Kamwe pazuva
□ Kakawanda pazuva
Ndiani kana kuti chii chinoita kuti usarudze zvokuzvivaraidza nazvo?
□ Vezera rako
□ Vabereki vako
□ Zvinoshambadzirwa
Iwe nevezera rako mune zvokuzvivaraidza nazvo zvakawanda kupfuura zvaiva nevanhu kare. Asi nguva yaunayo ishoma pazuva. Uye rudzi rwevaraidzo yauchasarudza runogona kuchinja mafungiro ako uye maitiro ako. Saka inguva yakawanda zvakadini yaungapedzera muvaraidzo? Uye ungaziva sei yokusarudza? Zvitsauko 30-33 zvichakubatsira kuti unyatsofungisisa nezvevaraidzo yaunosarudza.
[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 244, 245]