Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndingaita Sei Kuti Ndisanyanya Kukoshesa Mimhanzi?

Ndingaita Sei Kuti Ndisanyanya Kukoshesa Mimhanzi?

CHITSAUKO 31

Ndingaita Sei Kuti Ndisanyanya Kukoshesa Mimhanzi?

Unokoshesa mimhanzi zvakadini?

□ Ndinogona kurarama ndisina.

□ Ndingafa ndikaishayiwa.

Ndirini paunoteerera mimhanzi?

□ Ndiri parwendo

□ Ndichiverenga

□ Nguva dzose

Unonyanya kufarira mumhanzi werudzii, uye nei? ․․․․․

ZVINOITA sokuti tose zvedu takaberekwa tichikwanisa kunakidzwa nemimhanzi. Uye kune vechiduku vakawanda, mimhanzi chinhu chavanofanira kuva nacho. Amber ane makore 21 anoti, “Handigoni kurarama ndisina mimhanzi. Nguva dzose kunenge kuti ndinenge ndichingoteerera mimhanzi—kunyange pandinenge ndichichenesa mumba, ndichibika, ndichifambira zvimwe zvinhu, kana kuti ndichiverenga.”

Mutinhimira ungabva hawo pakupindirana kwezviridzwa, asi musambo wacho haungogumiri mupfungwa chete asi unopinda mukati-kati memwoyo. Sezvazvakangoita kuti “shoko rinotaurwa panguva yakakodzera, haiwa rakanaka sei!” rwiyo runoridzwa panguva yakakodzera runogona kunyaradza zvikuru! (Zvirevo 15:23) Jessica ane makore 16 anoti, “Dzimwe nguva unofunga kuti hapana anombonzwisisa manzwiro ako. Asi pandinoteerera bhendi randinonyanya kufarira, ndinoziva kuti handisi ndoga ndinoora mwoyo.”

Inyaya Yokuitisana Nharo Here Kana Kuti Yokuti Mose Munakidzwe?

Kunyange chiri chokwadi kuti unoda mimhanzi yako, vabereki vako vangava nemaonero akasiyana. “Baba vangu vanoti, ‘Dzima ruzha urwo! Ruri kukuvadza nzeve dzangu!’” anodaro mumwe mukomana achiri kuyaruka. Waneta nokunetswa, unganzwa sokuti vabereki vako vari kungoita kuti nyaya duku ive hombe. Mumwe musikana anoti, “Ko ivo pavakanga vachiri vaduku? Vabereki vavo vakanga vasingafungi kuti mimhanzi yavo yakanga yakaipa here?” Ingred ane makore 16 anotsutsumwa achiti: “Vanhu vakuru vanoita sevanoomerera pachinyakare chavo. Zvaizova zvakanaka kudai vaiziva kuti mimhanzi yezera redu inotinakidzawo zvokuti dhu!”

Zvinotaurwa naIngred idama. Sezvaungaziva kuti kubvira kare, vanhu vakura nevaduku vave vachiitisana nharo pamusoro pezvinhu zvavanoda. Asi kupikisana ikoko hakurevi kuti mimhanzi inofanira kuva chinhu chokuitirana nharo nguva dzose. Mushonga ndewokuona kana mungawana zvinokunakidzai mose nevabereki vako. Kana vabereki vako vachiremekedza Bhaibheri, zvinhu zvakakunakira zvikuru. Nei? Nokuti Shoko raMwari rinogona kukubatsira iwe nevabereki vako kuti muone zvinhu zvisingabvumirwi zvachose uye pane mukana wokuti munhu asarudze zvaanoda. Kuti uite izvi, unofanira kuongorora zvinhu zviviri zvinokosha: (1) pfungwa dziri mumimhanzi yaunoteerera uye (2) uwandu hwemimhanzi yaunoteerera. Kutanga, ngationei mubvunzo wokuti . . .

Ndedzipi Pfungwa Dziri Mumimhanzi Yangu?

Mimhanzi yakafanana nezvokudya. Rudzi rwakanaka rwakawanda zvakakodzera runokubatsira. Rudzi rusina kunaka kunyange ruri rushoma, runokukuvadza. Zvinosuruvarisa kuti mimhanzi yakaipa ndiyo ingave ichinyanya kunakidza. Mumwe wechiduku anonzi Steve anochema-chema achiti, “Nei mimhanzi yose ine mutinhimira wakanaka iine mashoko akashata zvikuru?”

