CHIDZIDZO 14
Shamwari dzaMwari Dzinodzivisa Zvakaipa
Satani anoedza vanhu kuti vaite zvakaipa. Munhu anoda kuva shamwari yaMwari anofanira kuvenga zvinovengwa naJehovha. (Pisarema 97:10) Hezvino zvimwe zvezvinhu zvinodziviswa neshamwari dzaMwari:
Zvivi zvounzenza. “Usaita upombwe.” (Eksodho 20:14) Kurara nomunhu musati maroorana zvakaipa zvekare.—1 VaKorinde 6:18.
Udhakwa. “Zvidhakwa . . . ha[zvi]zogari nhaka yeumambo hwaMwari.”—1 VaKorinde 6:10.
Kuuraya, Kubvisa pamuviri. “Usauraya.”—Eksodho 20:13.
Kuba. “Usaba.”—Eksodho 20:15.
Kureva nhema. Jehovha anovenga “rurimi runoreva nhema.”—Zvirevo 6:17.
Pisarema 11:5) “Mabasa enyama [anosanganisira] . . . kufufutirwa nokutsamwa.”—VaGaratiya 5:19, 20.
Chisimba Nokutsamwa Kusingadzorwi. “[Jehovha] unovenga wakaipa nounomanikidza.” (Kubhejera. “Murege kufambidzana nomunhu . . . anokara.”—1 VaKorinde 5:11.
Ruvengo Rworudzi Nedzinza. “Rambai muchida vavengi venyu uye kunyengeterera vanokutambudzai.”—Mateu 5:43, 44.
Zvinhu zvatinoudzwa naMwari zvakatinakira. Hazvisi nyore nguva dzose kudzivisa kuita zvinhu zvakaipa. Uchibetserwa naJehovha uye neZvapupu zvake, unogona kudzivisa kuita zvinhu zvisingafadzi Mwari.—Isaya 48:17; VaFiripi 4:13; VaHebheru 10:24, 25.