Kana uchifarira mutinhimira wacho, mashoko acho ane basa chaizvoizvo here? Kukubatsira kupindura mubvunzo uyu, zvibvunze kuti: ‘Kana mumwe munhu aizoda kuti ndimedze muchetura, aizondinyengetedza sei kuti ndidaro? Aizounyika muvhiniga kana kuti kuuzora zvinotapira here?’ Murume akatendeka Jobho akabvunza kuti: “Nzeve haiedzi mashoko sokuravira kunoita rurimi zvokudya here?” (Jobho 12:11) Saka pane kungoteerera rwiyo nokuti unoda bhiti kana kuti mutinhimira warwo—zvinotapira zvakazorwa—‘edza mashoko acho’ nokutarira musoro uye mashoko arwo. Nei? Nokuti mashoko ari mumimhanzi yacho ane zvaachaita pakufunga kwako uye pamaitiro ako.

Zvinosuruvarisa kuti mimhanzi yakawanda yemazuva ano ine mashoko anokurudzira zvepabonde, chisimba uye kushandisa zvinodhaka nenzira isiri iyo. Kana usingafungi kuti kuteerera mashoko akadaro kunokukanganisa, unenge watotanga kukuvadzwa “nomuchetura.”

Funga Woga

Vezera rako vangakukurudzira zvikuru kuti uteerere mimhanzi yakaipa. Indasitiri yezvemimhanzi pachayo inotokukurudzirawo. Pachishandiswa redhiyo, Indaneti uye terevhizheni, mimhanzi yazova indasitiri yokuita nayo mazakwatira emari. Nyanzvi dzokushambadza dzinohayiwa kuti dzichinje uye dzidzore kufarira kwaunoita mimhanzi.

Asi paunorega vezera rako kana kuti zvinobudisa mashoko zvichikurayira zvokuteerera, unorasikirwa nesimba rako rokusarudza. Unova muranda asingafungi. (VaRoma 6:16) Bhaibheri rinokukurudzira kuti urambe kufurirwa nenyika munyaya dzakadaro. (VaRoma 12:2) Saka unofanira kurovedza ‘simba rako rokunzwisisa kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa.’ (VaHebheru 5:14) Ungashandisa sei simba rako rokunzwisisa paunenge uchisarudza mimhanzi? Chimbofunga mazano anotevera:

Ongorora kavha yacho. Kazhinji, kungotarira kamwe chete kavha yacho kana kuti mashoko okushambadza zvakakwana kuti uone zviri mumumhanzi wacho. Mifananidzo inoratidza chisimba, zvepabonde kana kuti zvemidzimu inofanira kukunyevera. Mimhanzi iri mukati ingangovewo yakashata.

Ongorora mashoko acho. Zvii zviri kutaurwa? Unonyatsoda kuteerera kana kuti kudzokorora pfungwa idzodzo nguva nenguva here? Pfungwa dzacho dzinoenderana nezvaunokoshesa uye mirayiro yechiKristu here?—VaEfeso 5:3-5.

Ona migumisiro yacho. “Ndakaona kuti mimhanzi yakawanda yandaiteerera uye mashoko emimhanzi yacho zvaiita kuti ndisuruvare,” anodaro wechiduku anonzi Philip. Chokwadi, mimhanzi ingachinja vanhu nenzira dzakasiyana-siyana. Asi mimhanzi yako inoita kuti unzwe sei? Zvibvunze kuti: ‘Ndinoramba ndichingofunga zvinhu zvakaipa here pashure pokunzwa bhiti kana kuti mashoko omumhanzi wacho? Ndava kutanga kutaurawo here mashoko echibhende anoshandiswa mumimhanzi yacho?’—1 VaKorinde 15:33.

Fungawo vamwe. Vabereki vako vanonzwa sei nezvemimhanzi yako? Vabvunze kuti vanofungei nezvayo. Fungawo kuti vamwe vaKristu vanganzwa sei. Vamwe vangavhiringidzwa here nemimhanzi yako? Kugona kuchinja maitiro ako pamusana pokuremekedza manzwiro evamwe kunoratidza kukura.—VaRoma 15:1, 2.

Nokuzvibvunza mubvunzo uri pamusoro apa, uchakwanisa kusarudza mimhanzi inoita kuti ufare asi isingakuurayi mune zvokunamata. Asi pane chimwezve chokufunga nezvacho.

Ndepapi Painganzi Yawandisa?

Kufanana nezvokudya zvakanaka, mimhanzi yakanaka inogona kubatsira. Zvisinei, chimwe chirevo chakachenjera chinonyevera kuti: “Wawana uchi here? Idya hwakakukwanira, kuti urege kudya hwakawandisa ukahurutsa.” (Zvirevo 25:16) Uchi hunorapa. Asi kunyange chinhu chakanaka chikawandisa chinogona kukukuvadza. Unodzidzei? Zvinhu zvakanaka zvinofanira kuitwa zvine mwero.

Zvisinei, vamwe vechiduku vanobvumira kuti mimhanzi idzore upenyu hwavo. Somuenzaniso, Jessica ambotaurwa kwokutanga anoti: “Ndinoteerera mimhanzi nguva dzose—kunyange pandinenge ndichidzidza Bhaibheri. Ndinoudza vabereki vangu kuti zvinobatsira kuisa pfungwa dzangu pane zvandinenge ndichiita. Asi havabvumi zvandinotaura.” Zvinotaurwa naJessica wakambozvinzwa here?

Ungaziva sei kuti ndepapi panganzi mimhanzi yawandisa? Zvibvunze mibvunzo inotevera:

Ndinopedza nguva yakawanda sei ndichiteerera mimhanzi zuva rimwe nerimwe? ․․․․․

Ndinopedza mari yakawanda sei pamimhanzi mwedzi mumwe nomumwe? ․․․․․

Mimhanzi yangu inovhiringidza ukama hwemhuri yedu here? Kana ichidaro, nyora pasi apa kuti unganatsiridza sei mamiriro acho ezvinhu. ․․․․․

Kuchinja Kuteerera Kwaunoita

Kana mimhanzi ichikutorera nguva yako yakawandisa, zvingava zvakanaka kuti uzviisire miganhu uye uwedzere kuva nemwero pakuteerera kwaunoita. Somuenzaniso, ungafanira kurega tsika yokuisa mahedhifoni munzeve zuva rose kana kuti kuridza mumhanzi paunongoti pindikiti mumba.

Chokwadi, unodii kudzidza kumbonakidzwa norunyararo? Kuita izvozvo kungakubatsira paunenge uchiverenga. Steve ambotaurwa kwokutanga anoti, “Uchabatsirwa zvikuru paunoverenga kana mumhanzi wakadzimwa.” Edza kuverenga mumhanzi usiri kurira, uye ona kana uri kukwanisa kuvandudza pakuisa pfungwa dzako pane zvaunenge uchiverenga.

Uchadawo kuronga nguva yokuverenga uye kudzidza Bhaibheri nemabhuku eBhaibheri. Pane dzimwe nguva, Jesu Kristu aitsvaka nzvimbo yakanyarara kuti anyengetere uye kuti afungisise. (Mako 1:35) Nzvimbo yaunoverengera haina ruzha uye zvinodzongonyedza here? Kana isina kudaro, unenge uchideredza kukura kwako mune zvokunamata.

Sarudza Zvakanaka

Zvechokwadi mimhanzi chipo chinobva kuna Mwari, asi unofanira kungwarira kuti usaishandisa zvisina kunaka. Usaita somumwe musikana anonzi Marlene uyo anoti: “Ndine mumhanzi wandinoziva kuti ndinofanira kurasa. Asi unonakidza zvokuti dhu.” Chimbofunga kukanganisa kwaari kuita pfungwa dzake nemwoyo nokuteerera mimhanzi yakaipa! Dzivisa musungo iwoyo. Usarega mimhanzi ichikukanganisa kana kuti ichidzora upenyu hwako. Omerera pamitemo yechiKristu yakakwirira pakusarudza mimhanzi yako. Nyengeterera kuti Mwari akutungamirire uye kuti akubatsire. Tsvaka shamwari dzinotenda zvaunotenda.

Mimhanzi ingakubatsira kuti usununguke zvako. Inogona kukubatsira kuti usasurukirwe paunenge uri woga. Asi mumhanzi paunopera, matambudziko ako anenge achiripo. Uye nziyo hadzitsivi shamwari chaidzo. Saka usarega mimhanzi ichiva chinhu chinonyanya kukosha muupenyu hwako. Nakidzwa nayo, asi ichengete iri munzvimbo yayo.

ZVIRI MUCHITSAUKO CHINOTEVERA

Unofanira kumbonyevenukawo apo neapo. Mirayiro yeBhaibheri ingakubatsira sei kuti unyatsonakidzwa?

RUGWARO RUNOBUDISA PFUNGWA HURU

Nzeve haiedzi mashoko sokuravira kunoita rurimi zvokudya here?Jobho 12:11.

ZANO

Kana uchida kuti vabereki vako vanzwisise kuti nei uchifarira imwe nziyo kana kuti rimwe bhendi, tanga iwe kuedza kufarira mimwe mimhanzi yavanofarira.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Kana uchizeza kuti vabereki vako vanzwe mimhanzi yaunonyanya kufarira, zvingaratidza kuti pane chakaipa nemimhanzi yaunosarudza.

ZVANDINORONGA KUITA!

Ndinogona kudzora mimhanzi yangu kana ndika- ․․․․․

Kana vezera rangu vakandimanikidza kuti nditeerere mi- mhanzi isingagamuchiriki, ndichati ․․․․․

Izvi ndizvo zvandingada kubvunza vabereki vangu nezve- nyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

Nei kusarudza kwaunoita mimhanzi kuchikosha kwazvo?

Ungaziva sei kana rwiyo ruchigamuchirwa kana kuti kwete?

Ungaitei kuti udzidze kufarira mimhanzi yakasiyana-siyana?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 259]

“Dzimwe nguva ndinoerekana ndava kuteerera rwiyo rwandinoziva kuti haruna kunaka. Ndinobva ndangodzima ipapo. Kana ndikasadaro, ndinotanga kutsvaka zvikonzero zvokuruona serwakanaka.’’—Cameron

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 258]

Dzidza Kufarira Mimhanzi Yakasiyana-siyana

Iye zvino wava kufarira marudzi akawanda ezvokudya here kupfuura zvawaiita pawaiva nemakore mashanu? Kana zvakadaro, imhaka yokuti wava kufarira kudya zvinhu zvakasiyana-siyana. Ndizvowo nemimhanzi. Usangoomerera pamusambo mumwe chete. Edza kudzidza kufarira mimhanzi yakasiyana-siyana.

Imwe nzira yokuita izvi ndeyokudzidza kuridza zviridzwa. Izvi hazvingofadzi uye hazvingogutsi chete asi zvingaita kuti unzwe mimwe misambo yemimhanzi inosimudzirwa nevanoshambadza zvemimhanzi. Ungawana kupi nguva yokudzidza? Unogona kutenga nguva pane yaunopedza uchiona TV kana kuti uchitamba mitambo yemavhidhiyo. Ona zvinotaurwa nevechiduku ava.

“Kuridza chiridzwa kunonakidza zvikuru uye kunogona kuva nzira yakanaka yokuratidza manzwiro ako. Kudzidza kuridza nziyo itsva kwakandidzidzisa kuti ndifarire misambo yakasiyana-siyana.”—Brian ane makore 18, anoridza gitare, ngoma uye piyano.

“Unofanira kudzidzira kana uchida kugona kunyatsoridza chiridzwa. Uye nguva dzose kudzidzira kwacho hakusi nyore. Asi kugona kuridza mumhanzi kunoita kuti ufare uye kunoita kuti unzwe kuti waita chimwe chinhu.”—Jade ane makore 13, anoridza gitare rinonzi viola.

“Zvinhu pazvinenge zvakandiomera kana kuti pandinenge ndakaora mwoyo, kuridza gitare rangu kunondinyevenutsa. Kuridza mimhanzi inonakidza neinozorodza kunofadza zvikuru.”—Vanessa ane makore 20 anoridza gitare, piyano uye chiridzwa chakada kuita sebhosvo.

“Ndaiwanzofunga kuti, ‘Handimbofi ndakagona kuridza sezvinoita vamwe vanhu.’ Asi ndakaramba ndichidzidzira, uye iye zvino ndinogutsikana zvikuru pandinoridza mumhanzi zvakanaka. Ndinoyemurawo zvikuru unyanzvi hwevamwe vanogona kuridza.”—Jacob ane makore 20, anoridza gitare.

[Mufananidzo uri papeji 255]

Mimhanzi yakafanana nezvokudya. Rudzi rwakanaka rwakawanda zvakakodzera runokubatsira. Rudzi rwakaipa kunyange ruri rushoma, runokukuvadza